1Zvino vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kwandiri, vakagara pasi pamberi pangu.
1斥责崇拜偶像的罪
2Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2耶和华的话就临到我说:
3Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?
3“人子啊!这些人已经把他们的偶像接到心里去,把那陷他们在罪孽中的绊脚石放在自己面前,我怎能让他们向我求问呢?
4Naizvozvo taura navo, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake;
4因此,你要告诉他们,对他们说:‘主耶和华这样说:以色列家的人中,凡把他的偶像接到心里去,把那陷自己在罪孽中的绊脚石放在自己面前,却又来见先知的,我耶和华必按他拜众多偶像的罪报应他,
5kuti ndibate imba yaIsiraeri mumoyo yavo, nekuti vazviita vatorwa kwandiri nemhaka yezvifananidzo zvavo.
5好夺回以色列家的心。他们众人因自己的偶像,与我疏远。’
6Naizvozvo iti kuimba yaIsiraeri, Zvanzi naIshe Jehovha, dzokai, mufuratire zvifananidzo zvenyu, mufuratidze zvinonyangadza zvenyu zvose zviso zvenyu.
6劝人民离弃偶像归向真神“因此,你要对以色列家说:‘主耶和华这样说:回转吧!转离你们的偶像!转脸离弃你们一切可憎之物吧!
7nekuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene;
7因为以色列家的人中,或是在以色列寄居的外族人中,凡与我疏远,把他们的偶像接到心里去,把那陷自己在罪孽中的绊脚石放在自己面前,却又来见先知,要为自己求问我的,我耶和华必亲自报应他;
8ndicharinzira munhu uyo chiso changu ndimuitire zvakaipa, ndichamuita chishamiso nechiratidzo netsumo, ndichamubvisa pakati pavanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
8我必向那人变脸,使他成为别人的鉴戒和讥笑的对象;我要把他从我子民中剪除;你们就知道我是耶和华。
9Zvino kana muporofita akanyengerwa, akataura shoko, ini Jehovha, ndini ndanyengera muporofita uyo, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pake, ndimuparadze pakati pavanhu vangu vaIsiraeri.
9如果有先知被欺骗说一句话,是我耶和华任那先知受欺骗的;我必伸手攻击他,把他从我子民以色列中除灭。
10Vachava nemhosva yavo; zvakaipa zvomuporofita zvichaenzana nezvakaipa zveanobvunza kwaari;
10他们必担当自己的罪孽;求问的人的罪孽怎样,先知的罪孽也必怎样。
11kuti imba yaIsiraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzozvisvibisa nokudarika kwavo kose, asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
11这样,以色列家必不再走迷路离开我,也不再因他们的一切过犯玷污自己;他们要作我的子民,我要作他们的 神。这是主耶和华的宣告。’”
12Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
12义人得救恶人灭亡耶和华的话又临到我说:
13Mwanakomana womunhu, kana kune nyika ichinge yanditadzira nokudarika, ini ndikatambanudzira ruoko rwangu pamusoro payo, ndikavhuna mudonzvo wezvokudya zvayo, ndikatuma nzara pamusoro payo, nokuparadzapo vanhu nezvipfuwo;
13“人子啊!如果一国行了不忠的事得罪我,我就必伸手攻击那国,断绝那地的粮食,使饥荒临到那地,使人和牲畜都从那地剪除,
14kunyange vanhu ava vatatu, nowa naDhanyeri naJobho, vakavamo, vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
14即使有挪亚、但以理和约伯这三个人,他们也只能因自己的义救自己的性命。这是主耶和华的宣告。
15Kana ndikafambisa zvikara munyika, zvikaipedzera vana, ikaitwa dongo, kukasava nomunhu angagona kufambamo nemhaka yezvikara;
15如果我使猛兽经过那地,蹂躏那地,使它荒凉,以致因为这些兽的缘故,没有人敢经过;
16kunyange varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo.
16即使有这三个人在其中,我指着我的永生起誓,他们只能救自己,连儿女也不能救,那地却仍然荒凉。这是主耶和华的宣告。
17Zvimwe kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika iyo, ndikati, Munondo, pfuura napakati penyika! Ndikaparadzamo vanhu nezvipfuwo,
17如果我使刀剑临到那地,说:‘愿刀剑经过那地,好让我把人和牲畜从那地剪除。’
18kunyange varume ava vatatu vaivamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana, asi ivo vamene voga vangwarwirwa.
18即使有这三个人在其中,我指着我的永生起誓,他们只能救自己,连儿女也不能救。
19Zvimwe kana ndikatuma hosha yakaipa munyika iyo, ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo neropa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo;
19如果我使瘟疫流行那地,借着流血的事把我的烈怒倾倒在那地上,使人和牲畜都从那地剪除;
20kunyange nowa naDhanyeri naJobho vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, havangwarwiri mwanakomana kana mwanasikana; vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo.
20即使当中有挪亚、但以理和约伯,我指着我的永生起誓,他们只能因自己的义救自己的性命,连儿女也不能救。这是主耶和华的宣告。”
21nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndoda, kana ndikatuma pamusoro peJerusaremu zvakaipa zvina zvandakavatongera, zvinoti, munondo nenzara nezvikara zvakaipa nehosha yakaipa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo !
21主耶和华这样说:“我打发刀剑、饥荒、猛兽和瘟疫这四样可怕的刑罚临到耶路撒冷,要把人和牲畜从那里剪除的时候,那情况岂不更严重吗?
22Asi tarirai, vamwe vakasara vacharegwamo vachapukunyuka, vachatapwa, vari vanakomana navanasikana; tarirai, vachasvika kwamuri, muchaona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchanyaradzwa pamusoro pezvakaipa zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu, pamusoro pezvose zvandakauyisa pamusoro paro.
22其中将有剩下逃脱的人,连同儿女被带出来,他们来到你们那里,你们看见他们的所行所为,就会因我降给耶路撒冷的一切灾祸,得了安慰。
23Ivo vachakunyaradzai, kana muchiona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchaziva kuti handina kuita pasina zvose zvandakaitamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23你们看见了他们的所行所为,就必得安慰,因为你们知道我在耶路撒冷所行的一切,并不是无缘无故的。这是耶和华的宣告。”