Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Isaiah

61

1Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nekuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa;
1宣告救恩的好信息
2kuti ndiparidzire gore retsitsi dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema;
2宣告耶和华悦纳人的禧年,和我们的 神报仇的日子;安慰悲哀的人,
3kuti ndigadzire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.
3为锡安悲哀的人穿上装饰,赐给他们华冠代替灰尘,喜乐油代替悲哀,赞美衣代替沮丧的灵,他们必称为公义的橡树,是耶和华栽种的,好使他自己得着荣耀。
4Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.
4他们必重建久已废弃的荒场,建立先前荒凉之地;重修荒废了的城镇,就是历代荒凉之处。
5Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu.
5那时,外人要服事你们,牧放你们的羊群,外族人要作你们的农夫和葡萄园丁。
6Asi imwi muchanzi vaPristi vaJehovha vanhu vachakutumidzai Vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo.
6至于你们,却要称为耶和华的祭司,人必称你们为我们 神的仆人;你们要享用列国的财富,因得着他们的荣耀而夸耀。
7Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.
7你们必得加倍的分,代替你们所受的羞愧,他们因自己所得的分而欢呼,代替羞辱,所以在他们的境内,他们必拥有加倍的产业,他们必有永远的喜乐。
8nekuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichavaripira zvirokwazvo, uye ndichaita sungano isingaperi navo.
8因为我耶和华喜爱公平,恨恶不义的抢夺;我要凭真理赏赐他们,与他们立永远的约。
9Vana vavo vachazikamwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha.
9他们的后裔必在列国中被人认识,他们的子孙在万民中也必这样;看见他们的,都必承认他们是耶和华赐福的后裔。
10Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nekuti akandifukidza nguvo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.
10我因耶和华大大欢喜,我的心靠着我的 神快乐,因为他给我穿上救恩的衣服,给我披上公义的外袍,好像新郎戴上华冠,又像新娘佩戴装饰。
11nekuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.
11地怎样发生苗芽,园子怎样使所种的生长起来,主耶和华也必怎样使公义和赞美,在万国之前生长出来。