Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Isaiah

40

1Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinoreva Mwari wenyu.
1 神的安慰
2Taurirai zvingavaraidza Jerusaremu, danidzirai kwavari kuti kurwa kwavo kwapera, kuti zvakaipa zvavo zvakangamwirwa, kuti vapiwa noruoko rwaJehovha kurohwa kwakaringana pamusoro pezvivi zvavo.
2你们要向耶路撒冷说慈爱的话,又要向它宣告:他们的苦难已经满足了,他们的罪孽已经还清了,他们因着自己的一切罪,已经从耶和华的手里受到过重的刑罚。”
3Inzwi rounodanidzira, achiti, Gadzirai murenje nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa musango.
3预言在旷野有预备主道的有声音呼喊说:“你们要在旷野清理耶和华的路,在沙漠修直我们 神的大道。
4Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; pana makoronga pachaenzaniswa; Pasakaenzana pachaitwa bani;
4一切深谷都要填满,一切山冈都要削平;险峻的要改为平地,崎岖的要改为平原。
5kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, vanhu vose vachazviona pamwechete nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
5耶和华的荣耀必要显现,所有的人都必一同看见,因为这是耶和华亲口说的。”
6Inzwi roanoti, Danidzirai! Mumwe akati, Ndichadanidzireiko? Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kose kwakaita seruva rokusango.
6有声音说:“你呼喊吧!”他问:“我呼喊什么呢?”“所有的人尽都如草;他们的荣美都像野地的花。
7Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nekuti mweya waJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa.
7草必枯干,花必凋谢;因为耶和华的气吹在上面;真的,这民的确是草!
8Huswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.
8草必枯干,花必凋谢,唯有我们 神的道永远长存。”
9Nhai, iwe, unoparidzira Ziyoni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, Tarirai, Mwari wenyu!
9 神乃善牧报好信息给锡安的啊!你要登上高山。报好信息给耶路撒冷的啊!你要极力扬声。要扬声,不要惧怕!要对犹大的众城说:“看哪,你们的 神!”
10Tarirai, Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubayiro wake anawo, zvaanoripirwa zviri pamberi pake.
10看哪!主耶和华必像大能者临到,他的膀臂要为他掌权;看哪!他给予人的赏赐在他那里,他施予人的报应在他面前。
11Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanyatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.
11他必像牧人牧养自己的羊群,像用膀臂聚集羊羔,抱在自己的怀中,慢慢引导乳养小羊的。
12Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika mimwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiedzo, nezvikomo nechiyero?
12 神伟大无比谁曾用掌心量过海水,用手掌测过苍天呢?谁曾用升斗量过大地的尘土,用秤称山岭,用天平称冈陵呢?
13Ndianiko wakayera Mweya waJehovha, kana akamudzidzisa achimurayira namano?
13谁曾测度耶和华的灵,或作过他的谋士教导他呢?
14Akarangana nani, ndiyani akamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere here?
14他与谁商议,谁使他有聪明?谁把正确的路指教他,把知识指教他,又把明智的路教导他呢?
15Tarirai, marudzi avanhu akaita sedomwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, anosimudza zvivi sechinhu chiduku-duku.
15看哪!万国都像水桶里的一滴,又被看作天平上的微尘。看哪!他举起众海岛,好像微细之物。
16Rebhanoni harine huni dzingaringana kuvesera, kunyange mhuka dzaro hadziringani kuitwa zvipiriso zvingapiswa.
16黎巴嫩的树林不够当柴烧,其中的走兽也不够作燔祭。
17Marudzi ose anoverengwa pamberi pake sezmashoma kupfuura pasina seasina maturo.
17万国在他跟前好像不存在,在他看来,只是乌有和虚空。
18Zvino mungafananidza Mwari naniko? Kana mungamuenzanisa nomufananidzo upiko?
18你们把谁来跟 神相比呢?你们用什么形象来与 神并列呢?
19Kana uri mufananidzo, muumbi wakaumba, mupfuri wendarama anounamira nendarama, ndokuupfurira ngetani dzesirivha.
19至于偶像,是匠人铸造的,铸匠用金子把它包裹,用银子为它做银链。
20Murombo anoshaiwa chipo chakadaro, anosanangura muti asingawori; anozvitsvakira mhizha yakachenjera ingamuvezera mufananidzo usingazununguki.
20贫穷献不起这供物的,就拣选不朽坏的树木,为自己寻找巧匠,立起不会动摇的偶像。
21Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here?
21你们不曾知道吗?你们不曾听见吗?不是从起初就已经告诉过你们吗?自从大地的根基立了以来,你们还不曾明白吗?
22Ndiye agere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu; ndiye anotatamura denga somucheka, nokuriwaridza setende kuti agaremo;
22 神坐在大地的圆穹之上,地上的居民好像蚱蜢,他铺张诸天如铺张幔子,展开众天像展开可以居住的帐棚。
23ndiye anoderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika anovaita sechinhu chisina maturo.
23他使诸侯都归于无有,使地上的审判官成为虚空。
24Zvirokwazvo, havana kusimwa, zvirokwazvo, havana kudzvarwa, zvirokwazvo, hunde yavo haina kubata pasi; zvino wofuridza pamusoro pavo, vooma, nechamupupuri chinovabvisa sehundi.
24他们才刚刚栽上,刚刚种上,他们的树头刚刚在地里扎根,他一吹在其上,他们就枯干了,旋风把他们像碎秸一样吹去。
25Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye? Ndizvo zvinotaura Mutsvene.
25那圣者说:“你们把谁来跟我相比,使他与我相等呢?”
26Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda koukuru bwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.
26你们向天举目吧!看是谁创造了这些万象?是谁按着数目把万象领出来,一一指名呼唤?因他的大能大力,连一个也不缺少。
27Unorevereiko, iwe Jakove, unotaurireiko iwe Isiraeri, uchiti, Nzira yangu haizikamwi naJehovha, Mwari wangu anondidarika asingandiruramisiri?
27勉励人民信靠 神雅各啊!你为什么这样说;以色列啊!你为什么埋怨说:“我的道路向耶和华隐藏,我的案件被我的 神忽略了”?
28Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikamwi.
28你不知道吗?你没有听过吗?永在的 神、耶和华、地极的创造主既不疲乏,也不困倦;他的知识无法测度。
29Vanoziya anovapa simba; anoshaiwa simba anomuwedzera simba rake.
29疲乏的,他赐气力,无力的,他加力量。
30Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose;
30就是年轻人也会疲乏困倦,强壮的人也会全然跌倒。
31asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.
31但那些仰望耶和华的人,必重新得力;他们必像鹰一样展翅上腾;他们奔跑,也不困倦,他们行走,也不疲乏。