Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Isaiah

31

1Vane nhamo vanoburukira Egipita kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nekuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nekuti vane simba kwazvo, asi havatariri kuno Mutsvene waIsiraeri, kana kutsvaka Jehovha.
1埃及无助,唯 神能拯救
2Kunyange zvakadaro naiye akachenjera, achauyisa nhamo, haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yavanoita zvakaipa, navanobatsirana navanoita zvakaipa.
2耶和华是智慧的,他必降下灾祸,决不收回自己的话,却要起来攻击作恶者之家,又攻击那些助人作孽的。
3Zvino vaEgipita vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa nowanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete.
3埃及人是人,并不是 神;他们的马匹是血肉,并不是灵;耶和华一伸手,那帮助人的就绊倒,那受帮助的也必仆倒,并且一同灭亡。
4nekuti zvanzi naJehovha kwandiri, Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo. haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZiyoni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.
4因为耶和华对我这样说:“狮子和少壮狮子怎样因捕获猎物而咆哮,虽然召集了许多的牧人来攻击它们,它们并不因他们的声音而惊慌,也不因他们的喧嚷而蹲伏;照样,万军之耶和华必降临在锡安山和它的冈陵上争战。”
5Seshiri dzinodzengerera, saizvozvo Jehovha achatavirira Jerusaremu; acharitavirira nokurirwira, acharidarika nokurisunungura.
5雀鸟怎样搧翅护雏,万军之耶和华也必照样保护耶路撒冷,他必保护和拯救,他必越过和搭救。
6Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imwi vana vaIsiraeri.
6以色列人哪!你们是要回转,归向那曾被你们彻底背弃的耶和华。
7nekuti nezuva iro mumwe nomumwe ucharasha zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvendarama, zvamakazviitira namaoko enyu, zvikava zvivi kwamuri.
7到那日,各人都必拋弃自己的金偶像和银偶像,就是你们亲手所做,把自己陷在罪中的。
8Ipapo muAsiria achawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri wavanhu uchamudya; achatiza pamberi pomunondo, namajaya ake achabatirwa chibharo.
8预言亚述灭亡亚述人必倒在刀下,不是人的刀;必有刀把他们吞灭,也不是人的刀。他们必不能逃避刀剑,他们的年轻人必作苦工。
9Dombo rake richatiza nokutya, machinda ake achavhunduswa nomureza, ndizvo zvinotaura Jehovha, anomoto wake paZiyoni, nechoto chake paJerusaremu.
9他们的磐石必因惊慌而挪去,他们的领袖必因见到以色列的旗帜而惊惶。这是那有火在锡安,有炉在耶路撒冷的耶和华说的。