1Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
1保罗在马尔他岛上的经历
2Zvino vatorwa avo vakatiitira unyoro husati huri uduku; nekuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nekuda kwemvura uye nekuda kwechando.
2当地的人对我们非常友善;因为下过一场雨,天气又冷,他们就生了火来招待我们。
3Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva murudziyira chikanamatira paruoko rwake.
3保罗拾了一捆干柴,放在火上的时候,有一条毒蛇,受不住热,爬了出来,缠住他的手。
4Zvino venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.
4当地的人看见那条蛇悬在他手上,就彼此说:“这个人一定是凶手,虽然从海里脱险,天理也不容他活着!”
5Asi iye wakazuzira chikara mumoto, akasakuvara.
5但是保罗却把那条蛇抖在火里,自己一点也没有受伤。
6Ivo vakatarisira kuti uchazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa, zvino vakati vatarira nguva refu vakasaona achisvikirwa nenjodzi, vakashandura fungwa voti ndimwari.
6他们等着看他发肿,或者忽然暴毙。但等了很久,见他平安无事,就转念说,他是个神明。
7Zvino pakapoteredza ipapo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
7那地附近有些田产,是岛上的首领部百流所拥有的。他欢迎我们,善意招待我们三天。
8Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nekubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pavo, akavaporesa.
8那时,部百流的父亲患了痢疾,发热卧病在床,保罗到他那里,为他祈祷按手,医好了他。
9Naizvozvo izvi zvakati zvaitwa, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakauya vakaporeswa;
9这么一来,岛上其他有病的都来了,也都治好了。
10Vakatikudzawo nekukudza kukuru; tikati toenda vakaisa muchikepe zvinhu zvaidikamwa.
10他们多方面尊敬我们;到开船的时候,又把我们所需要的东西送来。
11Zvino shure kwemwedzi mitatu, takaenda nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri*.
11保罗抵达罗马过了三个月,我们上了一艘亚历山太来的船。这船在岛上过冬,船的名字是“宙斯双子”。
12Zvino tasvika nepaSirakuse takagara mazuva matatu.
12到了叙拉古,我们停留了三天。
13Tabvapo tikatenderera ndokusvika Regiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yaibva kuchamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika Puteori;
13从那里绕道航行,来到利基翁。过了一天,起了南风,第二天到达部丢利。
14patakawana hama, tikakumbirwa kuti tigare nadzo mazuva manomwe; saizvozvo takaenda Roma.
14我们在那里遇见一些弟兄,他们邀请我们一同住了七天。这样,我们就来到了罗马。
15Zvino kubva ipapo, hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzakauya kuzotichingamidza kudzamara vasvika Apio Foramu nepaDzimba Dzavaeni Nhatu; Pauro wakati adziona akavonga Mwari, akatsunga moyo.
15弟兄们听到了我们的消息,就从罗马出来,在亚比乌和三馆迎接我们。保罗见了他们,就感谢 神,胆子也壮了起来。
16Zvino takati tasvika Roma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi, asi Pauro akatenderwa kugara ari oga nemuuto waimurinda.
16保罗在罗马传道我们到了罗马,保罗获准独自与看守他的士兵居住。
17Zvino zvikaitika kuti shure kwemazuva matatu, Pauro akakokera vakuru vevaJudha pamwe; zvino vakati vaungana akati kwavari: Varume hama, kunyange ndisina kuitira vanhu, kana tsika dzemadzibaba edu chakaipa, ndakabva kuJerusarema ndiri musungwa ndakumikidzwa pamaoko evaRoma;
17过了三天,保罗请犹太人的首领来。他们都到了,保罗说:“各位弟兄,我虽然没有作过什么事反对人民或者反对祖先的规例,却被捆绑起来,从耶路撒冷交到罗马人的手里。
18ivo vakati vandiongorora, vakada kundisunungura, nekuti pakange pasina mhosva yerufu kwandiri.
18他们审讯之后,因为在我身上没有什么该死的罪,就想要释放我。
19Asi vaJudha vakati vapikisana nazvo, ndikarovererwa kuzvipfuudza kuna Kesari; kwete kuti ndaiva nechinhu chekupomera rudzi rwangu.
19可是犹太人反对,我迫不得已才上诉凯撒,并不是有什么事要控告我的国民。
20Naizvozvo nekuda kwezvikonzero izvi, ndakudanai, kuti ndikuonei, nditaure nemwi, nekuti ndakasungwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.
20因此,我请你们来见面谈谈。我原是为了以色列的盼望,才带上这条锁链的。”
21Zvino vakati kwaari: Hatina kugamuchira tsamba kubva Judhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama wakasvika akatipira kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.
21他们说:“我们没有收到犹太来的信,是提到你的,弟兄中也没有人来报告,或说你什么坏话。
22Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nekuti kana riri bato iri, tinoziva kuti rinopikiswa kose-kose.
22但我们觉得应该听听你本人的意见,因为关于这教派,我们知道是到处遭人反对的。”
23Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi, akavadudzira, achivapupurira ushe hwaMwari, akavakumbirisa maererano naJesu, zvose kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.
23他们和保罗约好了一个日子,到那日有很多人到他的住所来见他。他从早到晚向他们讲解,为 神的国竭力作见证,引用摩西的律法和先知的话劝他们信耶稣。
24Vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.
24他所说的话,有人信服,也有人不信。
25Zvino zvavakange vasinganzwanani pachavo, vakaenda Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,
25他们彼此不合,就分散了。未散以前,保罗说了几句话:“圣灵借以赛亚先知对你们祖先所说的,一点不错。
26achiti: Enda kuvanhu ava uti: Nekunzwa muchanzwa musinganzwisisi, nekuona muchaona musingaonesesi;
26他说:‘你去告诉这人民:你们听是听见了,总是不明白;看是看见了,总是不领悟。
27nekuti moyo yevanhu ava yakasindimara, nzeve dzavo dzinonzwa nemutsutsuru, vakavhara meso avo; kuti zvimwe vangaona nemeso avo, nekunzwa nenzeve dzavo, nekunzwisisa nemoyo yavo, vatendeuke, ndigovaponesa
27因为这人民的心思迟钝,用不灵的耳朵去听,又闭上了眼睛;免得自己眼睛看见,耳朵听见,心里明白,回转过来,我就医好他们。’
28Naizvozvo ngazvizikamwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni; ivo vacharunzwawo.
28所以你们应当知道, 神这救恩,已经传给外族人,他们也必听从。”
29Zvino wakati ataura mashoko awa, vaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.
29(有些抄本在此有第29节:“他说了这话,犹太人中间大起争论,就走了。”)
30Pauro akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari,
30保罗在自己所租的房子里,住了两年。凡来见他的人,他都接待,
31achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zvinhu izvo maererano naIshe Jesu Kristu, asingatongotyi, pasina kudziviswa.
31并且放胆地传讲 神的国,教导有关主耶稣基督的事,没有受到什么禁止。