1Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Dhavhidhi akatuma Joabhu pamwechete navaranda vake navaIsiraeri vose; vakaparadza vana vaAmoni, vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi wakasara Jerusaremu.
1And it came to pass, after the year was expired, at the time when kings go forth to battle, that David sent Joab, and his servants with him, and all Israel; and they destroyed the children of Ammon, and besieged Rabbah. But David tarried still at Jerusalem.
2Zvino nenguva yamadekwana, Dhavhidhi akamuka panhovo dzake, akafamba pamusoro pedenga reimba yamambo; akaona, aripo padenga, mukadzi wakange achishamba; zvino mukadzi uyo wakange akanaka kwazvo pakuonekwa kwake.
2And it came to pass in an eveningtide, that David arose from off his bed, and walked upon the roof of the king's house: and from the roof he saw a woman washing herself; and the woman was very beautiful to look upon.
3Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumwe akati, Ko haazi iye Bhatishebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?
3And David sent and inquired after the woman. And one said, Is not this Bathsheba, the daughter of Eliam, the wife of Uriah the Hittite?
4Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora, akasvika kwaari, akavata naye (nokuti wakange anatswa pakusanaka kwake;) iye akadzokera kumba kwake.
4And David sent messengers, and took her; and she came in unto him, and he lay with her; for she was purified from her uncleanness: and she returned unto her house.
5Mukadzi akatora mimba, akatuma shoko kuna Dhavhidhi akamuudza akati, Ndava nemimba,
5And the woman conceived, and sent and told David, and said, I am with child.
6Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu, akati, Tuma Uriya muHiti, auye kwandiri. Joabhu akatuma Uriya kuna Dhavhidhi.
6And David sent to Joab, saying, Send me Uriah the Hittite. And Joab sent Uriah to David.
7Zvino Uriya wakati achisvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti, Joabhu wakadini, navanhu vakadini, nokurwa kwakadini.
7And when Uriah was come unto him, David demanded of him how Joab did, and how the people did, and how the war prospered.
8Zvino Dhavhidhi akati kuna Uriya, Burukira kumba kwako, undoshambidza tsoka dzako. Uriya akabva paimba yamambo, akatumirwa chipo chezvokudya namambo.
8And David said to Uriah, Go down to thy house, and wash thy feet. And Uriah departed out of the king's house, and there followed him a mess of meat from the king.
9Asi Uriya wakavata pamukova weimba yamambo pamwechete navaranda vose vatenzi wake, haana kuburukira kumba kwake.
9But Uriah slept at the door of the king's house with all the servants of his lord, and went not down to his house.
10Zvino Dhavhidhi wakati achiudzwa kuti Uriya haana kuburukira kumba kwake, Dhavhidhi akati kuna Uriya, Hauna kubva kurwendo here? Waregereiko kuburukira kumba kwako?
10And when they had told David, saying, Uriah went not down unto his house, David said unto Uriah, Camest thou not from thy journey? why then didst thou not go down unto thine house?
11Uriya akati kuna Dhavhidhi, Areka, navaIsiraeri, navaJudha vagere mumatumba, nashe wangu Joabhu, navaranda vashe wangu vari mumatende avo kusango; zvino ini ndingapinda seiko mumba mangu ndidye, ndivate nomukadzi wangu? Noupenyu bwenyu, uye noupenyu hwomweya wenyu, handingatongoiti chinhu ichi.
11And Uriah said unto David, The ark, and Israel, and Judah, abide in tents; and my lord Joab, and the servants of my lord, are encamped in the open fields; shall I then go into mine house, to eat and to drink, and to lie with my wife? as thou livest, and as thy soul liveth, I will not do this thing.
12Dhavhidhi akati kuna Uriya, Gara pano nanhasi, mangwana ndichakutendera kuenda. Naizvozvo Uriya akagara Jerusaremu zuva iro neramangwana.
12And David said to Uriah, Tarry here to day also, and to morrow I will let thee depart. So Uriah abode in Jerusalem that day, and the morrow.
13Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokumwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino madeko akabuda akandovata panhovo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.
13And when David had called him, he did eat and drink before him; and he made him drunk: and at even he went out to lie on his bed with the servants of his lord, but went not down to his house.
14Zvino mangwana Dhavhidhi akanyorera Joabhu rugwaro, akarutuma noruoko rwaUriya.
14And it came to pass in the morning, that David wrote a letter to Joab, and sent it by the hand of Uriah.
15Akanyora parugwaro, akati, Isa Uriya pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe afe.
15And he wrote in the letter, saying, Set ye Uriah in the forefront of the hottest battle, and retire ye from him, that he may be smitten, and die.
16Zvino Joabhu wakati acherekedza guta, akaisa Uriya paakanga achiziva kuti varume voumhare varipo.
16And it came to pass, when Joab observed the city, that he assigned Uriah unto a place where he knew that valiant men were.
17Vanhu veguta vakabuda kuzorwa naJoabhu, vamwe varanda vaDhavhidhi vakaurawa, naiye Uriya muHiti akafawo.
17And the men of the city went out, and fought with Joab: and there fell some of the people of the servants of David; and Uriah the Hittite died also.
18Ipapo Joabhu akatuma munhu kundoudza Dhavhidhi mashoko ose okurwa.
18Then Joab sent and told David all the things concerning the war;
19Akaraira nhume, akati, Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mashoko ose okurwa,
19And charged the messenger, saying, When thou hast made an end of telling the matters of the war unto the king,
20kana kutsamwa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri, Makaswederereiko pedo zvikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo?
20And if so be that the king's wrath arise, and he say unto thee, Wherefore approached ye so nigh unto the city when ye did fight? knew ye not that they would shoot from the wall?
21Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? wakange asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedo zvikuru norusvingo? Ipapo iwe uti, Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.
21Who smote Abimelech the son of Jerubbesheth? did not a woman cast a piece of a millstone upon him from the wall, that he died in Thebez? why went ye nigh the wall? then say thou, Thy servant Uriah the Hittite is dead also.
22Naizvozvo nhume yakaenda, ikasvika, ikaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumirwa naJoabhu.
22So the messenger went, and came and showed David all that Joab had sent him for.
23Nhume ikati kuna Dhavhidhi, Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuwo.
23And the messenger said unto David, Surely the men prevailed against us, and came out unto us into the field, and we were upon them even unto the entering of the gate.
24Vafuri vakafura varanda venyu vari parusvingo, vamwe varanda vamambo vakafa, naiye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.
24And the shooters shot from off the wall upon thy servants; and some of the king's servants be dead, and thy servant Uriah the Hittite is dead also.
25Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, Iti kuna Joabhu, Izvi ngazvirege kukusuwisa, nekuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.
25Then David said unto the messenger, Thus shalt thou say unto Joab, Let not this thing displease thee, for the sword devoureth one as well as another: make thy battle more strong against the city, and overthrow it: and encourage thou him.
26Zvino mukadzi waUriya wakati anzwa kuti murume wake Uriya wafa, akachema murume wake.
26And when the wife of Uriah heard that Uriah her husband was dead, she mourned for her husband.
27Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwana komana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.
27And when the mourning was past, David sent and fetched her to his house, and she became his wife, and bare him a son. But the thing that David had done displeased the LORD.