1Zvino wakandiratidza Joshua mupristi mukuru, amire pamberi pomutumwa waJehovha, Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake.
1大祭司约书亚的异象
2Jehovha akati kuna Satani, Jehovha ngaakutuke, iwe Satani; zvirokwazvo, Jehovha, wakazvisanangurira Jerusaremu, ngaakutuke; ko ichi hachizi chitsiga chakabvutwa pamoto here?
2耶和华对撒但说:“撒但哪!耶和华斥责你,那拣选了耶路撒冷的耶和华斥责你。这个人不是从火中抽出来的一根柴吗?”
3Zvino Joshua akanga akafuka nguvo dzine tsvina, amire pamberi pomutumwa.
3那时,约书亚穿着污秽的衣服,站在使者的面前。
4Akapindura, akataura navakanga vamire pamberi pake, achiti, Bvisai nguvo dzake dzine tsvina. Akati kwaari, Tarira, ndakabvisa zvakaipa zvako, ndichakupfekedza nguvo dzomutambo.
4使者吩咐那些侍立在他面前的说:“你们要脱去他污秽的衣服。”又对约书亚说:“看哪!我已经除去了你的罪孽,要给你穿上华美的礼服。”
5Ini ndikati, Ngavamudzike ngowani yakachena pamusoro wake. Ipapo vakamudzika ngowani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo; zvino mutumwa waJehovha akanga amirepo.
5我说:“你们要把洁净的冠冕戴在他的头上。”他们就把洁净的冠冕戴在他的头上,又给他穿上华美的衣服。那时,耶和华的使者正在旁边站着。
6Mutumwa waJehovha akapupura kuna Joshua, achiti,
6耶和华的使者劝戒约书亚说:
7Zvanzi naJehovha wehondo, Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano.
7“万军之耶和华这样说:‘你若遵行我的道,谨守我的吩咐,你就必治理我的家,看守我的院子,我必赐你特权,可以在这些侍立在我面前的使者中间自由出入。
8Zvino chinzwa iwe Joshua, mupristi mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nekuti varume ava chiratidzo; nekuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi.
8大祭司约书亚啊!你和坐在你面前的众同伴都要听,(他们都是预表将来奇事的人,)我必使我的仆人,就是大卫的苗裔出生。
9nekuti tarira ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.
9看我在约书亚面前所立的石头,在这一块石头上有七眼。看哪!我要亲自雕琢这石头(这是万军之耶和华的宣告)。在一日之内,我要除去这地的罪孽。
10Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana, mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomuzambiringa napasi pomuonde.
10到那日(这是万军之耶和华的宣告),你们各人要邀请自己的邻舍来,坐在葡萄树下和无花果树下。’”