Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Isaiah

51

1Teererai kwandiri, imwi munotevera kururama, imwi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa.
1安慰锡安的话
2Tarairai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nekuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji.
2你们要瞻仰你们的祖宗亚伯拉罕,他们也要瞻仰那生你们的撒拉。亚伯拉罕独自一人的时候,我呼召了他,赐福给他,使他有很多子孙。
3nekuti Jehovha akanyaradza Ziyoni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, negwenga raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nenzwi rokuimba.
3耶和华必安慰锡安,他要安慰它的一切荒场,使它的旷野像伊甸园一样,使它的荒地像耶和华的园子一般,在其中必有欢喜快乐、感谢和歌声。
4Teererai kwandiri, imwi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imwi rudzi rwangu; nekuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu.
4我的子民哪!你们要留心听我;我的民族啊!你们要侧耳听我。因为训诲必从我而去;我必坚立我的判词为万民之光。
5Kururama kwangu kuri pedo, ruponeso rwangu rwabuda, uye maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.
5我的公义临近,我的拯救已经发出了,我的膀臂审判万民,众海岛的人都要等候我,并且仰赖我的膀臂。
6Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nekuti denga rose richanyangarika soutsi, nenyika ichasakara senguvo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
6你们要仰观天空,俯视大地;因为诸天必像烟云消散,大地要像衣服渐渐破旧;其上的居民必像蠓虫死亡,但我的拯救却永远长存,我的公义也不会废去。
7Nditeererei, imwi munoziva kururama; vanhu vanomurayiro wangu pamoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, kana kuvhunduswa nokutuka kwavo.
7认识公义,把我的训诲存在心里的人民哪!你们要听我的话。你们不要怕人的辱骂,也不要因人的毁谤而惊惶。
8nekuti zvipfukuto zvichavadya senguvo, nerukonye guchavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi namarudzi.
8因为蛀虫必吃他们,像吃衣服一样;虫子必吃他们,像吃羊绒一样。但我的公义永远长存。我的拯救直到万代。
9Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura Rahabhi, mukakuvadza chikara here?
9耶和华的膀臂啊,醒来吧!醒来吧!穿上能力吧!像古时的日子,像上古的世代一样醒来吧!从前砍碎了拉哈伯,刺透了海龙的,不是你吗?
10Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura yakadzika , mukaitawo nzvimbo dzakadzika dzegungwa nzira pangayambuka vakadzikunurwa here?
10使海,就是大渊的水干涸,使海的深处变为蒙救赎的人经过之路的,不是你吗?
11Naizvozvo Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Ziyoni vachiimba; nomufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachawana mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchatiza.
11耶和华所赎的人必归回;他们必欢呼着进入锡安;永远的快乐要临到他们的头上。他们必得着欢喜快乐,忧愁叹息都必逃避。
12Ini, iyeni, ndini ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, uchatya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa;
12“我,我耶和华是安慰你们的;你是谁,竟怕那会死的人,怕那被造如草的世人呢?
13uye wakakangamwa Jehovha muiti wako akatatamura matenga ose,nekuteya nheyo dzenyika; ukaramba uchingotya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, seakazvigadzira kuparadza here? uye hasha dzomumanikidzi dziripiko?
13你忘记了造你的耶和华,就是那展开诸天,奠定大地的根基的;又因那欺压者准备行毁灭的时候所发的烈怒,你就终日不住惧怕呢?其实那欺压者的烈怒在哪里呢?
14Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa,Vuye haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi.
14被掳的快得释放了,他们必不会死,必不会下到阴间里,他们的食物也必不会缺乏。
15nekuti ndini Jehovha Mwari wako, anoparadzanisa gungwa, rine mafungu anotinhira; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
15我是耶和华你们的 神,就是那搅动大海,使海中的波浪澎湃的;万军之耶和华是他的名。
16Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe matenga , nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZiyoni, Imi muri vanhu vangu.
16我把我的话放在你的口里,用我的手影蔽护你,好立定诸天,奠定大地的根基,对锡安说:‘你是我的子民。’”
17Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu,iwe wakamwa paruoko rwaJehovha mukombe wokutsamwa kwake; wakamwa manzete emukombe wose wokudederesa, ukaapedza kwazvo.
17耶路撒冷啊,醒来!醒来!站起来吧!你从耶和华的手中喝了他烈怒的杯,喝尽了那使人摇摇摆摆的爵。
18Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira, hakuna angamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera.
18她所生的众子中,没有一个引导她的;她养大的众子中,没有一个扶持她的。
19Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko achakunzwira tsitsi? Kusiiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei?
19荒凉与毁灭,饥荒与刀剑,这两样临到你,谁为你悲哀呢?谁能安慰你呢?
20Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, senzombe yesango yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
20你的众子昏倒了,在各街头上躺卧,好像羚羊在网罗之中;他们饱尝了耶和华的烈怒,你的 神的斥责。
21Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi kwete newaini,
21所以,你这困苦的,不是因酒而醉倒的,要听这话。
22Ndizvo zvinotaura IShe wako Jehovha, naMwari wako,unoreverera vanhu vake, Tarirai, ndakabvisa muruoko rwako mukombe wokudzedzeresa, iwo manzete emukombe wokutsamwa kwangu, haungazoamwizve.
22你的主耶和华,就是为自己的子民争辩的 神,这样说:“看哪!我已经把那使人摇摇摆摆的杯,就是我烈怒的爵,从你的手里挪去了;你必不再喝这杯。
23Asi ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kumweya wako, Kotama,kuti tipfuure napamusoro; iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha yavanopfuura.
23我必把这杯放在那些苦待你的人的手里;他们曾对你说:‘你屈身俯伏,让我们走过去吧!’你就以你的背作陆地,作街道,任由他们踏过去。”