1Zvino zvakaitika kuti, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro, akasvika Efeso; akawana vamwe vadzidzi,
1在以弗所
2akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene kubva zvamakatenda here? vakati kwaari: Kwete, asi hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene.
2问他们说:“你们信的时候,受了圣灵没有?”他们说:“没有,连圣灵赐下来这件事,我们也没有听过。”
3Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.
3保罗问:“那么你们受的是什么洗呢?”他们说:“是约翰的洗礼。”
4Zvino Pauro akati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza rubhabhatidzo rwekutendeuka, achiti kuvanhu vanofanira kutenda kuna iye unouya shure kwake, iye Kristu Jesu.
4保罗说:“约翰施的是悔改的洗礼,他告诉人民当信在他以后要来的那一位,就是耶稣。”
5Vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu,
5他们听见了,就受洗归入主耶稣的名下。
6Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.
6保罗为他们按手,圣灵就降在他们身上,他们就用各种的语言讲话,并且说预言。
7Ivavo varume vose vainge gumi nevaviri.
7他们一共约有十二人。
8Zvino wakapinda musinagoge, akataura akashinga kwemwedzi mitatu, achiparidza, achipwisa zveushe hwaMwari.
8一连三个月,保罗都到会堂里去,放胆宣讲,辩论 神的国的事,劝导人。
9Asi vamwe vakati vachiomesa moyo vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tairano.
9可是有些人心里刚硬,不受劝化,在群众面前毁谤这道,保罗就离开他们,也叫门徒与他们分开。他每天在推喇奴学院跟人辩论。
10Izvozvi zvakaramba zvichiitwa kwemakore maviri, zvekuti vose vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vose vaJudha nevaGiriki.
10这样过了两年,全亚西亚的居民,无论犹太人或希腊人,都听见了主的道。
11Mwari akaita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,
11士基瓦的七个儿子 神借着保罗的手,行了一些不平凡的神迹。
12nekudaro micheka yekumeso nemafasikoti zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yetsvina ikabuda kwavari.
12甚至有人把保罗贴身的手巾围巾拿去,放在病人身上,病就好了,邪灵也出来了。
13Zvino vamwe vaJudha vadzingi vemweya yetsvina vaipota-pota, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yetsvina, vachiti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.
13那时,有几个赶鬼的犹太人,周游各处,擅自用主耶稣的名,向身上有邪灵的人说:“我奉保罗所传的耶稣的名,命令你们出来。”
14Zvino vaiva vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mukuru wevapristi vaiita izvi.
14有一个犹太人士基瓦,是祭司长,他的七个儿子都作这事。
15Mweya wetsvina ukapindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva maererano naye, asi imwi ndimwi vana ani?
15邪灵回答他们:“耶稣我认识,保罗我也知道;你们是谁?”
16Ipapo munhu waiva nemweya wetsvina akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba imomo vasina nguvo, vakuvadzwa.
16邪灵所附的那人就扑到他们身上,制伏了两人,胜过了他们,使他们赤着身带着伤,从那房子逃了出来。
17Zvino izvi zvikazikamwa kune vose vaJudha nevaGirikiwo vakange vagere paEfeso, kutya kukavawira vose, zita raIshe Jesu rikakudzwa.
17所有住在以弗所的犹太人和希腊人,都知道这件事;大家都惧怕,尊主耶稣的名为大。
18Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.
18也有许多信了的人,来承认和述说自己行过的事。
19Vazhinji vevaiita zveun'anga, vakaunganidza mabhuku avo pamwe, vakaapisa pamberi pevose; vakaverenga mutengo wawo, vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu.
19又有许多行巫术的人,把他们的书带来,当众烧掉。他们估计书价,才知道共值五万块银子。
20Naizvozvo shoko raIshe rikakura nesimba rikakunda.
20这样,主的道大有能力地兴旺起来,而且得胜。
21Izvozvo zvakati zvapera, Pauro akazvipira mumweya kuenda kuJerusarema, kana ambogura nepaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndaenda ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.
