Shona

聖經新譯本 (Simplified)

John

8

1Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.
1耶稣不定犯奸淫妇人的罪
2Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vose ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.
2黎明的时候,他又到圣殿去,众人都来到他那里,他就坐下教导他们。
3Zvino vanyori nevaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,
3经学家和法利赛人带了一个行淫时被抓到的妇人来,叫她站在中间,
4vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;
4就对耶稣说:“先生,这妇人是正在犯奸淫的时候被抓到的。
5zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?
5摩西在律法上吩咐我们把这样的妇人用石头打死,你怎样说呢?”
6Asi izvozvi vakareva vachimuidza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemumwe, seusina kuvaona.
6他们说这话是要试探耶稣,要找把柄来控告他。耶稣却弯下身,用指头在地上写字。
7Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Usina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
7他们不住地问耶稣,他就挺起身来,说:“你们中间谁是没有罪的,他就可以先拿起石头打她。”
8Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.
8于是又弯下身在地上写字。
9Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana dzavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari oga, nemukadzi amire pakati.
9他们听了这话,就从年老的开始,一个一个地都离开了,留下的只有耶稣和那个还站在那里的妇人。
10Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?
10耶稣挺起身来,问她:“妇人,他们在哪里?没有人定你的罪吗?”
11Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.
11她说:“主啊!没有。”耶稣说:“我也不定你的罪。走吧,从现在起不要再犯罪了。”
12Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza cheupenyu.
12耶稣是世界的光耶稣又对众人说:“我是世界的光,跟从我的,必定不在黑暗里走,却要得着生命的光。”
13Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.
13法利赛人对他说:“你为自己作证,你的见证不是真实的。”
14Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nekuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.
14耶稣回答:“即使我为自己作证,我的见证还是真实的,因为我知道我从哪里来,往哪里去,但你们却不知道我从哪里来,往哪里去。
15Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.
15你们按着外貌判断人,我却不判断人。
16Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nekuti handisi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.
16即使我判断人,我的判断也是正确的,因为我不是独自一人,而是差我来的父和我在一起。
17Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.
17你们的律法上也写着:‘两个人的见证才是真的。’
18Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.
18我为自己作证,差我来的父也为我作证。”
19Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.
19他们问:“你的父在哪里?”耶稣回答:“你们不认识我,也不认识我的父;如果你们认识我,也就认识我的父了。”
20Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nekuti awa rake rakange risati rasvika.
20这些话是耶稣在殿里教导人的时候,在银库的院中说的。当时没有人逮捕他,因为他的时候还没有到。
21Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.
21不信基督的必在罪中死亡耶稣又对他们说:“我要去了,你们要寻找我,并且要在自己的罪中死亡;我去的地方,你们不能到。”
22Naizvozvo vaJudha vakati: Uchazviuraya kanhi? Nekuti unoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuya?
22于是犹太人说:“他说‘我去的地方,你们不能到’,难道他要自杀吗?”
23Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.
23耶稣说:“你们是从地上来的,我是从天上来的;你们属这世界,我却不属这世界,
24Naizvozvo ndareva kwamuri kuti, muchafira muzvivi zvenyu; nekuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
24所以我对你们说,你们要在自己的罪中死亡;你们若不信我就是‘那一位’,就要在自己的罪中死亡。”
25Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.
25他们就问:“你是谁?”耶稣说:“我不是从起初就告诉你们吗?
26Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.
26关于你们,我有许多事要说,要判断;但那差我来的是真实的,我从他那里听见的,就告诉世人。”
27Havana kunzwisisa kuti unotaura kwavari zvaBaba.
27他们不明白耶稣是对他们讲论父的事。
28Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.
28所以耶稣说:“你们举起了人子以后,必定知道我就是‘那一位’,并且知道我不凭着自己作什么事;我说的这些话,是照着父所教导我的。
29Zvino iye wakandituma uneni; Baba havana kundisiya ndoga, nekuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.
29那差我来的和我同在,他没有留下我独自一人,因为我常作他喜悦的事。”
30Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari.
30耶稣说这些话的时候,就有许多人信了他。
31Naizvozvo Jesu wakati kuvaJudha vakatenda kaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
