1Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
1约拿祷告
2Akati, Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, imwi mukanzwa izwi rangu.
2说:“我从患难中求告耶和华,他就应允我;我从阴间的深府呼求,你就垂听我的声音。
3nekuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
3你把我投入深海,在海洋的深处,大水环绕我;你的洪涛、你的波浪,都漫过我。
4Ndikati, Ndarashwa, hamuchandioni; Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.
4我说:‘我虽从你眼前被赶逐,我仍要仰望你的圣殿。’
5Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu.
5众水包围我,几乎置我于死地;深渊环绕我;海草缠裹我的头。
6Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika, zvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu.
6我下沉直到山麓,大地的门闩把我永远关闭;耶和华我的 神啊!你却把我的性命从坑中拉上来。
7Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri, mutemberi yenyu tsvene.
7当我心灵疲弱时,我就思念耶和华;我的祷告直达你面前,进入你的圣殿。
8Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo.
8那敬奉虚妄之偶像的人,实在是离弃了怜爱他们的 神(“怜爱他们的 神”原文作“他们的恩典”)。
9Asi ndichakubayirai nenzwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.
9至于我,我要带着感谢的声音向你献祭;我所许的愿,我必偿还。救恩是属于耶和华的。”
10Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
10于是耶和华吩咐那鱼,鱼就把约拿吐在陆地上。