21以弗所的骚动这些事以后,保罗心里定意要经过马其顿、亚该亚,往耶路撒冷去。他说:“我到了那边以后,也该去罗马看看。”
22Zvino akatumira Makedhonia vaviri vevaimushandira, vanaTimotio naErasto, iye amene akagara Asia kwenguva.
22于是从服事他的人中,派了提摩太和以拉都两人去马其顿,自己暂时留在亚西亚。
23Zvino nenguva iyoyo mhirizhonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.
23那时,因这道起了大扰乱,
24Nekuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, zvaiuyisa mubairo usati uri muduku kumhizha.
24有一个银匠,名叫低米丢,是制造亚底米女神银龛的。他让技工们作了不少的生意。
25Akadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana upfumi hwedu.
25他把这些人和同业的工人聚集起来,说:“各位,你们知道,我们是靠这生意赚钱的。
26Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yose, Pauro uyu wakagombedzera nekutendesa chaunga, achiti: Zvakaitwa nemaoko havazi vamwari.
26现在你们看见了,也听见了,这个保罗不单在以弗所,而且几乎在整个亚西亚,说服了,也带坏了许多人,说:‘人手所做的,都不是神。’
27Zvino hahwuzi umhizha hwedu chete huri panjodzi yekuzvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashoorwa neukuru hwake huchaparadzwa, iye, unonamatwa neAsia yose nenyika yose.
27这样,不只我们这一行要给人鄙视,就是大女神亚底米的庙也会给人撇弃,连全亚西亚和普天下所敬拜的女神也要垮台,威荣尽都失掉了。”
28Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Dhiana wevaEfeso mukuru!
28他们听了,怒气冲冲喊着说:“以弗所人的女神,伟大的亚底米啊!”
29Guta rose rikazadzwa nenyonganyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panzvimbo paitambirwa, vakabata Gayo naArisitako vaMakedhonia vaiperekedza Pauro.
29全城骚动起来,他们捉住了保罗的旅伴马其顿人该犹和亚里达古,齐心冲进了剧场。
30Zvino Pauro akada kupinda kuchaunga, vadzidzi havana kumutendera.
30保罗想要到人群当中去,门徒却不许。
31Nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo yekutambira.
31还有几位亚西亚的首长,是保罗的朋友,派人来劝他,不要冒险到剧场里去。
32Zvino vamwe vakadanidzira chinhu chimwe, vamwe chimwe; nekuti ungano yakange yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
32那时大家叫这个喊那个,乱成一团,大多数的人都不知道聚集的原因。
33Ipapo vakabudisa Arekisandro kunze kwechaunga, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekisandro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira pamberi pevanhu.
33犹太人把亚历山大推到前面,群众中有人把这事的因由告诉他。亚历山大作了一个手势,要向民众申辩。
34Asi pavakaziva kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kune vose, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Dhiana wevaEfeso mukuru!
34大家一认出他是犹太人,就异口同声高呼:“以弗所人的女神,伟大的亚底米啊!”喊了约有两个钟头。
35Zvino munyori weguta wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, munhu ndeupi usingazivi kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kuna Zeusi.
35后来,书记官安抚群众说:“以弗所人哪!谁不知道你们的城,是看守大亚底米的庙,又是看守宙斯那里降下的神像的呢?
36Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.
36这些事既然是驳不倒的,你们就应当平心静气,不可轻举妄动。
37Nekuti mauya pano nevarume ava, vasati vari makororo etembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.
37你们带来的这些人,既没有行劫庙宇,也没有亵渎我们的女神。
38Zvino kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe munhu, misi yekutonga inochengetedzwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.
38如果低米丢和同他一起的技工要控告谁,大可以告上法庭,或呈交总督;让他们彼此控告好了。
39Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererana nepamusoro pezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.
39如果还有其他的事件,可以在合法的集会里,谋求解决。
40Nekuti tiri munjodzi yekukwirirwa nekuda kwebongozozo zvapasina chikonzero chatingapa rondedzero yenyongano iyi.
40今天的动乱,本来是无缘无故的,我们可能有被控告的危险;关于这次的骚动,我们实在无法解释。”
41Zvino wakati ataura izvozvo, akaparadza ungano.
41说了这些话,就把群众解散了。