1Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.
1祈求就必得着(太6:9-13,7:7-11)
2Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahwuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyika sezvachinoitwa kudenga.
2耶稣说:“你们祷告的时候,要说:‘父啊,愿你的名被尊为圣,愿你的国降临(有些抄本在此有“愿你的旨意行在地上,如同行在天上”一句);
3Mutipei zuva rimwe nerimwe chikafu chedu chemazuva ose.
3我们需用的食物,求你每天赐给我们;
4Uye mutikangamwire zvivi zvedu, nekuti isuwo tinokangamwira vose vane mhosva kwatiri. Uye musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pakuipa.
4赦免我们的罪,因为我们也饶恕所有亏负我们的人;不要让我们陷入试探(有些抄本在此有“救我们脱离那恶者”一句)。’”
5Akati kwavari: Ndeupi wenyu une shamwari, uye unoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,
5耶稣又对他们说:“你们当中,谁有朋友半夜去找他,说:‘请你借给我三个饼,
6nekuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;
6因为我有一个朋友旅行来到我这里,我没有什么可以招待他。’
7uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vaduku vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.
7而他却在里面回答:‘不要麻烦我,门已经关好了,孩子也跟我在床上了,我不能起来拿给你。’
8Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake uchamuka akamupa zvose zvaanoshaiwa.
8我告诉你们,即使不因为他是朋友而起来给他,也会因为他厚颜地直求,而起来照他所需要的给他。
9Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
9我又告诉你们,你们祈求,就给你们;寻找,就寻见;叩门,就给你们开门。
10Nekuti wose unokumbira unogamuchira; neunotsvaka unowana; neunogogodza unozarurirwa.
10因为所有祈求的就得着,寻找的就寻见,叩门的就给他开门。
11Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, ungazomupa ibwe? Kanawo hove, ungazomupa nyoka panzvimbo yehove here?
11你们中间作父亲的,哪有儿子求鱼,反拿蛇给他呢?
12Kanawo kuti akakumbira zai, ungazomupa chinyavada here?
12或求鸡蛋,反给他蝎子呢?
13Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.
13你们虽然不好,尚且知道把好东西给自己的儿女,何况天父,岂不更把圣灵赐给求他的人吗?”
14Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; chaunga chikashamisika.
14耶稣靠 神的能力赶鬼(太12:22-30;可3:22-27)耶稣赶出一个哑巴鬼,鬼既出去,哑巴就说起话来,众人都希奇。
15Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
15有人说:“他靠鬼王别西卜赶鬼。”
16Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.
16又有人试探他,向他求一个从天上来的神迹。
17Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwose hwunopesana hwuchizvipikisa hwunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.
17耶稣知道他们的心意,就对他们说:“如果一个国家自相纷争,就必定荒凉;如果一个家庭自相为敌,就必然败落。
18Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hwungazomira sei? Nekuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.
18如果撒但自相纷争,他的国怎能站立得住呢?你们说我靠别西卜赶鬼,
19Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
19我若靠别西卜赶鬼,你们的子孙赶鬼又靠谁呢?因此,他们必要作你们的审判官。
20Asi kana ndichibudisa madhimoni nemumwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
20我若靠 神的能力赶鬼,这就是 神的国临到你们了。
21Kana hamburamakaka yashonga nhumbi dzekurwa ichirinda chivanze chayo, nhumbi dzayo dziri murugare;
21一个壮汉拿着武器,看守自己的家园,他的家财就平安无事。
22asi kana wakasimba kuipfuura akairwisa, akaikunda, unotora nhumbi dzayo dzose dzekurwa dzayange ichivimba nadzo, ndokugovera zvayapamba zvayo.
22但是一个比他更强的人来了,胜过了他,夺去他所倚靠的武器,就把他的家财当作掠物分了。
23Usina ini, unopesana neni; neusingaunganidzi neni unoparadzira.
23不站在我这一边的就是反对我的;不跟从一起收聚的就是分散的。
24Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba achigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi achishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.
24污灵去而复返的教训(太12:43-45)“一个污灵离开了一个人,走遍干旱之地,寻找栖身的地方,却没有找到,就说:‘我要回到我从前离开了的那房子。’
25Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.
25到了之后,看见里面已经打扫干净,粉饰好了,
26Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.
26他就去带了另外七个比自己更恶的污灵来,进去住在那里;那人后来的情况,比以前更坏了。”
27Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.
