Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Romans

14

1Zvino usina simba parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero.
1不可论断弟兄或轻看弟兄
2Mumwe unotenda kuti ungadya zvinhu zvose; asi usina simba unodya miriwo.
2有人相信所有的食物都可以吃,信心软弱的人却只吃蔬菜。
3Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi, usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nekuti Mwari wakamugamuchira.
3吃的人不要轻看不吃的人,不吃的人也不要批评吃的人,因为 神已经接纳他了。
4Iwe ndiwe ani unopa muranda weumwe mhosva? Unomira kana kuwa kuna Ishe wake. Uchamiswa zvirokwazvo, nekuti Mwari unogona kumumisa.
4你是谁,竟然批评别人的家仆呢?他或站稳或跌倒,只和自己的主人有关;但他必定站稳,因为主能够使他站稳。
5Umwe unotemera rimwe zuva kupfuura rimwe; mumwe unotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaave nechokwadi mufungwa dzake.
5有人认为这日比那日好,也有人认为日日都是一样;只要各人自己心意坚定就可以了。
6Uyo unorangarira zuva, unorirangarira muna Ishe; neusingarangariri zuva muna Ishe, haarirangariri, neunodya unodya nekuda kwaIshe, nekuti unovonga Mwari. Uye usingadyi, haadyi muna Ishe, uye unovonga Mwari.
6守日的人是为主守的,吃的人是为主吃的,因为他感谢 神;不吃的人是为主不吃,他也感谢 神。
7Nekuti hakuna umwe wedu unozviraramira, uye hakuna unozvifira.
7我们没有一个人为自己活,也没有一个人为自己死。我们若活着,是为主而活;
8Nekuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa tiri vaIshe.
8我们若死了,是为主而死。所以,我们无论活着或是死了,总是属于主的人。
9Nekuti Kristu wakafira izvozvi, akamuka akararamazve kuti ave Ishe wevose vapenyu nevakafa.
9为了这缘故,基督死了,又活过来,就是要作死人和活人的主。
10Zvino iwe unopireiko hama yako mhosva? Kana newe, unozvidzireiko hama yako? Nekuti isu tose tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu.
10这样,你为什么批评你的弟兄呢?为什么又轻看你的弟兄呢?我们都要站在 神的审判台前;
11Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchareurura kuna Mwari.
11因为经上记着:“主说,我指着我的永生起誓:万膝必向我跪拜,万口必称颂 神。”
12Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu uchazvidavirira pachake kuna Mwari.
12这样看来,我们各人都要把自己的事向 神交代。
13Naizvozvo ngatirege kuramba tichipana mhosva; asi zviri nani mutonge izvi, kuti kusava neunoisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama.
13不可使弟兄跌倒所以,我们不要再彼此批评了;倒要立定主意,决不作绊倒弟兄或使他跌倒的事。
14Ndinoziva, uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba chomene; asi kune uyo unofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba.
14我知道,并且在主耶稣里深信,没有一样东西的本身是不洁的,但如果有人认为是不洁的,对他来说那东西就成为不洁了。
15Asi kana hama yako ichirwadziwa nechikafu, hauchafambi nerudo. Usamuparadza nechikafu chako uyo wakafirwa naKristu.
15如果你为了食物使你的弟兄忧愁,你就不再是凭着爱心行事了。你不可因着你的食物,使基督已经替他死了的人灭亡。
16Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.
16所以,不可使你们看为好的被人毁谤;
17Nekuti ushe hwaMwari hahwusi chikafu kana chimwiwa, asi kururama, nerugare, nemufaro muMweya Mutsvene.
17因为 神的国不在于吃喝,而在于公义、和睦,以及圣灵里的喜乐。
18Nekuti uyo unobatira Kristu pazvinhu izvi, unogamuchirwa kuna Mwari, uye unotendwa nevanhu.
18这样服事基督的人,必蒙 神喜悦,又得众人嘉许。
19Naizvozvo ngatitsvakisise zvinhu zvinouyisa rugare nezvinhu zvekuvakana.
19所以,我们总要追求和睦的事,与彼此造就的事。
20Regai kuparadza basa raMwari nekuda kwechikafu. Zvinhu zvose zvakarurama, asi zvakaipa kune unodya achigumbusa.
20不可因食物的缘故拆毁 神的工作。一切都是洁净的,但人若因食物绊倒弟兄,对他来说,这就是恶事了。
21Zvakanaka kusadya nyama, kana kumwa waini, kana kuita chingagumbusa hama yako, kana kukanganiswa kana kushaiswa simba.
21无论是吃肉,是喝酒,或是什么使你的弟兄跌倒的事,一律不要作才好。
22Une rutendo here? Iva narwo umene pamberi paMwari, wakaropafadzwa usingazvipi mhosva pachinhu chaanotendera.
22你所信的,你自己要在 神面前持守。人在经自己考验后认可的事上能够不自责,他就有福了。
23Asi uyo unokahadzika kana achidya wava nemhosva, nekuti haadyi nerutendo; nekuti zvose zvisingabvi parutendo chivi.
23但如果有人存着疑惑的心去吃,他就被定罪了,因为他不是出于信心。凡不是出于信心的,都是罪。