1Zvivi zvaJudha zvakanyorwa nepeni yamatare, nomuromo wedhaimani; zvakatemwa pamabwendefa emoyo yavo, napanyanga dzamaaritari enyu
1犹大的罪触怒 神
2nguva dzose kana vana vavo vachirangarira maaritari avo nemiti yavo yakatsaurwa pamiti mitema pazvikomo zvakakwirira.
2他们的儿女也怀念着那些在各高冈上、在繁茂树旁的祭坛和亚舍拉。
3Iwe gomo rangu riri kusango, nhumbi dzako nefuma yako yose ndichazvitapisa, nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwezvivi zvenyu zviri mumiganho yenyu yose.
3我在田野的山哪!因你在四境之内所犯的罪,我必把你的财产、一切宝物和你的邱坛,给敌人作掠物。(本节或译:“因你在四境之内所犯的罪,我必把我在田野的山、你的财产、一切宝物和你的邱坛,给敌人作掠物。”)
4Nemi, iyemi mumene, mucharega nhaka yenyu yandakakupai; ndichakuitai varanda vavavengi venyu munyika yamusingazivi, nekuti makabatidza moto pakutsamwa kwangu, uchapfuta nokusingaperi.
4因你自己的缘故,我赐给你的产业,你必失掉;我必使你在你不认识的地方,服事你的仇敌;因为你们惹起我的怒火,我的怒火必燃烧到永远。”
5Zvanzi naJehovha, Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomoyo unotsauka kuna Jehovha.
5靠主得福耶和华这样说:“倚靠世人,恃凭肉体为自己的力量,心里偏离耶和华的,这人该受咒诅。
6nekuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu.
6他必像沙漠中的灌木,福乐来到,他也必看不见,却要住在旷野干旱之地、无人居住的咸地。
7Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.
7但倚靠耶和华,以耶和华为他所信赖的,这人是有福的。
8nekuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko.
8他必像一棵树,栽种在水边,树根伸进河里;炎热来到,并不害怕,树叶仍然繁茂;在荒旱之年,它不挂虑,并且不断结果子。”
9moyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?
9人心诡诈,求主鉴察人心比万物都诡诈,无法医治;谁能识透呢?
10Ini Jehovha, ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugariro wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.
10“我耶和华是察透人心,试验人肺腑的,要照着各人的行为,和各人所作的事应得的结果报应各人。”
11segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira fuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.
11使用不公正的方法发财的,就像一只鹧鸪孵了不是自己所生的蛋;到了中年,那财富必离开他,最后他必成为一个愚昧人。
12Nzvimbo yeimba yedu tsvene chigaro choushe chakaisvonaka, chakanga chakakwirira kubva pakutanga.
12我们的圣所是荣耀的宝座,从起初就矗立在高处。
13imwi Jehovha, tariro yaIsiraeri, vose vanokurashai vachanyadziswa; vanotsauka kwandiri vachanyorwa muvhu, nekuti vakarasha Jehovha, iro tsime remvura mhenyu.
13耶和华以色列的盼望啊!离弃你的,都必蒙羞;偏离你(“你”原文作“我”)的,他们的名字必写在沙土上,因为他们离弃了耶和华这活水的源头。
14Ndiporesei Jehovha, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa; nekuti ndimi wandinorumbidza.
14耶和华啊!求你医治我,我就得医治;求你拯救我,我就得拯救;因为你是我所赞美的。
15Tarirai, vanoti kwandiri, Shoko raJehovha riripiko? Ngariuye zvino.
15看哪!他们常常对我说:“耶和华的话在哪里?使它应验(“应验”原文作“来”)吧!”
16Kana ndirini, handina kukurumidza kusakuteverai somufudzi, handina kushuva zuva renjodzi imwi munoziva; zvakabuda mumoromo mangu zvakanga zviri pamberi penyu.
