1Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakove, akakuumba, iwe Isiraeri, Usatya hako, nekuti ndini ndakakudzikunura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.
1 神必眷顾以色列人
2Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi.
2你从水中经过的时候,我必与你同在;你渡过江河的时候,水必不淹没你;你从火中行走的时候,必不会烧伤;火焰也不会在你身上烧起来。
3nekuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Egipita ruve rudzikunuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako.
3因为我是耶和华你的 神,是以色列的圣者,你的拯救者;我使埃及作你的赎价,使古实和示巴作你的替身。
4Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikamwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.
4因为你在我眼中非常宝贵和贵重,所以我爱你;我使别人作你的替身,同别的民族交换你的性命。
5Usatya hako, nekuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva;
5你不要惧怕,因为我与你同在;我必把你的后裔从东方领回来,又从西方招聚你。
6ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika;
6我要对北方说:‘把他们交出来!’又对南方说:‘不要拘留他们!’要把我的众子从远方带回来,把我的女儿从地极领回来,
7mumwe nomumwe anodamwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.
7就是所有按着我的名被召的人,是我为自己的荣耀创造的,是我所塑造,所作成的。”
8Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo.
8你要把那些有眼却看不见,有耳却听不到的人民领出来。
9Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, Ichokwadi.
9列国都聚集在一起,万族都集合起来,他们中间谁能说明这事呢?谁能把先前的事说给我们听呢?让他们带出自己的见证人来,好显明自己为义;让别人听见了,就说:“这是真的。”
10Zvanzi naJehovha, zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura, kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
10耶和华说:“你们就是我的见证人,我所拣选的仆人,为要使你们知道,并且相信我,又明白我就是‘那位’;在我以前没有神被造出来,在我以后也必没有。
11Ini iyeni, ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.
11唯有我是耶和华;除我以外,并没有拯救者。
12Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imwi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha.
12我曾预告,我曾拯救,我曾说给你们听,在你们中间没有别的神。”耶和华说:“你们是我的见证人,我就是 神。
13Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?
13自头一天以来,我就是‘那位’;谁也不能救人脱离我的手;我要行事,谁能拦阻呢?”
14Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro.
14预言巴比伦毁灭你们的救赎主、以色列的圣者、耶和华这样说:“因为你们的缘故,我已经派人到巴比伦去,我要使所有的迦勒底人都像难民一样下来,都坐在他们素来自夸的船下来。
15Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsiraeri, Mambo wenyu.
15我就是耶和华,你们的圣者,是以色列的创造主、你们的王。”
16Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba;
16耶和华这样说:他在海中开了一条道,在大水中辟了一条路;
17anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje.
17他使战车、马匹、军兵和勇士都一同出来,他们都躺下去,不能再起来;他们都灭没,好像灯火熄灭一样。
18Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare.
18“你们不要怀念先前的事,也不要思念古时的事。
19Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango.
19 神作一件新事“看哪!我要作一件新的事;现在它要发生了,难道你们还不知道吗?我要在旷野开一条道路,在荒地开挖江河。
20Mhuka dzebundo dzichandikudza, makava nemhou; nekuti ndinobudisa mvura zhinji murenje, nenzizi musango, kuti ndipe vanhu vangu, ivo vakasanangurwa, vamwe,
20野地的走兽必尊重我,野狗和鸵鸟也必这样,因为我使旷野有水,使荒地有江河,好使我拣选的子民有水喝,
21ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
21就是我为自己所造的子民,好使他们述说赞美我的话。
22Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakove, asi wakaneta neni, iwe Isiraeri.
22然而,雅各啊!你并没有呼求我。以色列啊!你竟厌烦我。
23Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuhwira.
23作燔祭用的羊,你没有带来给我;也没有用你的祭物来尊敬我;我没有因献供物使你劳累;也没有因献乳香使你厌烦。
24Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.
24你没有用银子为我买菖蒲,也没有用祭物的脂肪使我饱足;相反地,你用你的罪使我劳累,你用你的罪孽使我厌烦。
25Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako.
25 神赦罪之恩“唯有我为自己的缘故,涂抹你的过犯,我也不再记念你的罪。
26Ndiyeudzire, ngatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe.
26你可以提醒我,我们可以一起辩论;你尽管细说案情,好使你自显为义。
27Teteguru vako vakatadza, navaporofita vako vakandidarikira.
27你的祖先犯了罪,你的代表背叛了我。
28Naizvozvo ndakamhura machinda matsvene Jakove ndakamuita chinhu chakatukwa naIsiraeri chinhu chinosekwa.
28所以我要辱没圣所里的领袖,使雅各遭受毁灭,使以色列被凌辱。”