1Hezvi zvandakaratidzwa nalshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kukohwa kwamambo kwapera.
1蝗灾的异象
2Zvino dzakati dzapedza kudya uswa bwenyika, ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha, chikangamwirai henyu; Jakove angamira seiko, zvaari muduku?
2蝗虫吃尽地上的农产时,我说:“主耶和华啊!求你宽恕,因雅各太弱小,怎能站立得住呢?”
3Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, Hazvingaitwi.
3耶和华对这事改变心意,耶和华说:“这事不会发生。”
4Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.
4火焰的异象主耶和华向我这样显示:看哪!主耶和华召来刑罚的火,烧毁广大的深渊和以色列的地业。
5Ipapo ndakati, Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakove angamira seiko, zvaari muduku?
5因此我对主耶和华说:“求你停止吧!因雅各太弱小,怎能站立得住呢?”
6Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, Nezvizviwo hazvingaitwi.
6耶和华对这事改变心意。主耶和华说:“这事也不会发生。”
7Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
7准绳的异象他向我这样显示:看哪!主站在一道按准绳建造的墙旁边,手里拿着准绳。
8Jehovha akati kwandiri, Amosi unooneiko? Ini ndikati, Rwonzi rwokuyera narwo. Zvino Ishe akati, Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve,
8耶和华对我说:“阿摩司,你看见什么?”我回答:“我看见准绳。”主又说:“看哪!我把准绳放在我民以色列中间,必不再放过他们。
9nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoami
9以撒的各邱坛必荒废,以色列所有的圣所必废弃;我必起来用刀击杀耶罗波安家。”
10Zvino Amazia mupristi weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
10亚玛谢控告阿摩司伯特利的祭司亚玛谢派人向以色列王耶罗波安报告:“阿摩司在以色列家中图谋背叛你,这国家不能容忍他说的话;
11nekuti Amosi anoti, Jerobhoami achaurawa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.
11因为阿摩司这样说:‘耶罗波安必死在刀下,以色列必被掳,离开本国。’”
12Amazia akatiwo kuna Amosi, Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo;
12亚玛谢对阿摩司说:“你这个先见,走吧!滚回犹大地去;在那里你可以找食,在那里你可以说预言。
13asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nekuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo.
13但不要再在伯特利说预言,因为这里是王的圣所,是王国的圣殿。”
14Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde,
14先知的见证与预言阿摩司回答亚玛谢说:“我原不是先知,也不是先知的门徒;我本是牧人,是修理桑树的,
15Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.
15但耶和华选召我,叫我不再跟随羊群;他对我说:‘你去,向我民以色列说预言。’
16Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;
16现在你要听耶和华的话;因为你说:‘不要说预言攻击以色列,不要说攻击以撒家的话。’
17naizvozvo zvanzi naJehovha, Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe womene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.
17所以,耶和华这样说:‘你妻子必在城中作妓女,你的儿女必倒在刀下;你的土地必被人量度瓜分,你自己必死在不洁之地;以色列必被掳,离开本国。’”