1Tsoka dzako dzakanaka seiko mushangu, iwe mukunda womuchinda! Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo, Basa ramaoko emhizha.
1
2Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka, Musingashaikwi waini yakavhenganiswa; Chiuno chako chaita sedutu rezviyo Rakakomberedzwa namaruva.
2
3Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vana vakaberekwa vari vaviri.
3
4Mutsipa wako wakaita seshongwe yorunyanga rwenzou; Meso ako samakuvi paHeshibhoni, Pasuwo reBhatirabhimi; Mhinho dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni Yakatarisana neDhamasiko.
4
5Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri; Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku; Mambo akasungwa nevhudzi rakaremberera.
5
6Wakanaka sei, unofadza sei, Mudiwa, pakati pezvinofadza.
6
7Umiro hwako hwakafanana nomuchindwe, Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo.
7
8Ndakati, ndichakwira mumuchindwe, Ndibate matavi awo; Mazamu ako ngaave samasumbu emizambiringa, Nokunhuhwira kwemhino dzako sokunhuhwira kwamaapuri,
8
9Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka, Inotapira mudikamwa wangu pakumwiwa kwayo, Inoyerera pamiromo yavavete.
9
10Ndini womudiwa wangu; Kuda kwake kunondivinga.
10
11Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, Ngatigare mumisha.
11
12Ngatifumire kuminda yemizambiringa; Tindoona kana muzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
12
13Mudiwadiwa anobudisa kunhuhwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.
13