1Zvino ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
1準繩的異象我又舉目觀看,看見一人手裡拿著量度用的繩子。(本節在《馬索拉抄本》為2:5)
2Ipapo ndikati, Unoendepiko? Iye akati kwandiri, Kundoyera Jerusaremu, ndione kufara kwaro nokureba kwaro.
2我問他:“你到哪裡去?”他對我說:“我要去量度耶路撒冷,看看有多寬,有多長。”
3Zvino tarira, mutumwa akanga achitaurirana neni, akabuda, mumwe mutumwa akandomuchingamidza,
3那與我說話的天使離去的時候,另有一位天使迎著他來,
4akati kwaari, Mhanya, undotaura nejaya iri, uti, Jerusaremu richagara semisha isina masvingo, nokuda kokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zvirimo.
4對他說:“你快跑去告訴那年輕人:‘耶路撒冷必有人居住,像沒有城牆規限的田野,因為城中的人和牲畜很多。
5nekuti zvanzi naJehovha, ndichava kwariri sorusvingo rwomoto rwakapoteredza, ini ndichava kubwinya kwaro mukati maro.
5耶和華說:我要作耶路撒冷四圍的火牆和城中的榮耀。’”
6Nhai, imwi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6呼召人民回歸故土“嗨!嗨!你們要從北方之地逃走(這是耶和華的宣告),因為我過去曾把你們分散在天的四方。”這是耶和華的宣告。
7Nhai, Ziyoni, pukunyuka, iwe ugere nomukunda weBhabhironi.
7耶和華說:“嗨!與巴比倫的居民同住的錫安的人民哪!逃跑吧!”
8nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nekuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rake.
8萬軍之耶和華這樣說,得了榮耀之後,他差遣我去攻擊那些劫掠你們的列國,因為凡觸摸你們的,就是觸摸他眼中的瞳人。
9nekuti tarirai, ndichazunungusa ruoko rwangu pamusoro pavo, vachava chinhu chakapambwa kuna ivo vaivabatira; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma.
9看哪!我要向他們揮動我的手,他們就必成了自己奴僕的掠物。這樣,你們就知道萬軍之耶和華差遣了我。
10Imba, ufare, iwe mukunda weZiyoni; nekuti tarira, ndinouya, ndichagara mukati mako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
10“錫安的居民(“居民”原文作“女子”)哪!你們要歡呼快樂,因為我要來住在你們中間。”這是耶和華的宣告。
11Ndudzi zhinji dzichanamatira Jehovha nezuva iro, vakava vanhu vangu; ndichagara mukati mako, ipapo iwe uchaziva kuti ndiye Jehovha wehondo wakandituma kwauri.
11到那日,許多國家要歸附耶和華,作他的(“他的”原文作“我的”)子民,他要(“他要”原文作“我要”)住在你們中間。你們就知道萬軍之耶和華差遣了我到你們那裡去。
12Judha vachagarwa nhaka naJehovha, uchava mugove wake munyika tsvene, uchazvisanangurirazve Jerusaremu.
12耶和華必再得著猶大作他在聖地的業分,他必再揀選耶路撒冷。
13Nyararai imwi nyama yose pamberi paJehovha; nekuti wamuka paugaro hwake hutsvene.
13全人類都當在耶和華面前肅靜,因為他從自己聖潔的居所被激動起來了。