Shona

聖經新譯本 (Simplified)

2 Corinthians

6

1Zvino zvatinobatawo pamwe, tinokumbira zvikuruwo kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina.
1表明是 神的仆人
2Nekuti unoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarirai, zvino nguva yakafanira; tarirai ikozvino zuva rekuponeswa.
2因为他说:“在悦纳的时候,我应允了你;在拯救的日子,我帮助了你。”看哪!现在就是悦纳的时候,现在就是拯救的日子。
3Hatigumbusi nechinhu, kuti kushumira kurege kumhurwa;
3我们凡事都没有妨碍人,不让这职分受到毁谤,
4asi pazvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, pamanikidzo, pakushaiwa, pakumanikidzwa,
4反而在各样的事上,表明自己是 神的仆人,就如持久的忍耐、患难、贫乏、困苦、
5pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa, pakusavata, pakutsanya,
5鞭打、监禁、扰乱、劳苦、不睡觉、禁食、
6pautsvene, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri;
6纯洁、知识、容忍、恩慈、圣灵、无伪的爱心、
7pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama, kurudyi nekuruboshwe,
7真理的道、 神的大能等事上;并且是借着左右两手中公义的武器,
8nekukudzwa nekuzvidzwa, neguhu rakaipa neguhu rakanaka; sevanyepedzeri, asi tiri vechokwadi;
8借着荣耀和羞辱、坏名声和好名誉。我们好像是骗人的,却是真诚的,
9sevasingazikamwi, asi tichizikamwa zvikuru; sevanofa, asi tarirai, tiri vapenyu; sevanorohwa, asi tisingaurawi;
9好像是人所不知的,却是人所共知的;好像是必死的,你看,我们却是活着的;好像是受惩罚的,却没有处死;
10sevanoshungurudzwa, asi tichigara tichifara; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; savasine chinhu, asi tine zvose.
10好像忧愁,却是常常喜乐的;好像贫穷,却使很多人富足;好像是什么都没有,却是样样都有。
11Imwi veKorinde, muromo wedu wakashama kwamuri, moyo wedu wakuriswa.
11哥林多人哪!我们对你们,口是坦率的,心是宽宏的。
12Hamumanikidzwi matiri, asi munomanikidzwa mumoyo menyu.
12并不是我们对你们器量小,而是你们自己心胸狭窄。
13Zvino pakutsiva kwakadaro, ndinotaura sekune vana vangu, imwiwo mukuriswe.
13你们也要照样以宽宏的心对待我们,这话正像是我对儿女说的。
14Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nekuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingabatana sei nerima?
14分别为圣你们和不信的人不可共负一轭,义和不法有什么相同呢?光明和黑暗怎能相通呢?
15Kristu unokunzwana kwei naBeriari? Unotenda ungava nemugove wei neusingatendi?
15基督和彼列(“彼列”是撒但的别名)怎能和谐呢?信的和不信的有什么联系呢?
16Tembere yaMwari ine chitenderano chei nezvifananidzo? Nekuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva achiti: Ndichagara mavari, nekufamba mavari; ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
16 神的殿和偶像怎能协调呢?我们就是永生 神的殿,正如 神说:“我要住在他们中间,在他们中间来往;我要作他们的 神,他们要作我的子民。”
17Naizvozvo budai pakati pavo, muraurwe, ndizvo zvinotaura Ishe, uye musabata chine tsvina; uye ini ndichakugamuchirai,
17所以,“主说:你们要从他们中间出来,和他们分开,不可触摸不洁净的东西,我就收纳你们。”
18Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Wemasimbaose.
18“我要作你们的父亲,你们要作我的儿女。这是全能的主说的。”