Shona

King James Version

Ezekiel

22

1Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1Moreover the word of the LORD came unto me, saying,
2Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tonga, chitonga guta reropa, urizivise zvinonyangadza zvaro zvose.
2Now, thou son of man, wilt thou judge, wilt thou judge the bloody city? yea, thou shalt shew her all her abominations.
3Uti zvanzi naIshe Jehovha, Iwe guta, rinoteura ropa mukati maro, kuti nguva yaro isvike, rinozviitira zvifananidzo, kuti risvibiswe nazvo!
3Then say thou, Thus saith the Lord GOD, The city sheddeth blood in the midst of it, that her time may come, and maketh idols against herself to defile herself.
4Wapara mhaka nokuda kweropa rako rawakateura, wasvibiswa nezvifananidzo zvawakaita; waswededza mazuva ako, wasvika pamakore ako; naizvozvo ndakakuita chinhu chinoshorwa pamberi pamamwe marudzi, nechinosekwa nenyika dzose.
4Thou art become guilty in thy blood that thou hast shed; and hast defiled thyself in thine idols which thou hast made; and thou hast caused thy days to draw near, and art come even unto thy years: therefore have I made thee a reproach unto the heathen, and a mocking to all countries.
5Vari pedo newe, navari kure, vachakuseka, iwe unezita rakasvibiswa, uzere nebope.
5Those that be near, and those that be far from thee, shall mock thee, which art infamous and much vexed.
6Tarira, machinda aIsiraeri akapinda mukati mako, mumwe nomumwe nesimba rake, kuzoteura ropa.
6Behold, the princes of Israel, every one were in thee to their power to shed blood.
7Baba namai vakazvidzwa mukati mako, vatorwa vakamanikidzwa mukati mako, nherera nechirikadzi dzakaitirwa zvakaipa mukati mako.
7In thee have they set light by father and mother: in the midst of thee have they dealt by oppression with the stranger: in thee have they vexed the fatherless and the widow.
8Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene, wakamhura masabata angu.
8Thou hast despised mine holy things, and hast profaned my sabbaths.
9Vanhu vana makuhwa vakapinda mukati mako kuzoteura ropa, vakadya pamusoro pamakomo mukati mako, vakaita zvinonyadzisa mukati mako.
9In thee are men that carry tales to shed blood: and in thee they eat upon the mountains: in the midst of thee they commit lewdness.
10Vakafukura kunyadza kwamadzibaba avo mukati mako, vakaninipisa mukati mako mukadzi wakange asina kunaka nokuva kumwedzi kwake.
10In thee have they discovered their fathers' nakedness: in thee have they humbled her that was set apart for pollution.
11Mumwe akaita zvinonyangadza nomukadzi womunin'ina wake, mumwe wakachinyira mukadzi womwana wake, mumwezve mukati mako wakaninipisa hanzvadzi yake, mukunda wababa vake.
11And one hath committed abomination with his neighbour's wife; and another hath lewdly defiled his daughter in law; and another in thee hath humbled his sister, his father's daughter.
12Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikangamwa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
12In thee have they taken gifts to shed blood; thou hast taken usury and increase, and thou hast greedily gained of thy neighbours by extortion, and hast forgotten me, saith the Lord GOD.
13Naizvozvo, tarira, ndakarovanya maoko angu pamusoro pefuma yako yawakawana nokunyengera, napamusoro peropa rako rakanga riri mukati mako.
13Behold, therefore I have smitten mine hand at thy dishonest gain which thou hast made, and at thy blood which hath been in the midst of thee.
14Ko moyo wako ungatsunga, kana maoko ako angasimba here pamazuva andichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita.
14Can thine heart endure, or can thine hands be strong, in the days that I shall deal with thee? I the LORD have spoken it, and will do it.
15Ndichakuparadzira pakati pamarudzi, nokukudzingira kunyika dzose; ndichapedza tsvina yako mukati mako.
15And I will scatter thee among the heathen, and disperse thee in the countries, and will consume thy filthiness out of thee.
16Uchazvimhurisa pamberi pamamwe marudzi; zvino uchazoziva kuti ndini Jehovha.
16And thou shalt take thine inheritance in thyself in the sight of the heathen, and thou shalt know that I am the LORD.
17Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
17And the word of the LORD came unto me, saying,
18Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yaita samarara kwandiri; vose vakaita sendarira netini nedare nomutobvu mukati mevira; vakaita samarara esirivha
18Son of man, the house of Israel is to me become dross: all they are brass, and tin, and iron, and lead, in the midst of the furnace; they are even the dross of silver.
19Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Mose zvamava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati meJerusaremu.
19Therefore thus saith the Lord GOD; Because ye are all become dross, behold, therefore I will gather you into the midst of Jerusalem.
20Sezvavanounganidzira sirivha nendarira nedare nomutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo, vazvinyause, saizvozvo ndichakuunganidzai nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikuiseimo, ndikunyausei.
20As they gather silver, and brass, and iron, and lead, and tin, into the midst of the furnace, to blow the fire upon it, to melt it; so will I gather you in mine anger and in my fury, and I will leave you there, and melt you.
21Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai, nokupfutidza moto wehasha dzangu pamusoro penyu; muchanyauswa mukati maro.
21Yea, I will gather you, and blow upon you in the fire of my wrath, and ye shall be melted in the midst therof.
22Sirivha sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imwi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.
22As silver is melted in the midst of the furnace, so shall ye be melted in the midst thereof; and ye shall know that I the LORD have poured out my fury upon you.
23Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
23And the word of the LORD came unto me, saying,
24Mwanakomana womunhu uti kwairi, Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunisirwa mvura nezuva reshungu dzangu.
24Son of man, say unto her, Thou art the land that is not cleansed, nor rained upon in the day of indignation.
25Vaporofita vayo vakaita rangano mukati mayo; seshumba inoomba ichibvambura chayabata, saizvozvo vakapedza mweya yavanhu; vakatora fuma nezvinokosha, vakawanza chirikadzi mukati mayo.
25There is a conspiracy of her prophets in the midst thereof, like a roaring lion ravening the prey; they have devoured souls; they have taken the treasure and precious things; they have made her many widows in the midst thereof.
26Vapristi vayo vakaparadza murayiro wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona masabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo.
26Her priests have violated my law, and have profaned mine holy things: they have put no difference between the holy and profane, neither have they shewed difference between the unclean and the clean, and have hid their eyes from my sabbaths, and I am profaned among them.
27Machinda ayo mukati mayo vakafanana namapere anobvanzura zvaabata, vachiteura ropa nokuparadza mweya, kuti vawane fuma vachinyengera.
27Her princes in the midst thereof are like wolves ravening the prey, to shed blood, and to destroy souls, to get dishonest gain.
28Vaporofita vayo vakavayuwira nesuko, vachiona zvinonyengera nokuvaukira zvenhema vachiti, Zvanzi naIshe Jehovha, izvo Jehovha haana kutaura.
28And her prophets have daubed them with untempered morter, seeing vanity, and divining lies unto them, saying, Thus saith the Lord GOD, when the LORD hath not spoken.
29Vanhu venyika vakamanikidza nokupamba; zvirokwazvo vakatambudza varombo navanoshayiwa, vakamanikidza mutorwa asina mhaka hake.
29The people of the land have used oppression, and exercised robbery, and have vexed the poor and needy: yea, they have oppressed the stranger wrongfully.
30Zvino ndakatsvaka pakati pavo munhu angagadzira rusvingo, angamira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana nomumwe.
30And I sought for a man among them, that should make up the hedge, and stand in the gap before me for the land, that I should not destroy it: but I found none.
31Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nomoto wehasha dzangu; ndakauyisa zvavakaita pamisoro yavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
31Therefore have I poured out mine indignation upon them; I have consumed them with the fire of my wrath: their own way have I recompensed upon their heads, saith the Lord GOD.