Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Zechariah

6

1Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona ngoro ina dzichibuda pakati pamakomo maviri; makomo iwayo akanga ari makomo endarira.
1四辆马车的异象
2Ngoro yokutanga yakanga inamabhiza matsvuku; ngoro yechipiri mabhiza matema;
2第一辆战车套着红马,第二辆套着黑马,
3ngoro yechitatu mabhiza machena, ngoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba.
3第三辆套着白马,第四辆套着有斑点的马;这些马都很雄壮。
4Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, Zvinyiko izvi, ishe wangu?
4于是我问那与我说话的天使:“我主啊,这些是什么意思?”
5Mutumwa akapindura, akati kwandiri, Izvezvi ndidzo mhepo ina dzokudenga, dzinobuda padzakanga dzimire pamberi paShe wenyika yose.
5天使回答我:“这些是天的四风(“风”或译:“灵”),是从侍立在全地之主面前出来的。”
6Ngoro inamabhiza matema inobudira kunyika yokumusoro; machena akaatevera; namapfumbu akabudira kunyika yezasi.
6套着黑马的车出来,往北方之地去;套着白马的车出来,跟在它们后面(“跟在它们后面”或译:“往西方去”);套着有斑点的马的车出来,往南方之地去。
7Anesimba akabudawo, akatsvaka kuenda kuti apote-pote nenyika yose; ikati, Ibvai pano, mupote-pote nenyika yose.
7这些雄壮的马出来,切望在全地走遍各处;天使说:“你们去吧,只管在全地走遍各处。”它们就在全地走遍各处。
8Ipapo akadanidzira kwandiri, akataura neni, achiti, Tarira, vanoenda kunyika yokumusoro, vakanyaradza mweya wangu kunyika yokumusoro.
8他又呼唤我,对我说:“你看,那些出来往北方之地去的,已经在北方之地使我心灵的忿怒平息下来。”
9Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
9把金冠冕戴在约书亚头上耶和华的话临到我,说:
10Tora vamwe kunavakatapwa, vanoti Heridhai, naTobhiya, naJedhaia; uuye nezuva irero upinde mumba maJosiya mwanakomana waZefaniya, kwavakasvika vachibva Babhironi;
10“你要从黑玳、多比雅和耶大雅手中收取被掳的人奉献的金银;他们已经从巴比伦回来了。你要即日去,进入西番雅的儿子约西亚的家里。
11utore kwavari sirivha nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukukru;
11你要拿这金银来做冠冕,戴在约撒答的儿子大祭司约书亚的头上,
12utaure naye, uchiti, Zvanzi naJehovha wehondo, tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJehovha;
12告诉他说:‘万军之耶和华这样说:看哪!有一个人名叫大卫的苗裔,他必从自己的地方生长起来,并要建造耶和华的殿。
13ndiye achavaka temberi yaJehovha; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava mupristi pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri.
13他必建造耶和华的殿,必得尊荣;他必坐在宝座上执掌王权,又必在他的宝座上作祭司,使两者之间和谐共济。’”
14Korona dzichava dzaHeremi, naTobhiya, naJedhaia, naHeni mwanakomana waZefaniya, chive chiyeudzo mutemberi yaJehovha.
14这冠冕要在耶和华的殿中给希连(“希连”有古译本作“黑玳”)、多比雅、耶大雅和西番雅的儿子贤(“贤”有古译本作“约西亚”)作记念。
15Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu.
15远方的人也要来建造耶和华的殿,你们就知道万军之耶和华差遣了我到你们这里来。你们若留心听从耶和华你们 神的话,这事必定成就。