1Mutoro weshoko raJehovha kuna Isiraeri chakatumwa naMaraki.
1以色列忘记主爱
2Ndakakudai ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro imwi munoti, Makatida neiko? Ko Esau akanga asi mukoma waJakove here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvakadaro ini ndakada Jakove;
2耶和华说:“我爱你们。”你们却说:“你怎样爱了我们呢?”耶和华说:“以扫不是雅各的哥哥吗?我却爱雅各,
3asi Esau ndakamuvenga, ndikaita makomo ake matongo, ndikapa makava amarenje nhaka yake.
3恶以扫。我使以扫的山地荒凉,把他的产业给了旷野的豺狼。”
4Kunyange Edhomu vakati, Takaparadzwa hedu, asi tichadzoka tikavakazve matongo; zvanzi naJehovha wehondo, Vachavaka, asi ini ndichakoromora; vanhu vachavatumidza, nyika yezvakaipa, uye vanhu vakatsamwirwa naJehovha nokusingaperi.
4如果以东说:“我们虽然遭破坏,但仍要把废墟重建起来。”万军之耶和华这样说:“他们只管建造,我却要拆毁。人要称他们为罪恶的境地,为耶和华永远恼怒的子民。”
5Meso enyu achaona, mukati, Jehovha anokudzwa munyika yose yaIsiraeri.
5你们要亲眼看见,也要亲自说:“耶和华在以色列的境地以外,必被尊为大。”
6Mwanakomana anokudza baba vake, nomuranda anokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imwi vapristi vanozvidza zita rangu. Zvino imwi moti, Tinozvidza zita renyu neiko?
6斥责不虔不敬的祭司万军之耶和华对你们说:“藐视我名的祭司啊!儿子尊敬父亲,仆人敬畏主人。我若是父亲,我该受的尊敬在哪里呢?我若是主人,我应得的敬畏在哪里呢?”你们却说:“我们怎样藐视了你的名呢?”
7Munondivigira chingwa chine tsvina paaritari yangu. Zvino moti, Takakusvibisai neiko? Pakutaura kwenyu muchiti,Tafura yaJehovha ngaizvidzwe hayo.
7“你们把污秽的食物献在我的坛上,你们竟说:‘我们怎样污秽了你的坛呢?’因你们以为耶和华的桌子是可以藐视的。”
8Kana muchindivigira chakapofumara chive chibayiro, hazvina kuipa here? Kana muchindivigira chinokamhina nechinorwara hazvina kuipa here? Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana ungakugamuchirai here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
8万军之耶和华说:“你们把瞎眼的献为祭,这不是恶吗?你们把瘸腿的和有病的献上,这不是罪吗?你把这样的礼物献给你的省长,他会喜欢你或是悦纳你的礼物吗?”
9Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire tsitsi. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
9现在,你们要向 神求情,好使他恩待我们。这污秽的祭物,既是你们经手献的,他还能悦纳你们吗?万军之耶和华说:
10Aiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu.
10“真愿你们当中有人把殿门关上,免得你们在我的坛上徒然点火。”万军之耶和华说:“我不喜欢你们,也不从你们手中收纳礼物。”
11nekuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose-pose zvinonhuhwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nekuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
11万军之耶和华说:“从日出到日落的地方,我的名在列国中为大;在各处都有人向我的名烧香,献上洁净的礼物,因为我的名在列国中为大。”
12Asi imwi munozvimhura, zvamunoti, Tafura yaJehovha yakasvibiswa, zvibereko zvayo, izvo zvokudya zvayo, ngazvizvidzwe hazvo.
12万军之耶和华说:“你们却亵渎了我,因你们以为主的桌子是污秽的,桌上的食物也是可藐视的。
13Munotiwo, Tarirai zvinonetsa sei! Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
13你们又说:‘唉,真麻烦!’你们就嗤之以鼻。”耶和华说:“你们把抢来的、瘸腿的和有病的带来作礼物,我怎能从你们的手中收受呢?”
14Asi munyengeri ngaatukwe ane gondobwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nekuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.
14万军之耶和华说:“凡以家畜中公的许了愿,却又诡诈地拿有残疾的献给主,那人当受咒诅;因为我是大君王,我的名在列国中是可敬畏的。”