1.Zvino Pashuri, mwanakomana womupristi Imeri, mutariri mukuru mumba maJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.
1耶利米预言犹大被掳
2Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, akamusunga mumatanda aiva pasuwo rokumusoro raBhenjamini, raiva mumba maJehovha.
2就殴打耶利米先知,把他枷锁在耶和华殿里,朝向便雅悯的上门内。
3Zvino fume mangwanani Pashuri akasunungura Jeremiya pamatanda. Ipapo Jeremiya akati kwaari, Jehovha haana kukutumidza zita rinonzi Pashuri, asi rinonzi Magorimisabhibhi.
3次日,巴施户珥把耶利米从枷锁上解下来,耶利米就对他说:“耶和华不再称你的名为巴施户珥,却要称你为玛歌珥.米撒毕(“玛歌珥.米撒毕”意即“四围惊慌”)。
4nekuti zvanzi naJehovha, Tarira, ndinokuita chinhu chinotyisa, chichakutyisa iwe umene neshamwari dzako dzose; vachaparadzwa nomunondo wavavengi vavo, meso ako achazviona; ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye uchavatapira Bhabhironi, nokuvauraya nomunondo.
4因为耶和华这样说:‘看哪!我要使你自己和你所有的朋友都惊惶失措;他们必倒在他们仇敌的刀下,你也必亲眼看见。我要把全犹大交在巴比伦王手中;他要把他们掳到巴比伦去,或用刀击杀他们。
5Uyezve, ndichaisa fuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvavo zvinokosha, zvirokwazvo, nefuma yose yamadzimambo aJudha, ndichazviisa mumaoko avavengi vavo; ivo vachavapamba, nokuvatapa, nokuenda navo Bhabhironi.
5我要把这城的一切财物、一切劳碌得来的、一切珍宝和犹大列王的一切宝物,都交在他们仇敌的手中;仇敌要把这一切抢劫掠夺,带回巴比伦去。
6Newe Pashuri, navose vagere mumba mako, muchatapwa, iwe uchandosvika Bhabhironi, uchandofirapo, nokuvigwapo, iwe neshamwari dzako dzose, dzawaiporofitira nhema.
6巴施户珥啊!你和所有住在你家里的人,都要被掳去;你和你所有的朋友,就是你向他们说假预言的,都要到巴比伦去,死在那里,也葬在那里。’”
7imwi Jehovha makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imwi mune simba kupfuureni, mukakunda; ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka.
7因传 神的信息而受苦耶和华啊!你愚弄了我,我受了愚弄;你比我强大,你胜了我。我整天成了别人讥笑的对象,人人都嘲弄我。
8nekuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, Zvinoitwa nesimba nokuparadza nekuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose.
8因为我每次发言,都大声呼叫;我呼喊,说:“有强暴和毁灭!”耶和华的话使我整天受人辱骂和讥讽。
9Kana ndichiti, Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake, ipapo mumoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumafupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.
9如果我说:“我不再提起他,也不再奉他的名说话”,他的话就像火在我心中焚烧,被困在我的骨里;我不能再抑制,实在不能了。
10nekuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikamwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari.
10我听见许多人耳语:“玛歌珥.米撒毕!告发他,我们要告发他!”我所有的知己朋友都等着看我行差踏错,他们说:“希望他会上当,我们就可以胜过他,向他报复。”
11Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nekuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.
11但耶和华与我同在,像一个威武可畏的勇士,因此,逼迫我的都必跌倒,不能得胜。他们必大大蒙羞,因为他们失败了;这永远的耻辱是人不能忘记的。
12Asi imwi Jehovha wehondo, imi, munoidza vakarurama, munoona itsvo nomoyo, ngandione kutsiva kwenyu kwavari; nekuti ndakakuzarurirai imwi mhaka yangu.
12万军之耶和华啊!你试验义人,察看人的心肠肺腑;求你让我看见你在他们身上施行的报复,因为我已经把我的案件向你陈明了。
13Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nekuti wakarwira mweya wounoshaiwa pamaoko avaiti vezakaipa.
13你们要歌颂耶和华,赞美耶和华;因为他救了穷乏人的性命,脱离恶人的手。
14Zuva randaberekwa naro ngaritukwe, zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa.
14咒诅自己的生日愿我生的那一天受咒诅!愿我母亲生我的那一天不蒙祝福!
15Munhu ngaatukwe wakazivisa baba vangu shoko rokuti, Maberekerwa mwanakomana, akavafadza kwazvo.
15那向我父亲报喜信:“你得了一个男孩”,叫我父亲十分高兴的,愿那人受咒诅!
16Munhu uyo ngaave samaguta akaparadzwa naJehovha, akasazvidemba; ngaanzwe kuchema mangwanani nemhere panguva yamasikati;
16愿那人像耶和华所倾覆而不顾惜的城市,愿他早晨听见哀号,午间听见战争的吶喊。
17zvaakarega kundiuraya ndichiri muchizvaro; saizvozvo mai vangu vangadai vaiva hwiro hwangu, vairamba vane mimba.
17因为他没有使我死于母腹,好使我的母亲成了我的坟墓,我永远留在母腹中。
18Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nokuchema, kuti mazuva angu apere nokunyadziswa?
18我为什么要出母胎,经历劳苦和忧伤,并且我的年日都消逝在羞辱之中呢?