Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Isaiah

63

1Ndianiko uyu anobva Edhomu, ane nguvo dzakatsvuka dzinobva Bhozira? Ndiani uyo akafuka zvinobwinya, anofamba noukuru bwesimba rake? Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.
1耶和华的得胜
2Ko nguvo yenyu yakatsvuka nei? Zvokufuka zvenyu zvakafanana nezvomunhu anotsika muchisviniro chewaini neiko?
2你的服装为什么有红色的呢?你的衣服为什么像个踹压酒池的人的衣服一样呢?
3Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguvo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose.
3“我独自踹酒槽;万民之中没有一人与我同在;我在忿怒中把他们踹下,在烈怒中把他们践踏;他们的血溅在我的衣服上,我把我所有的衣裳都染污了。
4nekuti ndakafunga zuva rokutsiva mumoyo mangu; gore ravakadzikunurwa vangu rasvika.
4因为报仇的日子早已在我的心里,我救赎的年日早已经来到。
5Ndikatarira, ndikashayiwa anobatsira, ndikashamiswa nekuti kwakanga kusina anotsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, kutsamwa kwangu ndiko kwakanditsigira.
5我观看,但没有人帮助;我诧异,因没有人扶持;所以我用自己的膀臂为我施行了拯救,我的烈怒扶持了我,
6Ndikatsika-tsika marudzi avanhu pakutsamwa kwangu, ndikavapengesa nedoro rokutsamwa kwangu, ndikadurura ropa rohupenyu hwavo pasi.
6我在忿怒中践踏万民,在烈怒中使他们沉醉,又把他们的血倒在地上。”
7Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kohunyoro hwake.
7 神善待以色列我照着耶和华为我们所作的一切,提说耶和华的慈爱,耶和华可称颂的事,和他赐给以色列家的大福,就是照着他的怜悯和丰盛的慈爱为他们作成的。
8nekuti akati, Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera; naizvozvo akava Muponesi wavo.
8他曾说:“他们真是我的子民,不行虚假的儿子”,于是,在他们的一切苦难中,他就作了他们的拯救者。
9Pakutambudzika kwavo kose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikunura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.
9他不再是敌对者,并且他面前的使者拯救了他们。他以自己的爱和怜悯救赎了他们;在古时的一切日子,他背负他们,怀抱他们。
10Asi vakamumukira, nokuchemedza Mweya wake mutsvene; naizvozvo akashanduka, akava muvengi wavo, akarwa navo amene.
10可是,他们竟然悖逆,使他的圣灵忧伤;所以他转作他们的仇敌,亲自攻击他们。
11Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, Mozisi navanhu vake, vakati, Aripiko iye akaisa Mweya wake mutsvene pakati pavo?
11那时,他们想起古时的日子,就是摩西和他的人民的日子,说:那把人民和他羊群的牧者从海里领上来的,在哪里呢?那把自己的圣灵降在他们中间的,在哪里呢?
12Aripiko iye akafambisa ruoko rwake runokudzwa parutivi rwaMozisi, akaparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi?
12那使自己荣耀的膀臂在摩西的右边行走,那在他们面前把水分开,为要建立永远的名的,他在哪里呢?
13Aripiko iye akavafambisa napakadzika, sebhiza murenje, vakasagumburwa?
13那带领他们走过深海,像马走过旷野一样,使他们不致跌倒的,在哪里呢?
14Mweya waJehovha wakavazorodza, semombe dzinoburukira kumupata; saizvozvo makafambisa vanhu venyu, kuti muzviwanire mukurumbira mukuru-kuru.
14耶和华的灵使他们得了安息,好像牲畜下到山谷;你也这样引导你的人民,为要建立荣耀的名。
15Tarirai pasi muri kudenga, muone muri pahugaro bwenyu hutsvene hunobwinya, kushingaira kwenyu namabasa enyu ane simba aripiko? Kushuva komoyo wenyu netsitsi dzenyu zvadzorwa kwandiri.
15求主垂顾求你从天上垂顾,从你圣洁、荣耀的居所观看。你的热心和你的大能在哪里呢?你爱心的同情和怜悯向我止住了。
16nekuti muri baba vedu, kunyange Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imwi Jehovha muri baba vedu, Mudzikunuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.
16亚伯拉罕虽然不认识我们,以色列也不承认我们,但你是我们的父。耶和华啊!你是我们的父,从亘古以来,你的名字就是“我们的救赎主”。
17Haiwa, Jehovha, munotirega neiko tichitsauka panzira dzenyu, nokuomesa moyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
17耶和华啊!你为什么使我们走错,离开你的道路?使我们的心刚硬,不敬畏你呢?求你为你众仆人的缘故,为你产业的各支派的缘故,回心转意吧!
18Vanhu venyu vatsvene vakanga vanayo nguva duku hayo; vadzivisi vedu vakatsika pasi imba yenyu tsvene.
18你的圣民不过暂时得着你的圣所,我们的敌人已经践踏了你的圣所。
19Isu tafanana navasina kutongobatwa nemi, navasina kutumidzwa nezita renyu.
19我们成了好像你从未治理过的人,又像未曾得称为你名下的人。