Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Daniel

7

1Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanyeri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhovo dzake, akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo.
1但以理梦中见异象
2Dhanyeri akataura, akati, Ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, tarirai, mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru.
2但以理说:“在夜间的异象中,我看见天的四风,搅动大海。
3Mhuka huru ina dzikakwira dzichibuda mugungwa, dzisina kufanana.
3四巨兽“有四只巨兽从海中上来,形状各不相同。
4Yokutanga yakanga yakafanana neshumba, ina mapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kusvikira mapapiro ayo ataurwa, ikasimudzwa ichibva panyika, ikamiswa namakumbo maviri somunhu, ikapiwa mwoyo womunhu.
4第一只兽像狮子,却有鹰的翅膀。我一直在观看,看见它的翅膀被拔去,它从地上被举起来,两脚像人一样直立在地上;又有人的心给了它。
5Ndikaonazve imwe mhuka, yechipiri, yakafanana nebere; iyo yakanga yakasimudza rumwe rutivi rwayo, uye mumuromo mayo yakanga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; vakati kwariri, Simuka, upedze nyama zhinji.
5我又看见另一只兽,就是第二只兽;它和熊相似,挺起一边的身躯,口中的牙齿衔着三根肋骨。有人这样对它说:‘起来,吃多量的肉吧!’
6Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona imwezve, yakafanana nengwe, yakanga ina mapapiro mana pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakanga ine misoro minawo; ikapiwa simba.
6此后,我继续观看,看见另一只兽像豹,背上有鸟的四个翅膀;这兽有四个头,又有权柄给了它。
7Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna-vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi.
7后来,我在夜间的异象中继续观看,看见有第四只兽,非常恐怖,十分可怕,极其强壮。它有大铁牙;它吞吃咬碎,又把剩余的用脚践踏;这兽和前面的各兽都不相同;它有十个角。
8Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakange uchitaura zvinhu zvikuru.
8我正在究察这些角的时候,看见角的中间长出另一个小角来。在这小角前面,有三个先前的角连根被拔起来。这小角有眼,像人的眼,又有一张说夸大话的嘴。
9Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguvo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta.
9“我一直在观看,看见有些宝座安放好了,万古常存者就坐上去;他的衣服洁白如雪,他的头发纯净像羊毛。他的宝座是火焰,宝座的轮子是烈火。
10Rwizi rwomoto rwakanga rwuchibuda ruchibva pamberi pake; zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira, uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi; kutonga kukatanga, bhuku rikazarurwa.
10有火像河涌出,烈火从他面前冒出;事奉他的有千千,侍立在他面前的有万万。审判已经开始,案卷都展开了。
11Ndikaramba ndakatarira nenguva iyo nemhaka yokudana kwamashoko makuru akanga achitaurwa norunyanga; ndikaramba ndakatarira kusvikira mhuka yaurawa, muviri wayo uchiparadzwa, uchiiswa mumoto kuti upiswe.
11“那时,因那小角说夸大话的声音,我继续观看,看见那兽被杀,尸体被毁,扔在烈火中。
12Kana dziri dzimwe mhuka, dzakatorerwa ushe hwadzo, asi upenyu hwadzo hwakawedzerwa kusvikira nhambo nenguva zvakatenderwa.
12至于其余的三兽,它们的权柄都被夺去,它们的生命却得着延长,直到所定的时候和日期。
13Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake.
13“我在夜间的异象中继续观看,看见有一位像人子的,驾着天云而来,到万古常存者那里,被引领到他面前,
14Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.
14得了权柄、尊荣和国度;各国、各族和说各种语言的人都事奉他。他的权柄是永远的权柄,是不能废去的;他的国度是永不毁灭的。
15Kana ndirini Dhanyeri, mweya wangu wakatambudzika mukati momuviri wangu, uye zvandakaona mumusoro mangu zvakandivhundusa.
