1Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguvo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo;
1When Mordecai perceived all that was done, Mordecai rent his clothes, and put on sackcloth with ashes, and went out into the midst of the city, and cried with a loud and a bitter cry;
2akasvikawo pamberi pesuwo ramambo; nekuti akafuka masaga haana kutenderwa kupinda pasuwo ramambo.
2And came even before the king's gate: for none might enter into the king's gate clothed with sackcloth.
3Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.
3And in every province, whithersoever the king's commandment and his decree came, there was great mourning among the Jews, and fasting, and weeping, and wailing; and many lay in sackcloth and ashes.
4Zvino vasikana vaEsiteri navaranda vake vakandomuudza izvozvo; vahosi vakabatwa neshungu kwazvo, vakatumira Modhekai nguvo, kuti adzifuke, abvise masaga; asi wakaramba kudzigamuchira.
4So Esther's maids and her chamberlains came and told it her. Then was the queen exceedingly grieved; and she sent raiment to clothe Mordecai, and to take away his sackcloth from him: but he received it not.
5Ipapo Esiteri akadana Hataki, mumwe wavaranda vamambo, waakanga araira kumubatira, akamuraira kuti aende kuna Modhekai kundonzwa kuti chinyi, uye mhaka yeiko.
5Then called Esther for Hatach, one of the king's chamberlains, whom he had appointed to attend upon her, and gave him a commandment to Mordecai, to know what it was, and why it was.
6Ipapo Hataki akaenda kuna Modhekai padare reguta, rakanga riri pamberi pesuwo ramambo.
6So Hatach went forth to Mordecai unto the street of the city, which was before the king's gate.
7Modhekai akamuudza zvose zvaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti achaiisa muzvivigiro zvamambo kuti vaJudha vaparadzwe.
7And Mordecai told him of all that had happened unto him, and of the sum of the money that Haman had promised to pay to the king's treasuries for the Jews, to destroy them.
8Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShushani chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari.
8Also he gave him the copy of the writing of the decree that was given at Shushan to destroy them, to shew it unto Esther, and to declare it unto her, and to charge her that she should go in unto the king, to make supplication unto him, and to make request before him for her people.
9Hataki akandoudza Esiteri mashoko aModhekai.
9And Hatach came and told Esther the words of Mordecai.
10Ipapo Esiteri akataura naHataki, akamupa shoko rokundoudza Modhekai, akati,
10Again Esther spake unto Hatach, and gave him commandment unto Mordecai;
11Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyange murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudamwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudamwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.
11All the king's servants, and the people of the king's provinces, do know, that whosoever, whether man or women, shall come unto the king into the inner court, who is not called, there is one law of his to put him to death, except such to whom the king shall hold out the golden sceptre, that he may live: but I have not been called to come in unto the king these thirty days.
12Vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri.
12And they told to Mordecai Esther's words.
13Ipapo Modhekai akavaraira kuti vapindure Esiteri, vati, Usati iwe uchapukunyuka mumba mamambo kupfuura vamwe vaJudha vose.
13Then Mordecai commanded to answer Esther, Think not with thyself that thou shalt escape in the king's house, more than all the Jews.
14Nekuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutowo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?
14For if thou altogether holdest thy peace at this time, then shall there enlargement and deliverance arise to the Jews from another place; but thou and thy father's house shall be destroyed: and who knoweth whether thou art come to the kingdom for such a time as this?
15Ipapo Esiteri akaraira kuti vapindure Modhekai, vati,
15Then Esther bade them return Mordecai this answer,
16Endai mukokere vaJudha vose vari paShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kumwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichatsanya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.
16Go, gather together all the Jews that are present in Shushan, and fast ye for me, and neither eat nor drink three days, night or day: I also and my maidens will fast likewise; and so will I go in unto the king, which is not according to the law: and if I perish, I perish.
17Naizvozvo Modhekai akaenda hake akandoita zvose zvaakarairwa naEsiteri.
17So Mordecai went his way, and did according to all that Esther had commanded him.