Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Isaiah

66

1Zvanzi naJehovha, Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiniko? Ndeipiko nzvimbo pandingazorora?
1 神审判万民
2nekuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo anomweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu.
2耶和华说:“这一切都是我亲手所造的,所以它们就有了。以下这种人是我要垂顾的,就是谦卑、心灵伤痛、因我的话而战兢的人。
3Anouraya nzombe wakaita soanouraya munhu, anobayira gwayana soanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu soanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuhwira soanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo.
3宰牛献祭,又杀人,献羊羔为祭,又打折狗的颈项;献上素祭,又献上猪血;烧乳香作记念祭,又称颂虚无之神;他们选择他们自己的道路,他们的心里喜悦他们那些可憎恶的事。
4Neniwo ndichasanangura zvinovadadira, ndichawisira pamusoro pavo izvo zvavanotya; nekuti panguva yandakadana, hakuna akapindura, panguva yandakataura, havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakasanangura zvakanga zvisingandifadzi.
4所以,我也必选择迷惑他们的事,使他们所惧怕的临到他们身上;因为我呼唤你们,却没有人回答;我说话,你们都不听,反倒行我眼中看为恶的事,选择我所不喜悦的事。”
5Inzwai shoko raJehovha, imwi munodedera neshoko rake, Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa.
5因耶和华的话而战兢的人哪!你们要听他的话。他说:“你们的兄弟,就是那些憎恨你们、因我的名赶走你们的,曾说:‘愿耶和华得荣耀;让我们看见你们的喜乐。’他们却要蒙羞。
6Inzwai mheremhere iri muguta, mheremhere inobva kutemberi, inzwi raJehovha rinotsiva vavengi vake.
6听啊!有喧嚷的声音出自城中;有声音出于殿里。这是耶和华向他的仇敌施行报应的声音!
7Akapona asati arwadziwa, akabereka mwanakomana kurwadziwa kwake kusati kwasvika.
7锡安没有绞痛就生产;疼痛没有临到她身上,就生了一个男孩。
8Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwa nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? nekuti Ziyoni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo.
8像以下这样的事,谁曾听过呢?像下面这些事,谁曾见过呢?一地之民能在一天之内就产生吗?一国的人能在一时之间就生下来吗?但锡安一绞痛,就生下了儿女。
9Zvanzi naJehovha, Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini, ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here? Ndizvo zvinotaura Mwari wako.
9耶和华说:‘我既然使她临盆,又怎能不使她生产呢?’你的 神说:‘我既然使她生产,又怎能使她闭胎不生呢?’
10Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imwi mose munorida, farai nomufaro mukuru naro, imwi mose munorichema;
10所有爱慕耶路撒冷的人哪!你们都要与她一同欢喜,都要因她快乐;所有为耶路撒冷哀悼的人哪!你们都要与她一同尽情欢乐。
11kuti mumwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro.
11好使你们能在她那安慰人的怀里吃奶得饱;使你们能从她丰盛的荣耀里挤奶而吃,满心喜乐。”
12nekuti zvanzi naJehovha, Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imwi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.
12因为耶和华这样说:“看哪!我必使平安达到她那里,好像江河一样,使列国的财宝达到她那里,如同涨溢的河流一般;你们要吮奶,你们必被抱在怀中,抚弄在膝上。
13Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu.
13人怎样受他母亲的安慰,我也怎样安慰你们;你们要在耶路撒冷得安慰。”
14Muchazviona, moyo wenyu uchafara, namafupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikamwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake
14你们看见了,就心里快乐,你们的骨头必像嫩草一样长起来,耶和华的手必向他的仆人显现,他必向他的仇敌发怒。
15nekuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto.
15看哪!耶和华必在火中降临,他的战车好像旋风;他要以猛烈的怒气施行报应,用火焰施行斥责。
16nekuti Jehovha achatonga vanhu vose nomoto uye nomunondo wake; vakaurawa naJehovha vachava vazhinji.
16因为耶和华必用火和刀剑,在所有的人身上施行审判,被耶和华所杀的人必定很多。
17Vanozviita vatsvene navanozvinatsa kuti vaende kuminda, vachitevera mumwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinonyangadza, nembeva, ivavo vachapera vose ndizvo zvinotaura Jehovha.
17那些自己分别为圣,又洁净自己,进到园里,在园中一个跟一个,吃猪肉、老鼠和可憎之物。他们都必一同灭亡;这是耶和华说的。
18nekuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; nguva inosvika yandichaunganidza marudzi ose namarimi ose, vachauya vachiona kubwinya kwangu.
18我知道他们的行为和意念;我要来,聚集万国万族;他们都必来看我的荣耀。
19Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarishishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzviwi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu, kana kuona kubwinya kwangu pakati pamarudzi.
19我要在他们中间施行神迹,从他们中间差遣所有逃脱的人到列国去,就是到他施、普勒、善于拉弓的路德、土巴和雅完,以及从未听过我的名声、从未见过我的荣耀的遥远众海岛;他们必把我的荣耀传扬在列国中。
20Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namakamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana valsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha.
20他们要从万国中用马、用车、用轿、用骡子、用独峰驼,把你们所有的兄弟都送到我的圣山耶路撒冷来,作供物献给耶和华,好像以色列人用洁净的器皿把供物送到耶和华的殿一样;这是耶和华说的。
21Ndichatorawo vamwe vavo vave vapristi navaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha.
21耶和华说:“我也必从他们中间取些人作祭司和作利未人。”
22nekuti denga idzva nenyika itsva, zvandichaita sezvichagara zviripo pamberi pangu, saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo ndizvo zvinotaura Jehovha.
22耶和华说:“我所要造的新天新地怎样在我面前留存,你们的后裔和你们的名字也必怎样长存。
23Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara komwedzi mumwe nomumwe, napasabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha.
23将来每逢月朔,每逢安息日,所有的人都必来在我面前敬拜;这是耶和华说的。
24Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvavanhu vakandidarikira; nekuti honye yavo haingafi, uye moto wavo haungadzimwi; vachava chinhu chinosemesa nyama yose.
24他们要出去,观看那些悖逆我的人的尸体;因为他们的虫是不死的,他们的火是不灭的;他们必成为所有人恨恶的东西。”