1Ini ndakati, Chinzwai henyu, imwi vakuru vaJakove, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here?
1指摘官长与领袖
2Iyemi, munovenga zvakanaka, muchida zvakaipa, munovhiya vanhu ganda ravo, muchibvambura nyama yavo pamafupa avo;
2然而,你们恨恶良善,喜爱邪恶,从人身上剥皮,从人骨头上剔肉。
3imi, munodyawo nyama yavanhu vangu, muchisvuura ganda ravo, munovhuna mafupa avo, muchiaguranya seehari, senyama iri mugate.
3你们吃我民的肉,剥他们的皮,打断他们的骨头,切成像锅里的块,像釜中的肉块。
4Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; nokuvavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
4那时,他们要向耶和华呼求,耶和华却不应允他们。到那时,耶和华必掩面不顾他们,因为他们行了恶事。”
5Zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita, vakatsausa vanhu vangu, vanoruma nameno avo, vachidana vachiti, Rugare! Asi asingaisi chinhu mumiromo yavo, vanomumukira hondo.
5责备假先知关于那些使我民走迷路的先知,耶和华这样说:“他们的牙齿有所咀嚼的时候,就大叫‘平安’;谁不把食物给他们吃,他们就攻击那人。”
6Naizvozvo muchasvikirwa nousiku, kuti murege kuva nechamunoona; muchava nerima, kuti murege kuuka; zuva richavirira vaporofita, chiedza chamasikati chichavasvibira.
6因此你们只有黑夜,没有异象,只有黑暗,没有默示。对先知,日头要下落,为他们,白日变为黑暗。
7Vaoni vachanyadziswa, navauki vachakanganiswa; zvirokwazvo, vose vachapfumbira ndebvu dzavo, nekuti hakune mhinduro inobva kuna Mwari.
7先见必抱愧,得默示的人要蒙羞;他们都必掩着上唇,因为没有 神的答复。
8Asi kana ndirini, ndizere nesimba pamwechete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga, kuti ndiparidzire Jakove kudarika kwavo, uye Isiraeri zvivi zvavo.
8至于我,我却借着耶和华的灵,满有力量、公平和能力,可以向雅各述说他的过犯,向以色列指出他的罪恶。
9Chinzwai henyu chinhu ichi, imwi vakuru veimba yaJakove, navabati viemba munosema kururamisa, nokuminamisa zvose zvakarurama.
9恶有恶报──圣城被毁雅各家的首领,你们要听这个,以色列家的官长,你们也要听;你们厌恶公平,屈枉正直,
10Munovaka Ziyoni neropa, uye Jerusaremu nezvakaipa.
10用人血建锡安,以罪孽造耶路撒冷。
11Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.
11城中的首领为贿赂而审判,祭司为薪俸而教导,先知为银子说默示,他们竟倚靠耶和华,说:“耶和华不是在我们中间吗?灾祸必不会临到我们身上。”
12Naizvozvo Ziyoni richarimwa somunda nemhaka yenyu, Jerusaremu richaitwa mirwi yamabwe, uye gomo reimba yaJehovha senzvimbo dzakakwirira dzokudondo.
12所以,为你们的缘故,锡安必像被耕种的田地,耶路撒冷必变为乱堆,这殿的山要成为丛林中的高冈。