Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Ezekiel

21

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1耶和华的刀
2Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweJerusaremu, udonhedze shoko rako kurutivi rwenzvimbo tsvene, uporofite pamusoro penyika yaIsiraeri,
2“人子啊!你要面向耶路撒冷,向圣所发言,说预言攻击以色列地,
3uti kunyika yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, ndichavhomora munondo wangu mumuhara wawo, ndichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa.
3你要对以色列地说:‘耶和华这样说:看哪!我要攻击你;我要拔刀出鞘,把义人和恶人都从你那里剪除。
4Zvino zvandichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara wawo kundorwa nevanhu vose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro;
4我既然要把义人和恶人都从你那里剪除,所以我的刀必要出鞘,从南到北攻击所有的人;
5vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndakavhomora munondo wangu mumuhara wawo; hauchazodzokeripozve.
5所有的人就知道我耶和华已经拔刀出鞘,刀必不再入鞘了。’
6Naizvozvo, gomera, iwe Mwanakomana womunhu, gomera pamberi pavo, chiuno chako chivhunike nokuchema kukuru kuvepo.
6人子啊!至于你,你要叹息,在他们眼前弯着腰,苦苦叹息。
7Zvino kana vachiti kwauri, Unogomera neiko? Uti kwavari, Nemhaka yamashoko, nekuti anouya; moyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
7他们如果问你:‘你为什么叹息呢?’你就要回答:‘是因为那将要来到的消息;人人都必心慌意乱,手都发软,精神衰颓,他们的膝都像水一般的柔弱。看哪!它要来到了。这事一定要成就。这是主耶和华的宣告。’”
8Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
8耶和华的话临到我说:
9Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naJehovha, iti Munondo, munondo! Warodzwa, wabwinyiswa;
9“人子啊!你要预言,说:‘主耶和华这样说:有一把刀,有一把磨利了的刀,是擦亮了的刀;
10warodzwa, kuti uuraye, wabwinyiswa, kuti uve semheni; zvino isu tingagofara here? Itsvimbo yohushe yomwanakomana wangu, inozvidza miti yose.
10磨利,是为要大行杀戮,擦亮,是为要闪烁发光!我们怎能快乐呢?我的儿子藐视管教的杖和一切劝告(“劝告”原文作“木头”)。
11Wakapiwa kuti ubwinyiswe, kuti ubatwe nawo; munondo warodzwa, zvirokwazvo wabwinyiswa, kuti uiswe muruoko rwomuurayi.
11这刀已经交给人擦亮,可以握在手中使用;这刀已经磨利擦亮了,可以交在行杀戮的人手中。’
12Chema, uungudze, iwe Mwanakomana womunhu, nekuti iwe uri pamusoro pavanhu vangu, uri pamusoro pamachinda ose aIsiraeri, akaiswa kumunondo pamwechete navanhu vangu; naizvozvo uzvirove pahudyu.
12人子啊!你要呼喊、哀号。因为这刀要临到我的子民,以及以色列所有的领袖;他们与我的子民都要交在刀下;所以你要拍腿悲叹,
13nekuti kuidzwa kwavapo; zvino todiniko kana iwo munondo, unozvidza, waperawo? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13因为考验必要来到,你为什么要藐视那管教的杖呢?这事必不得成功。这是主耶和华的宣告。
14Zvino Mwanakomana womunhu, porofita, rovanya maoko ako; munondo ngauwedzerwe kusvikira katatu, iwo munondo wavakakuvadzwa zvikuru; ndiwo munondo womukuru, wakakuvadzwa zvikuru, unovamanikidza.
14“人子啊!至于你,你要拍手说预言,要接二连三地使用这杀人的刀,就是导致极大死伤的刀,把它们围困,
15Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuwo yavo yose, kuti moyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya.
15好使他们心慌意乱,多人跌倒,我在他们所有的城门那里布下了杀戮(“杀戮”原文意思不详,这译法参古译本)的人;啊!这刀做得闪烁发光,磨得尖利,可以杀戮。
16Zvirongedze, iwe munondo, enda kurudyi, zvigadzire uende kuruboshwe, kose kunotarira mativi ako akarodzwa.
16刀啊,向右边斩吧!向左边刺吧!无论你面向哪一方,就向哪一方杀戮吧!
17Neniwo ndicharovanya maoko angu, ndichanyaradza hasha dzangu; ini Jehovha, ndakazvitaura.
