Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Zechariah

1

1Nomwedzi worusere, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
1劝人民悔改归向 神
2Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.
2“耶和华曾对你们的列祖大发烈怒,
3Naizvozvo chiti kwavari Zvanzi naJehovha wehondo , Dzokerai kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo neni ndichadzokera kwamuri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
3所以,你要对众民说:‘万军之耶和华这样说:你们要转向我(这是万军之耶和华的宣告),我就必转向你们(这是万军之耶和华说的)。
4Regai kuva samadzibaba enyu, nekuti vaporofita vokutanga vakadanidzira kwaari, vachiti, zvanzi naJehovha wehondo, Dzokai, zvino panzira dzenyu dzakaipa napazvakaipa zvenyu zvamunoita; asi havana kunzwa kana kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4不要效法你们的列祖那样,从前的先知呼唤他们:万军之耶和华这样说,你们要回转,离开你们的恶道和恶行。他们却不听从,也不理会我(这是耶和华的宣告)。
5Madzibaba enyu aripiko? Naivo vaporofita vangararama nokusingaperi here?
5你们的列祖在哪里呢?那些先知能永远活着吗?
6Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakaraira varanda vangu, ivo vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here? Ivo vakadzoka, vakati, Jehovha wehondo sezvaakafunga kutiitira, zvakafanira mabasa edu nezvakafanira zvatakaita, ndizvo zvaakatiitira.
6然而我吩咐我的仆人众先知的话与条例,不是已报应在你们的列祖身上吗?所以他们就回转,说:万军之耶和华定意按着我们所作所行的对付我们,他已经这样行了。’”
7Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
7骑马者的异象大利乌王第二年十一月(就是细罢特月)二十四日,耶和华的话临到易多的孙子、比利家的儿子撒迦利亚先知,实情如下:
8Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena.
8我夜间观看,看见有一个人骑着红马,站在低洼地上的石榴树中间;在他后面还有些红色、栗色和白色的马。
9Ipapo ndikati, Nhai, ishe wangu, zvinyiko izvi? Mutumwa akanga achitaurirana neni akati kwandiri, Ndichakuratidza kuti izvi zvinyi.
9我就问:“我主啊,这些是什么?”那与我说话的天使对我说:“我会指示你这些是什么。”
10Murume akanga amire pakati pemiti yemimirite akapindura, akati, Ava ndivo vakatumwa naJehovha kupota-pota nenyika yose.
10那站在石榴树中间的人回答:“这些就是耶和华所差遣在遍地巡逻的。”
11Ivo vakapindura mutumwa waJehovha akanga amire pakati pemiti yemimirite, vakati, Takapota-pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere ichizorora.
11那些骑士回报那站在石榴树中间的耶和华使者,说:“我们已经在遍地巡逻;看见全地都安定,一片平静。”
12Ipapo mutumwa waJehovha wakapindura, akati, Aiwa, Jehovha wehondo, mucharamba musinganzwiri nyasha Jerusaremu namaguta aJudha amakatsamwira makore ano ana makumi manomwe kusvikira riniko?
12于是耶和华的使者说:“万军之耶和华啊!你不怜悯耶路撒冷和犹大的城镇,要到几时呢?这七十年来,你一直恼怒它们。”
13Ipapo Jehovha akapindura mutumwa akanga achitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza.
13耶和华就用满有恩慈和安慰的话回答那与我说话的天使。
14Ipapo mutumwa, akanga achitaurirana neni, akati kwandiri, Danidzira, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, ndine godo pamusoro peJerusaremu, godo guru.
14那与我说话的天使对我说:“你要宣告:‘万军之耶和华这样说:我为耶路撒冷和锡安心里充满嫉恨。
15Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nekuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa kuipa.
15我向那些安逸的列国大大恼怒,因为我只是稍微恼怒我的子民,他们却加深他们的祸害。
16Naizvozvo zvanzi naJehovha, Ndakadzokera Jerusaremu ndine nyasha zhinji; imba yangu ichavakwamo ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo uye rwonzi rwokuyera ruchatambanudzirwa pamusoro peJerusaremu.
16因此,耶和华这样说:我要怀着怜悯的心回到耶路撒冷,我的殿必在城中重建(这是万军之耶和华的宣告)。绳子必拉在耶路撒冷之上。’
17Danidzirazve, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, Maguta angu achapa fuma mufarozve, uye Jehovha achangonyaradza Ziyoni, achazvisanangurirazve Jerusaremu.
17你要再宣告:‘万军之耶和华这样说:我的城镇必再昌盛繁荣,耶和华必再怜悯锡安,必再拣选耶路撒冷。’”
18Zvino ndakarinzira meso angu ndikatarira, ndikaona nyanga ina.
18四角的异象我又举目观看,看见有四个角。
19Ipapo ndikati kumutumwa, wakange achitaurirana neni, Zvinyiko izvi? Akandipindura, akati, Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha naIsiraeri neJerusaremu.
19于是我问那与我说话的天使:“这些是什么?”他对我说:“这些就是把犹大、以色列和耶路撒冷赶散的角。”
20Jehovha akandiratidza vapfuri vana.
20四工匠的异象耶和华又使我看见四个匠人。
21Ipapo ndikati, Ava vauya kuzobateiko? Iye akataura, akati, Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.
21于是我说:“这些人来作什么?”那天使回答:“他们就是把犹大赶散的角,以致没有一人可以抬起头来;但这些匠人要来惊吓列国,打掉他们的角;这些列国就是曾经举起他们的角攻击犹大地,把犹大地的人赶散的。”(本章第18-21节在《马索拉抄本》为2:1-4)