15解释异象的意义“至于我但以理,我的灵在我里面忧伤,我脑海中出现的异象使我惊惶。
16Ndikaswedera kune mumwe akanga amirepo, ndikamubvunza kududzirwa kwechokwadi kwezvinhu izvi zvose. Akandiudza, akandizivisa kududzirwa kwezvinhu izvozvi.
16于是我走近其中一位侍立者,问他有关这一切事的实情;他就告诉我,使我知道这些事的意思,他说:
17Mhuka idzi huru, idzo ina, ndiwo madzimambo mana achamuka panyika.
17‘这四只巨兽就是将要在世上兴起的四个王。
18Asi vatsvene veWekumusoro-soro vachapiwa ushe, ushe uchava hwavo nokusingaperi-peri.
18但至高者的圣民必要得国,拥有这国,直到永永远远。’
19Ipapo ndakada kuziva kududzirwa kwachokwadi kwemhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose, yakanga ichityisa zvikuru, yakanga ina meso outare, nzara dzayo dziri dzendariraiyo yakanga yapedzanokuputsanya , nokupwanya zvakasara netsoka dzayo;
19那时我想知道有关第四只兽的实情,它和其他三兽不相同,十分恐怖,有铁牙铜爪;它吞吃咬碎,又把剩余的用脚践踏。
20uye pamusoro penyanga dzine gumi dzakanga dziri pamusoro wayo, norumwe runyanga rwakazobuda, dzimwe nyanga nhatu dzikaparadzwa pamberi parwo, irwo runyanga rwakanga runa meso nomuromo wakange uchitaura zvikuru, rwakanga rwakapfuura dzimwe shamwari dzarwo paukuru.
20我又想知道有关它头上的十角,和那另长出来的小角,以及那三个在这小角前面倒下的角的实情。这小角有眼,有说夸大话的嘴;它的形状比它的同类更威猛。
21Ndakatarira, ndikaona runyanga urwu ruchirwa navatsvene, nokuvakunda;
21我继续观看,看见这小角和圣民争战,战胜了他们,
22kusvikira akakwegura pamazuva ake achisvika, vatsvene veWekumusoro-soro vakaruramisirwa, nguva ikasvika yokuti vatsvene vapiwe ushe.
22直到万古常存者来到,为至高者的圣民伸张正义;圣民拥有国度的时候就到了。
23Akati, Mhuka yechina bwuchava vushe bwechina panyika, bwuchasiyana noumwe ushe hwose, uchapedza nyika yose, nokuupwanya nokuuputsanya.
23“那位侍立者这样说:‘那第四只兽就是世上必有的第四国,和其他各国都不相同;它必吞吃全地,践踏咬碎全地。
24Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu.
24至于那十角,就是从这国中将要兴起的十个王,在他们以后,必有另一个王兴起,和先前的王都不相同;他必制伏三个王。
25Achataura mashoko okumhura Wekumusoro-soro, uchaparadza vatsvene, uye achatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro; ivo vatsvene vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.
25他必说话,敌挡至高者;他必折磨至高者的圣民,又想改变节期和律法;圣民必交在他的手中,一载、二载、半载(“一载、二载、半载”或译:“一个时期、多个时期、半个时期”)。
26Asi kutonga kuchatanga, vachabvisa simba rake, kuti varipedze nokuriparadza kusvikira pakuguma.
26但审判要开始,他的权柄必被夺去,他必被毁坏灭绝,直到永远。
27Ipapo ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vatsvene veWekumusoro-soro; ushe hwake ndohwokusingaperi, masimba ose achamushumira nokuteerera.
27那时,国度、权柄,和普天之下万国的大权,都必赐给至高者的圣民。他的国是永远的国;所有掌权的都必事奉他,顺从他。’
28Ndiko kuguma kweshoko. Kana ndirini Dhanyeri, pfungwa dzangu dzakandivhundusa kwazvo, chiso changu chikashandurwa mukati mangu; asi ndakachengeta shoko iri mumwoyo mangu.
28这事到此完毕。我但以理心中十分惊惶,脸色也变了,但我把这事存放在心里。”