1Inzwai shoko iri randinokuchemai naro, imwi imba yalsiraeri.
1哀歌
2Mhandara yalsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.
2“童贞女以色列,跌倒了,不能再起来;她被拋弃在自己的地上,没有人扶她起来。”
3nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Paimba yaIsiraeri guta, rakabuda kundorwa navane chiuru chamazana, richasara nezana roga, uye rakabuda nezana richasara negumi.
3因为主耶和华论以色列家这样说:“这城派兵一千,剩下的只有一百;出兵一百,只剩下十个。”
4nekuti zvanzi naIshe Jehovha kuimba yaIsiraeri, Nditsvakei, murarame;
4寻求主得以存活耶和华对以色列家这样说:“寻求我,就必存活;
5asi regai kutsvaka Bhetieri, kana kupinda Girigari, kana kupfuurira Bheerishebha; nekuti Girigari richatapwa zvirokwazvo, Bhetieri richarova.
5不要去伯特利寻求我,不要去吉甲,也不要过去别是巴。因为吉甲必被掳掠,伯特利必化为乌有。”
6Tsvakai Jehovha, murarame; kuti arege kupfuta paimba yaJosefa somoto unopedza zvose, kukasava nomunhu anoudzima paBhetieri.
6寻求耶和华,就必存活,免得他像火在约瑟家猛烈蔓延,吞灭他们;没有人能把伯特利的火扑灭。
7Imi, munoshandura kururamisira muchikuita segavakava, muchiwisira kururama pasi,
7他们使公正变为苦堇,把公义弃于地上。
8tsvakai iye, akaita nyeredzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake);
8那创造昴星和参星,把幽暗变为黎明,把白日转为黑夜;又吩咐海水,把海水倒在地上的;耶和华就是他的名。
9anouyisira vane simba kuparadza kunokurumidza, kuparadza ndokuwira nhare.
9是他使毁灭像闪电临到堡垒,使毁灭临到坚固的城。
10Vanovenga anovaraira pasuwo, vanosema anotaura zvakarurama.
10你们讨厌那在城门口主持公道的人,恨恶说正直话的。
11Zvino zvamunotsika murombo pasi, muchitora dzimba dzamabwe akavezwa, asi hamungagarimo, makasima minda yemizambiringa inofadza, asi hamungamwi waini yayo.
11你们欺压穷人,强征他们的五谷;因此,你们用琢磨过的石头建造房屋,却不能住在其中;你们栽种美好的葡萄园,却不能喝园中的酒。
12nekuti ndinoziva kuti kudarika kwenyu kuzhinji, uye kuti zvivi zvenyu zvikuru, kwazvo, iyemi, munomanikidza vakarurama, munogamuchira fufuro, muchiramba anoshaiwa pasuwo.
12因为我知道你们的过犯众多,罪大恶极;你们迫害义人,收受贿赂,在城门口屈枉穷乏人;
13Saka akangwara achanyarara nenguva yakadai, nekuti inguva yakaipa.
13为此,聪明人在这时代缄默无声,因这时代邪恶。
14Tsvakai zvakanaka, murege kutsvaka zvakaipa, kuti murarame, ipapo Jehovha, Mwari wehondo achava nemi, sezvamunoreva.
14你们要寻求良善,不要寻求邪恶,这样才可以存活。耶和华万军的 神就必与你们同在,正如你们所说的。
15Vengai zvakaipa, mude zvakanaka, mururamisire vanhu musuwo; zvimwe Jehovha, iye Mwari wehondo, achanzwira nyasha vakasara vaJosefa.
15你们要喜爱良善,恨恶邪恶,在城门口伸张正义;这样,耶和华万军的 神或会恩待约瑟的余民。
16Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, Maiwe! Maiwe! Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza.
16因此,主耶和华万军的 神这样说:“各广场充满哀恸的声音,街上只听见‘苦啊!苦啊!’的喊声;人要召农夫来哀哭,召善于哭丧的人来哀喊。
17Kuungudza kuchavapo paminda yose yemizambiringa; nekuti ndichapfuura napakati penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
17所有葡萄园充满哀恸的声音,因为我必在你们中间经过。”这是耶和华说的。
18Vurombo kwamuri imwi munoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha munorida neiko? Richava rima, hachingavi chiedza.
18渴望耶和华日子来临的人,你们有祸了!耶和华的日子对你们有什么好处呢?那日是黑暗,没有光明的日子。
19Zvichaita somunhu anotiza shumba, ndokusangana nebere; kana seanopinda mumba, akabata pamadziro noruoko rwake, ndokurumwa nenyoka.
19那日就像一个人避过了狮子,却遇上了熊;回到家里,手靠在墙上,却被蛇咬。
20Ko zuva raJehovha haringavi rima, rikarega kuva chiedza here? Haringati, Zi! Kwazvo, risina kupenya here?
20耶和华的日子不是黑暗,没有光明,只有幽暗,全无光辉吗?
21Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa.
21 神不喜欢外表的敬虔我憎恨、厌恶你们的节期,也不喜爱你们的节日。
22Zvirokwazvo, kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuvonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa.
22虽然你们给我献上燔祭和素祭,我却不接受。你们献上肥美的牲畜作平安祭,我也不悦纳。
23Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nekuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
23你们唱歌的吵声要远离我,我不想听见你们的琴声。
24Asi kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.
24但愿公正好像潮水滚流,公义好像河水长流。
25Nhai imba yaIsiraeri, makandivigira zvibayiro nezvipo murenje makore ana makumi mana here?
25以色列家啊!你们在旷野四十年,有献燔祭和素祭给我吗?
26Zvirokwazvo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni zvifananidzo zvenyu, iyo nyeredzi yamwari wenyu, wamakazviitira.
26你们抬着你们的神“撒固”王,和你们的星神“迦温”的神像,就是你们为自己所做的。
27Naizvozvo ndichakutapisai mberi kweDhamasiko, ndizvo zvinotaura Jehovha, anezita rinonzi Mwari wehondo.
27我必使你们被掳,流亡到大马士革以外。这是耶和华说的,万军的 神就是他的名。