1Mutoro weshoko raJehovha pamusoro penyika yeHadhiraki, uye paDhamasiko apo ziso revanhu nerendudzi dzose dzaIsiraeri richava kuna Jehovha;
1审判哈得拉与大马士革
2uye Hamatiwo, rakabatana navo; uye Tire neSidhoni, nekuti vakachenjera kwazvo.
2又临到大马士革边界的哈马,还有推罗、西顿,尽管她们有极大的智慧。
3Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.
3推罗为自己建造了堡垒,堆积银子,多如尘沙,积聚精金,多如街上的泥土。
4Tarirai, Jehovha acharikunda, achawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto.
4看哪!主必夺去她的一切,摧毁她海上的势力,她必被火吞灭。
5Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nekuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.
5亚实基伦看见了,就必害怕;迦萨看见了也必非常痛苦;以革伦因失去盼望而蒙羞。迦萨的王必灭亡,亚实基伦必不再有人居住。
6Mwanakomana woupombwe achagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFirisitia.
6混杂的种族必住在亚实突,我必除掉非利士人的骄傲。
7Ndichabvisa ropa mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo achasarira Mwari wedu; achava somuchinda paJudha, uye Ekironi somuJebhusi.
7我必除去他们口中的血,和他们牙齿间可憎之物。余剩下来的人要归于我们的 神,像犹大的一族;以革伦人也必像耶布斯人一样。
8Ndichakomberedza imba yangu nemisasa ndidzivirire hondo, kurege kuva nomunhu anopfuura napo kana kudzoka napo; hakungazovi nomumanikidzi anofamba napo; nekuti zvino ndazviona nameso angu.
8我必在我的家四围安营,不容敌军出入往来;欺压人的不能再侵犯我的子民,因我现在亲眼看顾他们。
9Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu, tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.
9要来的王锡安的居民哪!要大大喜乐。耶路撒冷的居民(“居民”原文作“女子”)哪!应当欢呼。看哪!你的王来到你这里了,他是公义的,是得胜的。他又是温柔的,他骑着驴,骑的是小驴。
10Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.
10我必从以法莲除掉战车,从耶路撒冷除掉战马。争战的弓必被除掉,他要向列国宣讲和平。他的统治权必从这海延伸到那海,从幼发拉底河直到地极。
11Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura.
11 神应许复兴他的子民锡安哪!至于你,因着我与你立约的血,我把你中间被囚禁的人从无水的坑里释放出来。
12Dzokerai kunhare imwi vasungwa vanetariro; ikonhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri.
12你们被囚仍有盼望的人哪!要归回保障。今天我要宣告:我必加倍补偿给你。
13nekuti ndakazvikungira Judha seuta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.
13我把犹大作我手上拉开的弓,把以法莲作我弓上的箭。锡安哪!我必激动你的众子,去攻击希腊的众子;我必使你像勇士的刀剑。
14Jehovha achaonekwa pamusoro pavo, museve wake uchabuda semheni; Ishe Jehovha acharidza hwamanda, achafamba nezvamupupuri zvinobva zasi.
14耶和华必在他子民头上显现,他的箭必像闪电一般射出;主耶和华必吹起号角,乘着南方的暴风而行。
15Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachamwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona earitari.
15万军之耶和华必护卫他们,他们要用投石器投石吞灭和制伏敌人;他们必喝血,并且喧嚷,像喝醉了酒一样;他们必像献祭用的碗盛满了血,又像祭坛的角,沾满了血。
16Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake;nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake.
16到那日,耶和华他们的 神必拯救他们,待他的子民好像羊群一样,因为他们必像冠冕上的宝石,闪耀在他的地上。
17nekuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichamutsa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.
17他们将是多么的善,多么的美;五谷和新酒使少男少女生气蓬勃。