Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Ezekiel

36

1Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pamakomo aIsiraeri, uti, Imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raJehovha.
1仇敌必受重报
2Zvanzi naIshe Jehovha, Muvengi wako zvaakati pamusoro pako, Toko waro! Uye, nzvimbo dzakakwirira dzekare inhaka yedu;
2主耶和华这样说:因为仇敌攻击你们说:哈哈!那悠久的山冈都归给我们为业了。
3naizvozvo porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, Nemhaka iyi, zvavakakuitai dongo, nokukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka yamarudzi avanhu akasara, zvamakarehwa nemiromo yavanotaura, mukaitirwa makuhwa navanhu;
3所以你要说预言:主耶和华这样说:因为敌人使你们荒凉,四围践踏你们,好使你们归给列国中余剩的人为业,成为人们提说和嘲笑的对象,
4naizvozvo, imwi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo nokuhova nokumipata nokunzvimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiiwa, ava chinhu chinopambwa nechinosekwa namarudzi akasara anowapoteredza;
4因此,以色列的众山啊!你们要听主耶和华的话;主耶和华对大山、小冈、溪涧、山谷、荒凉的废墟,被弃的城,就是曾被四围列国中余剩的人所劫掠、所讥笑的,这样说:
5naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvirokwazvo, ndakataura nomoto wegodo rangu pamusoro pavakasara vamarudzi napamusoro peEdhomu rose, ivo vakazvitorera nyika yangu vachiti ive nhaka yavo, vachingofara nomoyo wavo wose vachishora nemweya yavo, kuti vairasire kure ipambwe.
5主耶和华这样说:我在妒火中说话攻击列国中余剩的人和以东众人,因为他们全心欢喜,满怀恨恶,把我的地归给自己为业,好占有它为掠物。
6Naizvozvo porofita pamusoro penyika yaIsiraeri, uti kumakomo nokuzvikomo, nokuhova nokumipata, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai ndakataura negodo rangu nokutsamwa kwangu, nekuti makashorwa namarudzi;
6因此,你要向以色列地说预言,对大山、小冈、溪涧和山谷说:主耶和华这样说:看哪!我在嫉妒和烈怒中说话,因为你们担当了列国的羞辱。
7naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Ndakapika ndichiti, zvirokwazvo marudzi anokupoteredza kose, ndiwo achashorwa.
7所以主耶和华这样说:我举手起誓说:你们四围的列国必亲自担当自己的羞辱。
8Asi imi, makomo aIsiraeri, muchabudisa matavi enyu, nokuberekera vanhu vangu vaIsiraeri michero nekuti kusvika kwavo kwaswedera.
8以色列地必再次蒙福“‘以色列的众山啊!你们必长出枝条,为我的子民以色列结出果子,因为他们快要回来了。
9nekuti tarirai, ndinemwi, ndichatsaukira kwamuri, mucharimwa nokudzvarwa;
9看哪!我是帮助你们的,我必转向你们,使人可以在你们上面耕种和撒种。
10ndichawanza vanhu pamusoro pako, iyo imba yose yaIsiraeri, ivo vose; maguta achagarwa, namatongo achavakwa;
10我要使以色列全家的人数在你们上面增多;城市有人居住,废墟可以重建。
11ndichawanza pamusoro penyu vanhu nezvipfuwo, vachawanda nokuberekana; ndichagarisa vanhu mukati menyu, sezvamakanga makaita kare, nokukuitirai zvakanaka zvinopfuura zvapakuvamba kwenyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
11我必使人和牲畜都在你们上面增多;他们必繁殖增多;我必使你们有人居住,像从前一样,并要使你们比先前更蒙福。你们就知道我是耶和华。
12Zvirokwazvo, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, ivo vanhu vangu vaIsiraeri; vachakuita wavo, uchava nhaka yavo, kubva zvino haungazovatoreri vana vavo.
12我必使人,就是我的子民以色列,在你上面行走;他们必得你为业;你必作他们的产业,也不再使他们丧失子女。
13Zvanzi naIshe Jehovha, Zvavanoti kwauri, iwe uri mupedzi wavanhu, wakatorera rudzi rwako vana;
13主耶和华这样说:因为人对你说:你是吞吃人的,又是使你的国民丧失子女的。
14naizvozvo hauchazopedzi vanhu, kana kuva muvurayiri worudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;
14所以你必不再吞吃人,也必不再使你的国民丧失子女。这是主耶和华的宣告。
15handichazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, haungazoshorwi navanhu, haungazogumbusi rudzi rwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15我必使你不再听见列国的羞辱,你必不再受万族的辱骂,也不再使你的国民跌倒。这是主耶和华的宣告。’”
16Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
16犯罪受罚耶和华的话又临到我说:
17Mwanakomana womunhu, nguva yavakagara panyika yavo, imba yaIsiraeri yakaisvibisa nomufambiro wavo nezvavaiita; mufambiro wavo pamberi pangu wakange wakaita setsvina yomukadzi ari kumwedzi kwake.
17“人子啊!以色列家住在他们本土的时候,他们的所作所为玷污了那地。他们所行的在我面前,就像在经期中的妇人那样污秽。
18Naizvozvo ndakateurira hasha dzangu pamusoro pavo nemhaka yeropa ravakateurira pamusoro penyika, zvavakaisvibisa nezvifananidzo zvavo;
18所以我因他们在那地上流人的血,又因他们以自己可憎的像玷污那地,就把我的烈怒倒在他们身上。
19ndikavaparadzira pakati pamarudzi, vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo nezvavakaita.
