Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Amos

9

1Ndakaona Ishe amire parutivi rwearitari, akati, Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.
1毁坏圣所的异象
2Kunyange vakachera kusvikira paSheori, ruoko rwangu ruchandovatorapo; kunyange vakakwira kusvikira kudenga, ndichavaburusapo.
2如果他们下到阴间,就是在那里,我的手必把他们揪上来;如果他们升到天上,就是在那里,我必把他们拉下来;
3Kunyange vakandovanda pamusoro peKarimeri, ndichavatsvaka nokuvabvisapo; kunyange vakavanda meso angu pakudzika kwegungwa, ndicharaira nyoka kundovarumapo.
3如果他们躲在迦密山顶,就是在那里,我必搜寻他们,抓他们出来;如果他们要躲避我,藏在海底,就是在那里,我必命令蛇去咬他们;
4Kunyange vakatapwa navavengi vavo, ndicharaira munondo kundovaurayapo, ndicharinzira meso angu kwavari kuti ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka.
4如果他们被仇敌掳去,就是在那里,我必命令刀剑杀死他们;我必定睛在他们身上,降祸不降福。”
5nekuti Ishe Jehovha wehondo ndiye unobata nyika ikanyauka, vose vageremo vachachema; ichakwira yose soRwizi, ichadederazve soRwizi rweEgipita;
5万军之主耶和华摸地,地就融化,住在地上的都要悲哀。这地必像尼罗河高涨,像埃及的大河退落。
6ndiye anovaka makamuri ake kudenga, wakateya denga rake panyika; iye anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika pose; Jehovha ndiro zita rake.
6他在天上建立楼阁,在大地之上奠立穹苍;他召唤海水,把海水浇在地上;耶和华是他的名。
7Nhai, imwi vana vaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeEgipita here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?
7“以色列人哪!在我看来,你们不是与古实人一样吗?我带领以色列人出埃及地,不是也领非利士人出迦斐托,领亚兰人出吉珥吗?”这是耶和华的宣告。
8Tarirai, meso aIshe Jehovha anoona ushe hunotadza, ndichahuparadza ndihubvise panyika pose, asi handingaparadzi chose imba yaJakove ndizvo zvinotaura Jehovha.
8“看哪!耶和华的眼目察看这有罪的国,我要把它从地上除灭;却必不把雅各家完全除灭。”这是耶和华的宣告。
9nekuti tarirai, ndicharaira, ndichapepeta imba yaIsiraeri pakati pamarudzi ose, sezvinopepetwa zviyo mumusero, kunyange zvakadaro tsanga imwe dukuduku haingawiri pasi.
9耶和华说:“看哪!我必下令,我必在列国中筛以色列家,好像人用筛子筛谷,但谷粒不会落在地上。
10Vatadzi vose vavanhu vangu vachaurawa nomunondo,
10我民中所有犯罪的人,就是那些说:‘灾祸必不临近、追上我们’的人,他们必死在刀下。
11Nezuva iro ndichamutsa tabherinakeri yaDhavhidhi yakawira pasi, nokudzivirapo pakakoromorwa; ndichamutsazve matongo ayo, ndichaivakazve sezvayakanga yakaita pamazuva akare;
11以色列将来的复兴“到那日,我必竖立大卫倒塌的帐幕,修补它们的破口;我必重建它的废墟,使它像往日一样建立起来。
12kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu, namarudzi ose akatumidzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita izvozvi.
12好使他们获得以东所余剩的,以及所有称为我名下的国。”这是行这些事的耶和华的宣告。
13Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha Murimi achabata mucheki, nomusvini wemizambiringa achabata anodzvara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.
13“日子快到,这是耶和华的宣告。耕地的必紧接着收割的,踹葡萄的必紧接着撒种的;大山必滴下新酒,小山必融化。
14Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu vaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemizambiringa, vachimwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.
14我必使我的子民以色列被掳的人回归,他们必重建荒废的城,住在其中;他们必栽种葡萄园,喝园中的酒;建造果园,吃园中的果子。
15Ndichavasima panyika yavo, havangazodzurwizve panyika yavo yandakavapa, ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wenyu.
15我必把他们栽于他们自己的土地,他们再不会从我赐给他们的土地上被拔除。”这是耶和华你的 神说的。