Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Isaiah

27

1Nezuva iro Jehovha acharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, iyo, nyoka yakagonyana; achauraya chikara chiri mugungwa.
1葡萄园之歌
2Nezuva iro vachaimba vachiti, Munda wemizambiringa, chiuimbirai!
2到那日,有个出酒的葡萄园,你们必指着这园歌唱说:
3Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu.
3“我耶和华是看守葡萄园的;我时刻浇灌着它,并且为免有人毁坏它,我日夜都看守着。
4Ini handina hasha; dai rukato nemhinzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwechete.
4我再没有忿怒,若荆棘和蒺藜与我交战,我就上前践踏它们,把它们全部焚毁。
5Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.
5除非他们抓住我作他们的避难所,与我和好,与我和好。”
6Namazuva anouya Jakove achamera midzi; Isiraeri achatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko.
6在将来的日子里,雅各要扎根,以色列要发芽开花,他们的果实必遍布地面。
7Ko akavarova iye sezvaakarova avo vakavarova here? Ko vakaurawa nokuurawa kwaivo vakaurawa navo here?
7以色列民受罚耶和华击打以色列人,岂像击打那些击打他们的呢?主杀戮以色列人,岂像杀戮那些杀戮他们的呢?
8Pakuvadzinga kwenyu makarwa navo nechiyero chakafanira; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yokumabvazuva.
8不,你只是渐渐地,借着他们被掳与他们相争;在吹东风的日子,就用暴风把他们逐去。
9Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakove zvichadzikunurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.
9借此,雅各的罪孽才得赦免;他的罪过得以除掉的条件全都在于此,就是他叫祭坛上所有的石头都变为破碎的灰石,使亚舍拉和香坛不再竖立。
10nekuti guta, rakakombwa norusvingo, rasiiwa riri roga, hwava hugaro hwasiiwa riri dongo, serenje; ndipo pachava namafuro emhuru, ndipo paichavata pasi, ichidya mashizha apo.
10坚固的城变为凄凉,成了被撇下、被放弃的居所,像旷野一样;牛犊必在那里吃草,在那里躺卧,并且吃尽那里的树枝。
11Kana matavi apo aoma, achavhumwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nekuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo.
11以色列民回归枝条枯干了,就必被折断;妇女必来,拿去生火,因为这人民愚昧无知,所以他们的创造主不怜悯他们,那造成他们的,不向他们施恩。
12Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweEgipita; imwi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imwi vana vaIsiraeti.
12到那日,耶和华要从幼发拉底的溪流,直到埃及小河,收集他的谷物;以色列人哪!你们必一个一个被捡拾回来。
13Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeEgipita, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusaremu.
13到那日,必有大号角吹响,那些在亚述地快要灭亡的,以及那些被赶散在埃及地的,都要前来,在耶路撒冷的圣山上敬拜耶和华。