1Zvino negore regumi nerimwe, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
1推罗遭报
2Mwanakomana womunhu, Tire zvarakati pamusoro peJerusaremu, Toko waro ! Raputsika, iro raiva suwo ramarudzi; roringira kwandiri, zvino ini ndichazadzwazve, iro zvaraitwa dongo.
2“人子啊!因为推罗论到耶路撒冷说:‘哈哈!那万族的门已经破坏了,向我打开了;我必得丰满,她却成了荒场!’
3Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro.
3所以主耶和华这样说:‘推罗啊!我要与你为敌;我必叫多国上来攻击你,好像海使波浪涌上来一样。
4Vachaparadza masvingo eTire, nokukoromora shongwe dzaro; ndicharipara guruva raro, riite soruware rusine chinhu.
4他们必毁坏推罗的城墙,拆毁它的城楼;我必刮净它的尘土,使它成为光滑的磐石。
5Richava nzvimbo panonikwa mimbure pakati pegungwa, nekuti ndakazvitaura ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; richava kumarudzi sechinhu chakapambwa.
5它必在海中作晒网的地方,因为我已经说了。这是耶和华的宣告。它必成为列国的掠物,
6Vakunda varo vari kuruwa vachaurawa nomunondo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
6那些在陆地居住的推罗人必被刀剑所杀;然后,他们就知道我是耶和华。
7nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichauyisira Tire Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva kurutivi rwokumusoro ana mabhiza nengoro navatasvi vamabhiza, nehondo navanhu vazhinji.
7“‘因为主耶和华这样说:看哪!我要使诸王之王,就是巴比伦王尼布甲尼撒,率领马匹、战车、骑兵和一支大军,从北方来攻击推罗。
8Iye achauraya nomunondo vakunda vako vari kuruwa, achakuvakira nhare dzokurwa newe, nokukututira murwi wokurwa.
8他必用刀剑杀戮你那些在陆地居住的人;他必建造围城的高墙,筑起土垒,举起盾牌攻击你。
9Achamisa migwara pamasvingo ako, achakoromora shongwe dzako nematombo.
9他必用攻城锤攻击你的城墙,用武器拆毁你的城楼。
10Nokuwanda kwamabhiza ake guruva rawo richakufukidza; masvingo ako achadengenyeka nomutsindo wavatasvi vamabhiza, namakumbo engoro, nengoro, panguva yaachapinda pamasuwo ako, somupindirwo weguta rakakoromorerwa rusvingo.
10因为他的马匹众多,它们扬起的尘土必遮盖你;他进入你的城门,好像人进入已有破口的城,那时,你的城墙必因骑兵、车轮和战车的响声而震动。
11Achatsika nzira dzako dzose dzomuguta namahwanda amabhiza ake, achauraya vanhu vako nomunondo, neshongwe dzinoratidza simba renyu dzichawira pasi.
11他的马蹄必践踏你所有的街道;他必用刀杀戮你的人民;你坚固的柱子必倒在地上。
12Vachapamba fuma yako nokukutorera zvokushambadzira zvako, vachakoromora masvingo ako, nokuparadza dzimba dzako dzinofadza; vachaisa mabwe ako namatanda ako neguruva rako mukati memvura zhinji.
12他们必掳去你的财富,以你的货财为掠物;他们必破坏你的城墙,拆毁你华丽的房屋,把你的石头、木头和瓦砾都投在水中。
13Ndichagumisa manzwi enziyo dzako, kurira kwembira dzako hakungazonzwiki.
13我必使你唱歌的喧声止息;人也再听不到你的琴声。
14Ndichakuita ruware rusine chinhu, uchava nzvimbo panonikwa mimbure; hauchazovakwizve, nekuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Jehovha.
14我必使你成为光滑的磐石;你必成为晒网的地方;你必不再被建造,因为我耶和华已经说了。这是主耶和华的宣告。’
15Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, Ko zviwi hazvingadengenyeki here nokutinhira kokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurawa mukati mako here?
15“主耶和华对推罗这样说:‘杀戮在你中间发生,受伤的人都在唉哼的时候,众海岛岂不因你倾倒的声音而震动吗?
16Nenguva iyo machinda ose okugungwa achaburuka pazvigaro zvawo zvovushe, vachaisa pasi nguvo dzavo dzovushe nokubvisa zvokufuka zvavo zvakarukwa; vachafuka kudedera, vachagara pasi vachingodedera vachishamiswa pamusoro pako.
16那时所有沿海的君王都必由王座下来,除去朝服,脱下刺绣的衣服;披上战兢,坐在地上,不停发抖,因你而惊骇。
17Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakange wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.
17他们必为你作一首哀歌说:你这著名的城,航海之人的居所,在海上坚固有力的啊!你和你的居民素来使惊恐临到所有住在那里的人身上,你怎么绝了迹呢?
18Zvino zviwi zvichadengenyeka nezuva rokuwa kwako; zvirokwazvo, zviwi zviri mugungwa zvichavhunduka nokubviswa kwako.
18现在海岛的居民在你倾倒的日子,都必战兢;众海岛因你的毁灭而惊惶。
19nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;
19因为主耶和华这样说:我使你成为荒废的城市,像没有人居住的城镇;我使深渊的水上升漫过你,使大水淹没你,
20nenguva iyo ndichakuburusa pamwechete navanoburukira mugomba, kuvanhu vekare; ndichakugarisai panzvimbo dziri pasi dzenyika, pakanga panamatongo kare nakare, pamwechete navanoburukira mugomba, kuti urege kugarwa navanhu; asi ndichaisa mufaro munyika yavapenyu.
20那时,我要使你与那些下到阴府的人一起,下到古时的人那里去;我要使你住在地的深处,就是住在久而荒废之地,与那些下到阴府的人在一起,以致你不再在活人的境界重现(“不再在活人的境界重现”,这译法参考古译本,原文作“不再返回,我却要在活人境地显出荣耀”)。
21Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21我必使你遭遇可怕的灾祸,你就不再存在了;人虽然寻找你,却永不再寻得着。这是主耶和华的宣告。’”