31真理必使人自由于是耶稣对信了他的犹太人说:“你们若持守我的道,就真是我的门徒了;
32uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
32你们必定认识真理,真理必定使你们自由。”
33Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahamu, uye hatina kutongova varanda vemunhu; zvino iwe unoreva sei kuti muchasunungurwa?
33他们说:“我们是亚伯拉罕的后裔,从来没有被谁奴役过,你怎么说‘你们必得自由’呢?”
34Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani unoita chivi muranda wechivi.
34耶稣说:“我实实在在告诉你们,凡犯罪的都是罪的奴隶。
35Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana unogara nekusingaperi.
35奴隶不能永远住在家里,唯有儿子才可以永远住在家里。
36Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.
36所以, 神的儿子若使你们自由,你们就真的得自由了。
37Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nekuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
37我知道你们是亚伯拉罕的后裔;但你们想杀我,因为你们心里不能容纳我的道。
38Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.
38我所说的,是我在父那里看见的;但你们所作的,却是从你们的父那里听见的。”
39Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahamu. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu.
39魔鬼的儿女不肯听主的道他们说:“我们的祖宗是亚伯拉罕。”耶稣说:“你们若是亚伯拉罕的子孙,就必作亚伯拉罕所作的。
40Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahamu haana kuzviita.
40现在我把从 神那里听见的真理告诉了你们,你们竟然想杀我,这不是亚伯拉罕所作的。
41Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.
41你们要作的,正是你们的父要作的。”他们说:“我们不是从淫乱生的;我们只有一位父,就是 神。”
42Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nekuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nekuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.
42耶稣说:“如果 神是你们的父,你们就必爱我,因为我是从 神那里来的;我已经来到这里。我不是凭着自己来的,而是 神差了我来。
43Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nekuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
43你们为什么不明白我的话呢?因为我的道你们听不进去。
44Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nekuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, unotaura pachake; nekuti mutauri wenhema uye baba vadzo.
44你们是出于你们的父魔鬼,喜欢按着你们的父的私欲行事。他从起初就是杀人的凶手,不守真理,因为他心里没有真理。他说谎是出于本性,因为他本来就是说谎者,也是说谎的人的父。
45Asi nekuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.
45我讲真理,你们却因此不信我。
46Ndiani kwamuri ungandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?
46你们中间有谁能指证我有罪呢?我既然讲真理,你们为什么不信我呢?
47Uyo unobva kuna Mwari unonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nekuti hamubvi kuna Mwari.
47出于 神的,就听 神的话;你们不听,因为你们不是出于 神的。”
48Naizvozvo vaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni?
48亚伯拉罕以前耶稣已存在犹太人对耶稣说:“我们说你是撒玛利亚人,并且是鬼附的,不是很对吗?”
49Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.
49耶稣回答:“我不是鬼附的。我尊敬我的父,你们却侮辱我。
50Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; uriko unotsvaka nekutonga.
50我不求自己的荣耀,但有一位是为我求荣耀,并且是审判人的。
51Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi.
51我实实在在告诉你们,人若遵守我的道,必定永远不见死亡。”
52Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahamu wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi.
52犹太人对他说:“现在我们知道你的确是鬼附的。亚伯拉罕死了,先知们也死了,你还说‘人若遵守我的道,必定永远不尝死味’,
53Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?
53难道你比我们的祖宗亚伯拉罕还大吗?他死了,先知们也死了;你把自己当作什么人呢?”
54Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.
54耶稣回答:“如果我荣耀自己,我的荣耀就算不得什么;那使我得荣耀的是我的父,就是你们说是你们的 神的那一位。
55Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.
55可是你们不认识他,我却认识他。如果我说我不认识他,我就像你们一样是说谎的;然而我认识他,也遵守他的道。
56Baba venyu Abhurahamu vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.
56你们的祖宗亚伯拉罕,因为可以看见我的日子就欢喜,既然看见了,他就很快乐。”
57Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahamu here?
57犹太人对他说:“你还不到五十岁,怎会见过亚伯拉罕呢?”
58Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahamu asati avapo, ini ndiripo.
58耶稣说:“我实实在在告诉你们,亚伯拉罕出生以前,我已经存在了。”
59Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.
59于是他们拿起石头要打他。耶稣却躲起来,从殿里出去了。