1Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.
1约拿不悦
2Akanyengetera Jehovha, akati, Aiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tashishi; nekuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari ane nyasha, ane tsitsi, asingachimbidziki kutsamwa, azere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa.
2就向耶和华祷告,说:“耶和华啊!我还在本国的时候,不是这样说过吗?我知道你是有恩典有怜悯的 神,不轻易发怒,并且有丰盛的慈爱,转意不降灾祸,所以我才急忙逃往他施去。
3Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nekuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
3耶和华啊!现在求你取去我的性命吧,因为我死了比活着还好。”
4Jehovha akati, Zvakanaka here zvawatsamwa?
4主安排一棵蓖麻耶和华回答说:“你这样发怒对不对呢?”
5Ipapo Jona akabuda muguta, akandogara kurutivi rwamabvazuva rweguta, akazvivakirapo musasa, ndokugaramo mumumvuri, achiti ndigoona zvichaitirwa guta.
5约拿出了城,在城东坐下;他在那里搭了一座棚,坐在棚荫之下,要看看那城究竟怎样。
6Jehovha Mwari ndokuraira muti womuchindwe, akaumeresa kumusoro kwaJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake, shungu dzake dzinyaradzwe. Zvino Jona akafarira kwazvo muti womuchindwi.
6耶和华 神安排一棵蓖麻,使它长起来高过约拿,成了阴影遮盖他的头,免他受苦;约拿因这棵蓖麻,就大大欢畅。
7Asi nezuva rakatevera Mwari akaraira gonye mangwanani, rikamunya muchindwi, ukasvava.
7次日黎明的时候, 神安排一条虫子,蛀蚀这棵蓖麻,蓖麻就枯槁了。
8Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
8日出的时候, 神又安排炎热的东风。烈日晒在约拿的头上,以致发昏,他就为自己求死,说:“我死了比活着还好。”
9Mwari akati kuna Jona, Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwi? Akati, Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene.
9 神问约拿:“你因这棵蓖麻这样发怒,对不对呢?”约拿说:“我发怒以至于死都是对的。”
10Jehovha akati, Iwe wakange une tsitsi nomuti wemuchindwi wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakavapo neusiku humwe, ukapararazve neusiku humwe;
10主教训约拿耶和华说:“这棵蓖麻,不是你栽种的,也不是你使它长大的,一夜长成,一夜死去,你尚且爱惜它,
11ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?
11何况这尼尼微大城,其中不晓得分辨左右手的有十二万多人,并且有许多牲畜,我怎能不爱惜呢?”