27约拿的神迹(太12:39-42)耶稣正说这些话的时候,群众中有一个女人高声对他说:“怀你胎的和哺养你的有福了!”
28Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.
28他说:“是的,却还不如听 神的道而遵守的人有福。”
29Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichazopiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
29众人聚集的时候,耶稣就说:“这世代是个邪恶的世代。这世代寻求神迹,可是除了约拿的神迹以外,再没有神迹给他们了。
30Nekuti Jona sezvaakava chiratidzo kuvaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.
30约拿怎样成了尼尼微人的神迹,人子也照样成为这个世代的神迹。
31Mambokadzi wekumaodzanyemba uchasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akaripa mhosva; nekuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni uri pano.
31审判的时候,南方的女王要和这世代的人一同起来,她要定他们的罪,因为她从地极来到,要听所罗门智慧的话。你看,这里有一位是比所罗门更大的。
32Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nekuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona uri pano.
32审判的时候,尼尼微人要和这世代的人一同起来,他们要定这个世代的罪,因为尼尼微人听了约拿所传的就悔改了。你看,这里有一位是比约拿更大的。
33Hakuna munhu unoti kana atungidza mwenje unoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
33里面的光(太5:15,6:22-23)“没有人点了灯,把它放在地窖里,或量器底下,却放在灯台上,叫进来的人看得见光。
34Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wose uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.
34你的眼睛就是你身体的灯,你的眼睛健全,全身就明亮;如果不健全,全身就黑暗。
35Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.
35所以要谨慎,免得你里面的光黑暗了。
36Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wose, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.
36你若全身明亮,没有一点黑暗,你就完全明亮,好像明亮的灯光照你一样。”
37Zvino wakati achataura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.
37法利赛人和律法师有祸了(太23:1-36;可12:38-40)耶稣说话的时候,有一个法利赛人请耶稣和他一起吃饭;他就进去坐席。
38Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kushamba asati adya chisvusvuro.
38这个法利赛人见耶稣吃饭之前不洗手,觉得奇怪。
39Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi vaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.
39主对他说:“你们法利赛人把杯盘的外面洗净,但你们里面却充满了抢夺和邪恶。
40Mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?
40无知的人哪,那造外面的,不也造里面吗?
41Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvose zvichava zvakachena kwamuri.
41只要把里面的施舍出去,你们的一切就都洁净了。
42Asi mune nhamo vaFarisi! Nekuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemirivo yose, uye muchirega kururamisira mhaka nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.
42然而你们法利赛人有祸了!因为你们把薄荷、茴香和各样菜蔬献上十分之一,却把公义和爱 神的事疏忽了;这些是你们应当作的,但其他的也不可疏忽。
43Mune nhamo vaFarise! Nekuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.
43你们法利赛人有祸了!因为你们喜爱会堂里的高位和人在巿中心的问安。
44Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti makafanana semarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.
44你们有祸了!因为你们好像不显露的坟墓,走在上面的人并不知道。”
45Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo munotuka isuwo.
45律法师中有一个回答他:“老师,你这样说,把我们也侮辱了!”
46Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nekuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyo kunyange neumwe wemimwe yenyu.
46耶稣说:“你们律法师也有祸了,因为你们把难担的担子叫人担,自己连一个指头也不动。
47Mune nhamo! Nekuti munovaka marinda avaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.
47你们有祸了!因为你们修造先知的坟墓,而那些先知正是你们祖先所杀的,
48Naizvozvi munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nekuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.
48这样,你们就成了证人,对你们祖先的作为表示同意;他们杀害先知,你们修造先知的坟墓。
49Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha;
49所以, 神的智慧说:‘我要差遣先知和使徒到他们那里去,有的他们要杀害,有的他们要迫害,
50kuti ropa revaporofita vose rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,
50为要使创世以来众先知所流的血,从亚伯的血起,直到在祭坛和圣所之间受害的撒迦利亚的血为止,都向这一代追讨。’是的,我告诉你们,都要向这一代追讨。
51kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.
51
52Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nekuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.
52你们律法师有祸了!因为你们拿去知识的钥匙,自己不进去,又阻止要进去的人。”
53Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori nevaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,
53耶稣从那里出来,经学家和法利赛人非常敌视他,质问他很多问题,
54vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.
54等机会从他的口中找把柄。