19我使他们分散在列邦,四散在各地;我按着他们的所作所为审判他们。
20Zvino vakati vachisvika kumarudzi, kwavakaenda, vakamhura zita rangu dzvene, nekuti vanhu vakati pamusoro pavo, Ava ndivo vanhu vaJehovha, vakabuda panyika yake.
20他们到了所去的列邦那里,我的圣名就被亵渎,因为人总是谈论他们说:‘这些是耶和华的子民,他们却要从耶和华的地出来。’
21Asi ndakanga ndinehanya nezita rangu dzvene, rakanga ramhurwa neimba yaIsiraeri pakati pamarudzi kwavakaenda.
21我却顾惜我的圣名,就是以色列家在他们所去的列邦那里所亵渎的。
22Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsiraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.
22施怜悯的主“因此,你要对以色列家说:‘主耶和华这样说:以色列家啊!我作这事,不是为了你们,而是为了我自己的圣名,就是在你们所去的列邦那里所亵渎的,
23Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imwi pakati pavo; zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23我要使我的大名显为圣,这名在列邦中已经被亵渎了,是你们在他们中间所亵渎的。我在你们身上向他们显为圣的时候,他们就知道我是耶和华。这是主耶和华的宣告。
24nekuti ndichakubvisai pakati pamarudzi, nokukuunganidzai kunyika dzose, ndikuisei kunyika yenyu.
24我必从列国中领你们出来,从万邦中聚集你们,把你们带回故土。
25Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, muve vakachena; ndichakunatsai matsvina enyu ose nezvifananidzo zvenyu zvose.
25我必用洁净的水洒在你们身上,你们就洁净了;我必洁净你们的一切污秽,使你们远离所有可憎的像。
26Ndichakupaiwo moyo mutsva, nokuisa mukati menyu mweya mutsva; ndichabvisa moyo webwe panyama yenyu, ndikupei moyo wenyama.
26赐新心的应许“‘我必把新心赐给你们,把新灵放在你们里面;我必从你们的肉体中除去石心,把肉心赐给你们。
27Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu, nokukufambisai nemitemo yangu; muchachengeta zvandakarayira nokuzviita.
27我必把我的灵放在你们里面,使你们遵行我的律例,谨守遵行我的典章。
28Muchagara munyika yandakapa madzibaba enyu; muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
28你们要住在我赐给你们列祖的地;你们要作我的子民,我要作你们的 神。
29Ndichakuponesai patsvina yenyu yose; ndichadana zviyo, nokuzviwanza, handingakuremedziyi nenzara.
29我必拯救你们脱离你们的一切污秽;我必叫五谷丰收,不使你们遇见饥荒。
30Ndichawanza michero yemiti, nezvinomera muminda, kuti murege kuzoshorwa namarudzi avanhu zvichinzi mune nzara.
30我必使树木的果子和田地的出产增多,好使你们在列国中不再因饥荒而遭受耻辱。
31Ipapo mucharangarira mufambiro wenyu wakaipa, nezvamakaita zvisina kunaka; muchazvisema mumene pamusoro pezvakaipa zvenyu nezvinonyangadza zvenyu.
31那时,你们必想起你们的恶行和不好的作为,就必因你们的罪孽和可憎恶的事厌恶自己。
32Handiiti izvozvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha muzive izvozvo; nyarai muve nenyadzi pamusoro pomufambiro wenyu, imwi imba yaIsiraeri.
32你们要知道我这样行,不是为了你们的缘故;以色列家啊!你们要因自己的行为抱愧蒙羞。这是主耶和华的宣告。
33Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva randichakunatsai pazvakaipa zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta, namatongo achavakwa.
33以色列的复兴“‘主耶和华这样说:我洁净你们,使你们脱离一切罪孽的日子,我必使城市有人居住,废墟可以重建。
34Nyika yakanga iri dongo icharimwa, iyo yakanga iri dongo pamberi pavose vaipfuura napo.
34从前所有路过的人都看为荒凉之地,现在却必再可以耕种。
35Ipapo vachati, Nyika iyi yaiva dongo, yafanana nomunda weEdheni; maguta akanga akaparadzwa akasiiwa aiva matongo, iwo avakirwa ogarwa.
35他们必说:“先前这荒凉之地,现在竟像伊甸园一样;这些废弃、荒凉、毁坏了的城市,现在却成了坚固城,有人居住了。”
36Ipapo marudzi akasara kumativi enyu ose achaziva kuti ini Jehovha, ndini ndakavaka nzvimbo idzo dzaiva matongo, ndikasimazve pakanga pakaparadzwa; ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita.
36那时,在你们四围所余剩的列国,就必知道我是耶和华,是我重建了那些毁坏的地方,栽植了那些荒凉之地。我耶和华说了,就必实行。
37Zvanzi naIshe Jehovha, Asi ndinoda kukumbirwa chinhu ichi neimba yaIsiraeri, kuti ndivaitire izvozvo; ndichavawanzira vanhu, vave seboka ramakwai.
37“‘主耶和华这样说:我还要让以色列家求我为他们增加人数,多如羊群。
38Sezvakaita boka ramakwai anobayirwa Jehovha, sezvakaita boka ramakwai muJerusaremu pamitambo yakatarwa, saizvozvo maguta aiva matongo achazadzwa namapoka avanhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
38守节的时候,在耶路撒冷作祭牲的羊群是怎样多,那些荒废了的城市也必照样满了人群。他们就知道我是耶和华。’”