1Zvino Mweya waMwari wakauya pamusoro paAzaria mwanakomana waOdhedhi;
1And the Spirit of God came upon Azariah the son of Oded:
2akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imwi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo.
2And he went out to meet Asa, and said unto him, Hear ye me, Asa, and all Judah and Benjamin; The LORD is with you, while ye be with him; and if ye seek him, he will be found of you; but if ye forsake him, he will forsake you.
3Zvino nguva huru vaIsiraeri vakanga vasina Mwari wechokwadi, kana mupristi anodzidzisa, kana murayiro;
3Now for a long season Israel hath been without the true God, and without a teaching priest, and without law.
4asi vakati vachitendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri pakutambudzika kwavo, nokumutsvaka, iye akawanikwa navo.
4But when they in their trouble did turn unto the LORD God of Israel, and sought him, he was found of them.
5Zvino nenguva iyo vaibuda novaipinda vakanga vagere panyika idzo, vaiva pakutambudzika kukuru.
5And in those times there was no peace to him that went out, nor to him that came in, but great vexations were upon all the inhabitants of the countries.
6Vaiparadzana, rumwe rudzi ruchiparadza rumwe, rimwe guta richiparadza rimwe; nekuti Mwari aivatambudza nenhamo dzose.
6And nation was destroyed of nation, and city of city: for God did vex them with all adversity.
7Asi ivai nesimba, maoko enyu ngaarege kushaiwa simba; nekuti basa renyu richapiwa mubayiro.
7Be ye strong therefore, and let not your hands be weak: for your work shall be rewarded.
8Zvino Asa akati achinzwa mashoko awa, nezvakaporofitiwa nomuporofita Odhedhi, ndokutsunga moyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfuremu; akavandudza aritari yaJehovha, yakanga iri pamberi peberere raJehovha.
8And when Asa heard these words, and the prophecy of Oded the prophet, he took courage, and put away the abominable idols out of all the land of Judah and Benjamin, and out of the cities which he had taken from mount Ephraim, and renewed the altar of the LORD, that was before the porch of the LORD.
9Ipapo akaunganidza vaJudha, navaBhenjamini vose, navatorwa vakanga vagere pakati pavo vaibva kuna Efuremu, naManase, naSimioni, nekuti vazhinji vaibva kuna Isiraeri vakauya kwaari, pakuona kwavo kuti Jehovha Mwari wake anaye.
9And he gathered all Judah and Benjamin, and the strangers with them out of Ephraim and Manasseh, and out of Simeon: for they fell to him out of Israel in abundance, when they saw that the LORD his God was with him.
10Naizvozvo vakaungana paJerusaremu nomwedzi wechitatu, negore regumi namashanu rokubata ushe kwaAsa.
10So they gathered themselves together at Jerusalem in the third month, in the fifteenth year of the reign of Asa.
11Vakabayira Jehovha zuva irero zvimwe zvavakanga vapamba vakauya nazvo, zvaiti: Nzombe dzina mazana manomwe, namakwai ane zviuru zvinomwe.
11And they offered unto the LORD the same time, of the spoil which they had brought, seven hundred oxen and seven thousand sheep.
12Vakazvisunga kutsvaka Jehovha Mwari wamadzibaba avo nemoyo yavo yose uye nemweya yavo yose;
12And they entered into a covenant to seek the LORD God of their fathers with all their heart and with all their soul;
13uye kuti ani naani asingatsvaki Jehovha Mwari waIsiraeri aurawe, kana ari muduku kana ari mukuru, kana mukadzi kana murume.
13That whosoever would not seek the LORD God of Israel should be put to death, whether small or great, whether man or woman.
14Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru, nokupururudza, nehwamanda uye nemimanzi.
14And they sware unto the LORD with a loud voice, and with shouting, and with trumpets, and with cornets.
15VaJudha vose vakafara nokupika uku; nekuti vakanga vapika nemoyo yavo yose, nokumutsvaka nokuda kwavo kose; iye akawanikwa navo; Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose.
15And all Judah rejoiced at the oath: for they had sworn with all their heart, and sought him with their whole desire; and he was found of them: and the LORD gave them rest round about.
16Akabvisawo Maaka mai vamambo Asa, pauhosi hwavo; nekuti vakanga vaitira Ashera chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.
16And also concerning Maachah the mother of Asa the king, he removed her from being queen, because she had made an idol in a grove: and Asa cut down her idol, and stamped it, and burnt it at the brook Kidron.
17Asi matunhu akakwirira haana kubviswa pakati paIsiraeri; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakange wakarurama kwazvo mazuva ake ose.
17But the high places were not taken away out of Israel: nevertheless the heart of Asa was perfect all his days.
18Akaisa mumba maMwari zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Mwari nababa vake, nezvakanga zvatsaurwa naiye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.
18And he brought into the house of God the things that his father had dedicated, and that he himself had dedicated, silver, and gold, and vessels.
19Kurwa hakuna kuzovapo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokubata ushe kwaAsa.
19And there was no more war unto the five and thirtieth year of the reign of Asa.