1Zvino mambo Bheshazari akaitira madzishe ake ane chiuru chezana mutambo mukuru, akamwa waini pamberi paivo vane chiuru chezana.
1伯沙撒王大宴群臣
2Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yendarama neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi yaiva muJerusaremu, kuti iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vamwe nayo.
2伯沙撒喝酒欢畅的时候,下令把他先祖尼布甲尼撒从耶路撒冷圣殿里掠取的金银器皿拿来,好让他和他的大臣、妻妾、妃嫔用这些器皿来喝酒。
3Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakamwa nayo.
3于是人把从耶路撒冷圣殿里,就是 神的殿里,掠来的金银器皿拿来;王和他的大臣、妻妾、妃嫔就用这些器皿来喝酒。
4Vakamwa waini, vakarumbidza vamwari vendarama nesirivha nendarira nedare namatanda namabwe.
4他们喝酒,赞美那些用金、银、铜、铁、木、石所做的神。
5Zvino nenguva iyeyo mimwe yoruoko rwomunhu yakauya ikanyora pakatarisana nechigadziko chomwenje pasuko remadziro eimba yamambo, mambo akaona chanza choruoko rwakanga ruchinyora.
5指头在墙上写字当时,忽然有人手的指头出现,在王宫里灯台对面的粉墙上写字;王看见了那只正在写字的手掌,
6Ipapo chiso chamambo chakashanduka maari, pfungwa dzake dzikatambudzwa, zvipfundo zvechiuno chake zvikasununguka, mabvi ake akarovana.
6就脸色大变,心意惊惶,两脚无力,双膝彼此相碰。
7Mambo akadanidzira achiti vauye nen anga navaKaradhea navafemberi. Mambo akataura akati kuna vakachenjera veBhabhironi, Ani naani angarava izvi zvakanyorwa, akandizivisa kududzirwa kwazvo, achafukidzwa nguvo tsvuku, nokushongedzwa ngetani yendarama pamutsipa wake, uye achava mubati wechitatu paushe hwangu.
7王大声呼叫,吩咐人把那些用法术的和迦勒底人,以及占星家都领进来;王对巴比伦的智慧人说:“谁能读这文字,又能向我解释它的意思,他必身穿紫袍,颈戴金链,在国中掌权,位列第三。”
8Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi vakanga vasingagoni kurava zvakanyorwa, kana kuzivisa mambo kududzirwa kwazvo.
8于是王所有的智慧人都进来,却不能读那文字,也不能把意思向王说明。
9Zvino mambo Bheshazari akatambudzika kwazvo, chiso chake chikashanduka maari, namadzishe ake akakanganiswa.
9伯沙撒王就非常惊惶,脸色大变;他的大臣也都不知所措。
10Ipapo vahosi vakapinda muimba yomutambo, nokuda kwamashoko amambo naamadzishe ake; vahosi vakataura, vakati, Imi mambo, raramai nokusingaperi, pfungwa dzenyu ngadzirege kukutambudzai, chiso chenyu ngachirege kushanduka.
10太后举荐但以理太后因王和他的大臣所说的话,就进入宴会的大厅,对王说:“愿王万岁!你的心意不要惊惶,也不要脸色大变。
11Muushe bwenyu muno murume, ane mweya wavamwari vatsvene mukati make; pamazuva ababa venyu chiedza nezivo nenjere, zvakafanana nenjere dzavamwari, zvakawanikwa maari; mambo Nebhukadhinezari, baba venyu, ivo mambo, baba venyu, vakamuita mukuru wavachenjeri nen'anga navaKaradhea navafemberi;
11在你国中有一个人,他里面有圣神的灵;你先祖在世的日子,发现这人有灼见,有聪明,有智慧,好像神的智慧一样。你先祖尼布甲尼撒王,就是王的先祖,曾立他为术士、用法术的,以及迦勒底人和占星家的领袖。
12nekuti kuna Dhanyeri, akatumidzwa Bheteshazari namambo, kwakawanikwa mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa, nokududzira kurota, nokubudisa mashoko akavanzika, nokusunungura mafundo. Zvino Dhanyeri ngaadamwe, iye achakuzivisai kududzirwa kwazvo.
12这都因为在这但以理里面有美好的灵性,有知识,有聪明,能解梦,释谜语,能解答难题;这人尼布甲尼撒王曾给他起名叫伯提沙撒。现在可以把但以理召来,他必能解释墙上文字的意思。”
13Ipapo Dhanyeri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, Ndiwe uya Dhanyeri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here?
13于是但以理被带到王面前,王问但以理说:“你就是我先王从犹大掳来的犹大人但以理吗?
14Ndakanzwa zvako, kuti mweya wavamwari uri mukati mako, uye kuti chiedza nezivo nenjere kwadzo zvinowanikwa mauri.
14我听说你里面有神的灵,有灼见,有聪明,有高超的智慧。
15Zvino vakachenjera, idzo n'anga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi.
