Shona

King James Version

1 Samuel

3

1Zvino mwana Samueri waibatira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakange asingazviratidzi pachena.
1And the child Samuel ministered unto the LORD before Eli. And the word of the LORD was precious in those days; there was no open vision.
2Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake (Meso ake zvino akanga oonera madzedzerere, asingagoni kuona kwazvo,)
2And it came to pass at that time, when Eli was laid down in his place, and his eyes began to wax dim, that he could not see;
3mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari;
3And ere the lamp of God went out in the temple of the LORD, where the ark of God was, and Samuel was laid down to sleep;
4Jehovha akadana Samueri. Iye akati, Ndiripano hangu.
4That the LORD called Samuel: and he answered, Here am I.
5Akamhanyira kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nekuti mandidana. Eri akati, Handina kukudana, chivata hakozve. Iye akandovatazve.
5And he ran unto Eli, and said, Here am I; for thou calledst me. And he said, I called not; lie down again. And he went and lay down.
6Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, Samueri! Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nekuti mandidana. Akapindura akati, Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve.
6And the LORD called yet again, Samuel. And Samuel arose and went to Eli, and said, Here am I; for thou didst call me. And he answered, I called not, my son; lie down again.
7Asi Samueri wakange achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa.
7Now Samuel did not yet know the LORD, neither was the word of the LORD yet revealed unto him.
8Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiri pano hangu, nekuti mandidana. Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana.
8And the LORD called Samuel again the third time. And he arose and went to Eli, and said, Here am I; for thou didst call me. And Eli perceived that the LORD had called the child.
9Saka Eri akati kuna Samueri, Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, Taurai Jehovha, nekuti muranda wenyu unonzwa. Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.
9Therefore Eli said unto Samuel, Go, lie down: and it shall be, if he call thee, that thou shalt say, Speak, LORD; for thy servant heareth. So Samuel went and lay down in his place.
10Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, Samueri, Samueri! Samueri akati, Taurai henyu, nekuti muranda wenyu unonzwa.
10And the LORD came, and stood, and called as at other times, Samuel, Samuel. Then Samuel answered, Speak; for thy servant heareth.
11Jehovha akati kuna Samueri, Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga.
11And the LORD said to Samuel, Behold, I will do a thing in Israel, at which both the ears of every one that heareth it shall tingle.
12Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
12In that day I will perform against Eli all things which I have spoken concerning his house: when I begin, I will also make an end.
13Nekuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nekuti vanakomana vake vakanga vachizviita chakatukwa, asi iye haana kuvadzivisa.
13For I have told him that I will judge his house for ever for the iniquity which he knoweth; because his sons made themselves vile, and he restrained them not.
14Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi.
14And therefore I have sworn unto the house of Eli, that the iniquity of Eli's house shall not be purged with sacrifice nor offering for ever.
15Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa.
15And Samuel lay until the morning, and opened the doors of the house of the LORD. And Samuel feared to show Eli the vision.
16Zvino Eri akadana Samueri, akati Samueri, mwana wangu. Iye akati, Ndiripano hangu.
16Then Eli called Samuel, and said, Samuel, my son. And he answered, Here am I.
17Akati, Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.
17And he said, What is the thing that the LORD hath said unto thee? I pray thee hide it not from me: God do so to thee, and more also, if thou hide any thing from me of all the things that he said unto thee.
18Ipapo Samueri akamurondedzera zvose-zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda.
18And Samuel told him every whit, and hid nothing from him. And he said, It is the LORD: let him do what seemeth him good.
19Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi.
19And Samuel grew, and the LORD was with him, and did let none of his words fall to the ground.
20VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakange asimbiswa kuva muporofita waJehovha.
20And all Israel from Dan even to Beersheba knew that Samuel was established to be a prophet of the LORD.
21Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nekuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.
21And the LORD appeared again in Shiloh: for the LORD revealed himself to Samuel in Shiloh by the word of the LORD.