17我也要拍手,并且要使我的烈怒止息;这是我耶和华说的。”
18Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
18巴比伦王的刀耶和华的话又临到我说:
19Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, chizvitarira nzira mbiri, dzingauya nadzo munondo wamambo weBhabhironi idzedzo mbiri dzinofanira kubva kunyika imwe; zvino uveze ruoko, uruvezere pakuvamba kwenzira inoenda kuguta.
19“人子啊!至于你,你要定出两条路,给巴比伦王的刀前来;这两条路都从同一个地方出来;你要在通往城去的路口上做一个路标。
20Utare nzira, ingauya nawo munondo, kusvikira Rabha ravana vaAmoni, naJudha mukati meJerusaremu rakakombwa norusvingo.
20你要定出一条路,使刀临到亚扪的拉巴,又要定出另一条路,使刀临到犹大,攻击坚固城耶路撒冷。
21nekuti mambo weBhabhironi akanga amire pamharadzano dzenzira, pakuvamba kwenzira mbiri, kuti abvunze nokuuka, akachukucha miseve, akabvunza terafimi, ndokucherekedza chiropa.
21因为巴比伦王站在分叉路口,在两条路口上占卜、摇签、求问神像,察看动物的肝。
22Muruoko rwake rworudyi makanga mune zvakaukwa pamusoro peJerusaremu, kuti vaise zvokugumura, vashamise muromo unodanira kuuraya, vadanidzire kwazvo namanzwi, vaise zvokugumura pamasuwo, vatutire mirwi yokurwa, vavakire nhare dzokurwa.
22他右手中拿着耶路撒冷的签,要在那里架起攻城锤,下令屠杀,扬声吶喊;架起攻城锤,攻打城门;筑起土垒,建造围城的高墙。
23Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe.
23在那些曾经向巴比伦起誓效忠的犹大人看来,这是虚假的占卜,但巴比伦王要使他们想起自己的罪孽,把他们掳去。
24Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.
24因此,主耶和华这样说:‘你们的过犯显露,你们的罪在你们的一切行为上给人看见;以致你们的罪孽被想起。你们既被想起,就要被人用手掳去。
25Zvino iwe, iwe wakaipa, wakakuvadzwa zvikuru, muchinda waIsiraeri, wakasvikirwa nezuva rako panguva yezvakaipa zvokupedzisira,
25你这该死、邪恶的以色列王啊!你的日子到了,最后惩罚的时刻到了。’
26zvanzi naIshe Jehovha, Ngowani yohupristi inofanira kubva, korona inofanira kubva, hazvingarambi zviripo; kwiridzai zviri pasi, muderedze zviri kumusoro.
26主耶和华这样说:‘你当除去头巾,脱下冠冕!现在情形不同了,卑微的要升高,位高的要降卑!
27Matongo, matongo, ndichazviita matongo, nezvizvi hazvingarambi zviripo, kusvikira iye mwene wazvo achisvika; ndichamupa iye izvo.
27倾覆,倾覆,我要倾覆这国,这国不再存在,直等到那统治的人来到,我就把国赐给他。’
28Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni,
28惩罚亚扪人的刀“人子啊!你要说预言:论到亚扪人和他们的侮辱,主耶和华这样说:‘你要说:有一把刀,有一把刀拔出来,是为要杀戮;擦亮,是为要毁灭,为要闪烁发光。
29vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, vachikuvukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira.
29人为你所见的异象是虚假的,为你所占的卜是虚谎的,使你倒在该死的恶人的颈项上;他们受惩罚的日子到了,最后惩罚的时刻到了。
30Ngaudzoserwe mumuhara wawo. Apo pawakasikwa iwe, panyika yawakaberekerwa, ndipo pandichakutonga.
30收刀入鞘吧!我必在你被造之地,根源之处,审判你。
31Ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichafuridzira pamusoro pako nomoto wehasha dzangu, ndichakuisa mumaoko avanhu vanopenga, vanoziva kwazvo kuparadza.
31我必把我的忿怒倒在你身上,把我的怒火喷在你身上,又把你交在那些惯于毁灭的野蛮人手中。
32Iwe uchava huni dzomoto; ropa rako richava pakati penyika; hauchazorangarirwi, nekuti ini Jehovha ndakazvitaura.
32你必当作燃料被火焚烧;你的血要流在你的国中;你必不再被记念,因为这是我耶和华说的。’”