15现在智慧人和用法术的都被带到我面前了,我要他们读这文字,把文字的意思向我说明,可是他们都不能解释这文字的意思。
16Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura mafundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguvo tsvuku, nokushongedzwa vungetani bwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.
16我听说你能解释异梦,也能解答难题。现在你若能读这文字,把它的意思向我说明,就必身穿紫袍,颈戴金链,在国中掌权,位列第三。”
17Ipapo Dhanyeri akapindura akati pamberi pamambo, Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.
17但以理直言责王但以理在王面前回答说:“你的礼物可以归你自己,你的赏赐可以归给别人;我却要为王读这文字,也要把意思向王说明。
18Imi mambo, Mwari Wekumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe noukuru, nembiri noumambo;
18王啊!至高的 神曾把国位、权势、光荣和威严赐给你先祖尼布甲尼撒。
19zvino nokuda koukuru, hwaakamupa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakadedera nokutya pamberi pake; aiuraya waaida kuuraya, airaramisa waaida kuraramisa, aikwiridza waaida kukwiridza, nokuderedza waaida kuderedza.
19因 神所赐给他的权势,各国、各族和说各种语言的人,都在他面前战兢恐惧;他要杀谁,就杀谁;要谁活着,谁就可以活着;要提升谁,就提升谁;要贬低谁,就贬低谁。
20Asi mwoyo wake wakati uchizvikudza, nomweya wake uchizviomesa, kusvikira achiita manyawi, akabviswa pachigaro chake choushe, vakamutorera kubwinya kwake;
20但他心高气傲、妄自尊大的时候,就从国位上被赶下来,他的尊荣也被夺去。
21akadzingwa pakati pavanakomana vavanhu, mwoyo wake ukaitwa sowemhuka, akandogara nembizi, akadyiswa uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wekumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, achiupa waanoda.
21他被赶逐,离开人群,他的心变如兽心,他和野驴同住,像牛一样吃草,身体被天露滴湿;等到他承认至高的 神在世人的国中掌权,他喜欢谁,就立谁执掌国权。
22Asi imwi Bheshazari mwanakomana wake, hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu, kunyange makanga muchizviziva zvose,
22伯沙撒啊!你是他的子孙,你虽然知道这一切,你的心仍不谦卑,
23asi makazvikudza pamberi paIshe wokudenga; midziyo yeimba yake yakauyiswa pamberi penyu, imwi namadzishe enyu navakadzi venyu navarongo venyu mukamwa waini nayo; mukarumbidza vamwari vesirivha nendarama nedare namatanda namabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kuziva; asi iye Mwari, akabata mweya wenyu muruoko rwake, anoziva nzira dzenyu dzose, hamuna kumukudza iye.
23竟高抬自己,敌对天上的主,使人把他殿中的器皿拿到你面前来,你和你的大臣、妻妾、妃嫔用这些器皿喝酒;你又赞美那些不能看见、不能听见、什么都不能知道,用金、银、铜、铁、木、石所做的神,却没有把荣耀归给那手中有你的气息,和那掌管你一切命途的 神。
24Naizvozvo chanza choruoko chakatumwa chichibva kwaari, zvakanyorwa izvi zvikanyorwa.
24因此,有手从 神那里伸出来,写了这文字。
25Zvino zvakanyorwa ndezvizvi: MENE, MENE, TEKERE, UFARISINI.
25解释墙上文字的意义“所写的文字是:‘弥尼,弥尼,提客勒,乌法珥新。’
26Kududzirwa kwechinhu ichi, ndikoku: MENE, Mwari akaverenga mazuva ovushe bwenyu, akabwugumisa.
26这文字的意思是这样:‘弥尼’就是 神已数算了你国度的年日,使国终止;
27TEKERE, iwe wayerwa pachiyero, ukawanikwa wakataira.
27‘提客勒’就是你被称在天平上,显出你的缺欠;
28PERESI, ushe hwako hwakamurwa, hwapiwa vaMedhia navaPeresia.
28‘毗勒斯’(“毗勒斯”即“乌法珥新”的单数式)就是你的国要分裂,归给玛代人和波斯人。”
29Ipapo Bheshazari akarayira, vakafukidza Dhanyeri nguvo tsvuku vakamushongedza ngetani bwendarama pamutsipa wake, akaparidza pamusoro pake kuti ave mubati wechitatu paushe hwake.
29于是伯沙撒下令,人就把紫袍给但以理穿上,把金链戴在他的颈上,又宣告他在国中掌权,位列第三。
30Nousiku uhwo mambo Bheshazari muKaradhea akaurawa.
30伯沙撒王被杀而亡国当夜,迦勒底人的王伯沙撒被杀。
31Dhariusi muMedhia akapiwa ushe, ana makore anenge makumi matanhatu namaviri.
31玛代人大利乌夺取了迦勒底国;那时他六十二岁。(本节在《马索拉抄本》为6:1)