Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Ezekiel

11

1Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuwo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuwo varume vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.
1领袖谋恶
2Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanofunga zvakaipa, vanorayirira mano akaipa muguta rino;
2耶和华对我说:“人子啊!这些就是图谋罪孽,在这城里设恶谋的人。
3vanoti, Nguva ichigere kuswedera yokuvaka dzimba, guta igate, isu tiri nyama.
3他们说:‘建造房屋的时候还没有到;这城是锅,我们是肉。’
4Naizvozvo chivaporofitira, Mwanakomana womunhu, chiporofita.
4因此,人子啊!你要说预言,要说预言攻击他们。”
5Ipapo Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, akati kwandiri, Taura, uti, Zvanzi naJehovha, ndizvo zvamakataura, imwi imba yaIsiraeri; nekuti ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu.
5罪恶与惩罚耶和华的灵降在我身上,他对我说:“你要说:‘耶和华这样说:以色列家啊!你们口里所说、心中所想的,我都知道。
6Makawanza vamakauraya muguta rino, makazadza nzira dzaro navakaurawa.
6你们在这城里杀了许多人,使街道满了死人。
7Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imwi muchabudiswa mukati maro.
7因此,主耶和华这样说:你们弃置在城中的死人就是肉,这城就是锅;至于你们,却要从城中被赶出去。
8Makatya munondo; ini ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
8你们惧怕刀剑,我就使刀剑临到你们,这是主耶和华的宣告。
9Ini ndichakubudisai mukati maro, ndichakuisai mumaoko avatorwa, ndichaita zvandakatonga pakati penyu.
9我要把你们从城中赶出去,交在外族人的手里;我要向你们施行审判。
10Muchaurawa nomunondo; ndichakutongai munyika yaIsiraeri, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.-
10你们必倒在刀下,我必审判你们,直到以色列的边境;你们就知道我是耶和华。
11Guta rino haringavi gate renyu, nemwi hamungavi nyama mukati maro; ndichakutongai munyika yaIsiraeri.
11这城必不作你们的锅,你们也必不作其中的肉。我必审判你们直到以色列的边境;
12Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, nekuti hamuna kufamba nemitemo yangu kana kuita zvandakarayira, asi makatevera mirayiro yamarudzi anokupoteredzai.
12你们就知道我是耶和华。这是因为你们没有遵行我的律例,也没有遵守我的典章,却效法你们周围列国的习俗去行。’”
13Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nenzwi guru ndichiti, Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vose vaIsiraeri here?
13以西结的代祷我正在说预言的时候,比拿雅的儿子毗拉提死了。于是我脸伏在地,大声呼叫,说:“哎,主耶和华啊!难道你要把以色列余剩的人都尽行毁灭吗?”
14Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
14回归故土的盼望耶和华的话临到我说:
15Mwanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, vanhu vorudzi rwako, neimba yose yaIsiraeri, ivo vose, ndivo vakanzi navagere Jerusaremu, Ibvai kure naJehovha, nyika ino yakapiwesu, ive yedu.
15“人子啊!论到你的兄弟、你的亲属和以色列全家,耶路撒冷的居民曾经这样说:‘他们远离了耶和华,这地是赐给我们作产业的。’
16Naizvozvo uti, Zvanzi naIshe Jehovha, zvandakavabvisa, ndikavaisa kure pakati pamarudzi, uye zvandakavaparadzira pakati penyika, ndichava kwavari nzvimbo tsvene nguva duku kunyika idzo kwavakaenda kwadziri;
16因此你要说:‘主耶和华这样说:我虽然把他们远远地迁到列国之中,使他们分散在各地,我还要在他们所到的各地暂作他们的圣所。’
17naizvozvo uti, Zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsiraeri.
17因此你要说:‘主耶和华这样说:我要从万族中招聚你们,从你们被分散到的各地聚集你们,把以色列地赐给你们。’
18Vachadzokerako nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza.
18他们必回到那里,也必除掉那里所有可厌的偶像和所有可憎之物。
19Ndichavapa moyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa moyo webwe munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama;
19更新的应许“我要把一颗心赐给他们,把新的灵放在他们里面;我要从他们肉体中除掉石心,赐给他们肉心,
20kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
20使他们遵从我的律例,谨守遵行我的典章,这样,他们就必作我的子民,我必作他们的 神。
21Asi kana vari ivo, vane moyo inotevera moyo yezvinhu zvavo zvinosemesa nezvinonyangadza, ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21至于那些心中随从可厌的偶像和可憎之物的人,我要把他们所行的,报应在他们的头上。”这是主耶和华的宣告。
22Ipapo makerubhi akasimudza mapapiro awo, namakumbo engoro akanga ari pamativi awo; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwavo.
22耶和华的荣耀离开耶路撒冷以后,基路伯展开翅膀,轮子都在他们旁边;在他们以上有以色列 神的荣耀。
23Kubwinya kwaJehovha ndokukwira kuchibva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta.
23耶和华的荣耀从城中升起,停在城东的那座山上。
24Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.
24灵把我提起来,在异象中借着 神的灵,领我到迦勒底被掳的人那里去;我看见的异象就离开我上升去了。
25Ipapo ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.
25我就把耶和华指示我的一切事都说给被掳的人听。