Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Ezekiel

5

1Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza; uutore chive chisvo kwauri, ugoveura nawo musoro wako nendebvu dzako, ipapo utore chiyero chokuyera nacho, ndokukamura vhudzi.
1剃须发的象征
2Zvino chetatu charo upise nomoto pakati peguta, kana mazuva okukombwa kwaro apera; utorewo chimwe chetatu, ugotema nomunondo kumativi aro ose; uye chetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndichavhomora munondo shure kwavo.
2围困这城的日子满了,你要拿须发的三分之一在城中用火烧掉,又拿三分之一在城的周围用刀剁碎,三分之一撒在风中,我还要拔刀追赶它们。
3Zvino utorewo rimwe shomanene, urisungire munguvo dzako.
3你要在这些须发中取几根,用你的衣角把它们包起来。
4Ipapo utorezve rimwe raro, urikandire mumoto, uchiripisa mumoto; ipapo pachabudira moto kuimba yose yaIsiraeri.
4再从这几根须发中取一部分投在火里焚烧;火必从那里蔓延到以色列全家。”
5Zvanzi naIshe Jehovha, Iri ndiro Jerusaremu ndakariisa pakati pamarudzi, rakapoteredzwa nedzimwe nyika kumativi ose.
5主耶和华这样说:“这就是耶路撒冷!我曾把她安置在列国中间,万邦环绕着她。
6Asi rakaramba mitemo yangu richiita zvakaipa kupfuura mamwe marudzi, nokuramba zvandakarayira kupfuura dzimwe nyika dzakaripoteredza; nekuti ivo vakaramba mitemo yangu, nezvandakarayira havana kufamba mazviri.
6但她违背我的典章,行恶胜过列国;触犯我的律例,比环绕着她的万邦更坏。她弃绝我的典章,不遵行我的律例。”
7Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamune hasha kupfuura marudzi akakukomberedzai, mukasafamba munezvandakarayira nokusachengeta mitemo yangu, kunyange kuita nemitemo yamarudzi akakupoteredzai,
7主耶和华这样说:“你们比你们四围的列国更叛逆,不遵行我的律例,不遵守我的典章,连你们四围列国的法规你们也不遵守。”
8naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ini, iyeni, ndine mhaka nemi, ndichaita zvandakatonga pakati penyu mamwe marudzi achizviona.
8所以,主耶和华这样说:“看哪!我要敌对你。我要在你中间,在列国的眼前,施行审判。
9Ndichaita pakati penyu zvandisina kumboita, uye handingatongoitizve zvakadai, nemhaka yezvinonyangadza zvenyu zvose.
9我要因你一切可憎的事在你中间施行我未曾行过,以后也不会这样施行的审判。
10Naizvozvo madzibaba achadya vanakomana vavo mukati mako, navanakomana vachadya madzibaba avo; ndichakuitira zvandakatonga, ndichaparadzira vakasara vako kumhepo dzose.
10因此,在你中间,父亲要吃儿子,儿子要吃父亲。我要向你施行审判,把你余剩的众人分散到四方去。
11Saka noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha zvirokwazvo, zvawakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvose zvako zvinosemesa nezvose zvako zvinonyangadza, saka neni ndichabva kwamuri, ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo.
11瘟疫、饥荒与刀剑的灾祸“我指着我的永生起誓(这是主耶和华的宣告),你既然用你一切可憎的偶像和一切可厌的事来玷污我的圣所,我必收回对你的恩宠,我的眼必不顾惜你,我也不怜恤你。
12Chetatu chako chichafa nehosha yakaipa, uye vachapedzwa nenzara mukati mako; chetatu chichaparadzwa nomunondo kumativi ako, nechimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nokuvhomora munondo shure kwavo.
12你的人民三分之一必在你中间因瘟疫死亡,因饥荒消灭;三分之一必在你周围因刀剑倒毙;三分之一,我要分散到四方去,我还要拔刀追赶他们。
13Saizvozvo kutsamwa kwangu kuchapera, nehasha dzangu kwavari ndichadzigumisa, ndikanyaradzwa; vachaziva kuti ini Jehovha ndakataura nokushingayira kwangu, kana ndapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
13“这样我的怒气才可以发尽,我向他们所发的烈怒才可以平息,自己才得到舒畅。我向他们所发的烈怒完全发尽的时候,他们就知道我耶和华说过的话是出于嫉恨的心。
14Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pamarudzi anokupoteredza, zvichionekwa navose vanopfuura napo.
14我要使你变成荒地,使你在你四围的列国中和在所有路过的人眼前,成为羞辱的对象。
15Saizvozvo chichava chinhu chinoshorwa nechinosekwa, chinonyevera nechinoshamisa, kumarudzi ose anokupoteredza, kana ndichikuitira zvandakatonga ndakatsamwa, ndiine hasha, ndichikutukai nehasha ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo;
15我以怒气、烈怒和忿怒的责备向你施行审判的时候,你就必在你四围的列国中成为羞辱、讥讽和令人惊骇的对象,也成了他们的警戒。这是我耶和华说的。
16kana ndichituma pamusoro pavo miseve yakaipa yenzara, ine basa rokuparadza, yandichatuma kuti ikuparadzeyi. Ndichawedzera nzara pamusoro penyu, nokuvhuna mudonzvo wenyu wezvokudya.
16我射出饥荒和毁灭的毒箭的时候,是为了毁灭你们。我要使你们的饥荒加剧,断绝你们粮食的供应。
17Ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa zvichakutorerai vana; hosha yakaipa neropa zvichapfuura napakati pako; ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo.
17我要差遣饥荒和恶兽到你们那里去,使你丧掉儿女;在你中间必到处发生瘟疫和流血的事;我也必使刀剑临到你。这是我耶和华说的。”