1Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare.
1可拉子孙的训诲诗,交给诗班长。 神啊!你在古时,在我们列祖的日子所作的事,我们亲耳听见了,我们的列祖也给我们述说过。
2Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo.
2你曾亲手把列国赶出去,却栽培了我们的列祖;你曾苦待众民,却使我们的列祖昌盛。
3nekuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, nekuti maivafarira.
3因为他们取得那地,不是靠自己的刀剑;他们得胜,也不是靠自己的膀臂;而是靠你的右手、你的膀臂和你脸上的光,因为你喜悦他们。
4Ndimi Mambo wangu, imwi Mwari; Rairai kuti Jakove akunde.
4 神啊!你是我的王;求你出令,使雅各得胜。
5nemwi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira.
5我们靠着你,必打倒我们的敌人;靠着你的名,必践踏那些起来攻击我们的。
6nekuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi.
6因为我不是倚靠我的弓,我的刀剑也不能使我得胜。
7Asi imwi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga.
7但你使我们胜过了我们的敌人,使憎恨我们的人都羞愧。
8Takazvirumbidza zuva rose munaMwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi.
8我们整天因 神夸耀,我们要永远称赞你的名。(细拉)
9Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu.
9现在,你却弃绝我们,使我们受辱,不再和我们的军队一同出征。
10Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira.
10你使我们在敌人面前转身后退;憎恨我们的人都任意抢掠。
11Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni.
11你使我们像给人宰吃的羊,把我们分散在列国中。
12Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera fuma yenyu nomutengo wavo.
12你把你的子民廉价出售;他们的售价并没有使你得到利益。
13Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza.
13你使我们成为邻居的羞辱,成为我们四周的人讥笑和讽刺的对象。
14Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro.
14你使我们在列国中成为话柄,在万民中使人摇头。
15Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza.
15我的羞辱整天在我面前,我脸上的羞愧把我遮盖了;
16Nokuda kwenzwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda komuvengi nomutsivi.
16都因那辱骂和毁谤的人的声音,并因仇敌和报仇者的缘故。
17Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukangamwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu.
17这一切临到我们身上,我们却没有忘记你,也没有违背你的约。
18moyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu;
18我们的心没有退后,我们的脚步也没有偏离你的路。
19Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu.
19但你竟在野狗之地把我们压伤了,又以死亡的阴影笼罩我们。
20Kana tichinge takangamwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kunaMwari wavamwe;
20如果我们忘记了我们 神的名,或是向别神伸手祷告;
21Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? nekuti iye anoziva zvakavanzika zvomoyo.
21 神不会查究这事吗?因为他知道人心的隐秘。
22Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa.
22为你的缘故,我们终日被置于死地;人看我们如同将宰的羊。
23Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi.
23主啊!求你醒来,为什么还睡着呢?求你起来,不要永远弃绝我们。
24Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikangamwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu?
24你为什么掩面,忘记了我们的苦难和压迫呢?
25Nekuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu.
25我们俯伏在尘土之上;我们的身体紧贴地面。
26Simukai mutibatsire, Mutidzikunure nokuda kounyoro bwenyu.
26求你起来帮助我们,为了你慈爱的缘故救赎我们。