16至于我,我没有急忙离弃那跟从你作牧人的职分(“我没有急忙离弃那跟从你作牧人的职分”有古译本作“我没有催逼你降灾祸”),也没有想望灾难的日子,这是你知道的;我嘴里所出的话都在你面前。
17Musava kwandiri chinhu chinotyisa; imwi muri hutiziro hwangu nezuva rezvakaipa.
17求你不要使我因你惊恐,在灾祸的日子,你是我的避难所。
18Vanonditambudza ngavanyadziswe, asi ini ndirege kunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndirege kuvhunduswa; uyisai kwavari zuva rezvakaipa, muvaparadze nokuparadza kwakapamhidzirwa.
18愿那些迫害我的蒙羞,却不要叫我蒙羞;愿他们惊恐,却不要使我惊恐;求你使灾祸的日子临到他们,加倍毁灭他们。
19Jehovha wakati kwandiri, Enda undomira musuwo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuwo ose eJerusaremu,
19谨守安息日耶和华对我这样说:“你去站在犹大列王出入的城门(“城门”原文作“人民城门”),又站在耶路撒冷的各城门口,
20uti kwavari, Inzwai shoko raJehovha, imwi madzimambo aJudha, navaJudha vose, navose vagere Jerusaremu vanopinda napamasuwo awa.
20对他们说:‘耶路撒冷诸王、犹大众民和所有进入这些城门的犹大居民哪!你们要听他耶和华的话。
21Zvanzi naJehovha, Zvichenjerei, murege kutakura mutoro nezuva resabata, kana kupinda nawo napamasuwo eJerusaremu,
21耶和华这样说:为了自己的性命,你们要谨慎,不可在安息日挑担子,不可挑进耶路撒冷的城门。
22musabuda makatakura mutoro padzimba dzenyu nezuva resabata, kana kubate basa ripi neripi; asi mutsaure zuva resabata, sezvandakaraira madzibaba enyu.
22也不可在安息日从你们家里挑担子出来;什么工都不可作,却要守安息日为圣日,正如我吩咐你们列祖的。
23Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo; asi vakaomesa mitsipa yavo kuti varege kunzwa, varege kudzidziswa.
23你们的列祖却没有听从,毫不在意,反而硬着颈项不肯听,不受管教。’”
24Zvino zvanzi naJehovha, Kana mukanyatsa kunditeerera, mukasapinda nomutoro napamasuwo eguta rino nezuva resabata, asi muchitsaura zuva resabata, musingabati basa ripi neripi naro;
24耶和华宣告说:“但如果你们真心听从我,不在安息日挑担子进入这城的城门,并且守安息日为圣日,在那日不作任何工作;
25ipapo pachapinda napamasuwo eguta rino madzimambo namachinda anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, anofamba nengoro namabhiza, iwo namachinda awo, navarume vaJudha, navagere Jerusaremu; guta rino richavapo nokusingaperi.
25这样,就必有坐大卫王位的列王,并有众领袖随着,进入这城的城门;列王和众领袖乘着车,骑着马,跟犹大人和耶路撒冷的居民一同进入这城。这城必永远有人居住。
26Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibayiro, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuhwira, vachiuya nezvokuvonga nazvo kuimba yaJehovha.
26必有人从犹大的各城和耶路撒冷周围的各处,从便雅悯地、低地、山地和南地而来;他们带着燔祭、平安祭、素祭、乳香和感恩祭到耶和华的殿里去。
27Asi kana mukaramba kunditeerera, mukaramba kutsaura zuva resabata, muchitakura mutoro muchipinda nawo napamasuwo eJerusaremu nezuva resabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuwo aro, uchapedza dzimba dzamambo dzeJerusaremu usingazodzimwi.
27但如果你们不听从我,不守安息日为圣日,仍在安息日挑担子,进入耶路撒冷的城门;这样,我就必在耶路撒冷的各城门点起火来,烧毁耶路撒冷的堡垒,没有人能够扑灭。”