Shona

King James Version

Genesis

25

1Zvino Abhurahamu wakawanazve mukadzi, uye zita rake raiva Ke­tura.
1Then again Abraham took a wife, and her name was Keturah.
2Ndokumuberekera Zimurami naJokishani naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.
2And she bare him Zimran, and Jokshan, and Medan, and Midian, and Ishbak, and Shuah.
3Jokishani ndokubereka Shebha naDhedhani. Zvino vanakomana vaDhedhani vaiva vaAshuri nevaRetushi nevaReumi.
3And Jokshan begat Sheba, and Dedan. And the sons of Dedan were Asshurim, and Letushim, and Leummim.
4Zvino vanakomana vaMidhiani vaiva Efa naEferi naHanoki naAbhidha naEridha. Ava vose vaiva vana vaKetura.
4And the sons of Midian; Ephah, and Epher, and Hanoch, and Abidah, and Eldaah. All these were the children of Keturah.
5Abhurahamu ndokupa Isaka zvose zvaaiva nazvo.
5And Abraham gave all that he had unto Isaac.
6Asi kuvanakomana ve­varongo Abhurahamu vaaiva navo, Abhurahamu wakapa zvipo; akavabvisa pana Isaka mwanakomana wake, iye achiri mupenyu, akavatuma kumabvazuva kunyika yekumabvazuva.
6But unto the sons of the concubines, which Abraham had, Abraham gave gifts, and sent them away from Isaac his son, while he yet lived, eastward, unto the east country.
7Zvino awa mazuva emakore eupenyu hwaAbhurahamu aakararama, makore zana nemakumi manomwe nemashanu.
7And these are the days of the years of Abraham's life which he lived, an hundred threescore and fifteen years.
8Abhu­rahamu ndokupera, akafa pakukwegura kwakanaka, achembera agutsikana, akaunganidzwa pandudzi dzekwake.
8Then Abraham gave up the ghost, and died in a good old age, an old man, and full of years; and was gathered to his people.
9Zvino Isaka naIshimaeri vanako­mana vake vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni mwanakomana waZohari muHeti, wa­katarisana neMamure,
9And his sons Isaac and Ishmael buried him in the cave of Machpelah, in the field of Ephron the son of Zohar the Hittite, which is before Mamre;
10munda Abhurahamu waakatenga kuvanakomana vaHeti; ndipo Abhura­hamu paakavigwa pamwe naSara mukadzi wake.
10The field which Abraham purchased of the sons of Heth: there was Abraham buried, and Sarah his wife.
11Zvino zvikaitika shure kwekufa kwaAbhurahamu, kuti Mwari wakaropa­fadza Isaka mwanakomana wake; Isaka ndokugara patsime reRahai-Royi.
11And it came to pass after the death of Abraham, that God blessed his son Isaac; and Isaac dwelt by the well Lahairoi.
12Zvino awa mazera alshimaeri mwa­nakomana waAbhurahamu, Hagari muEgipita, murandakadzi waSara, waakaberekera Abhurahamu.
12Now these are the generations of Ishmael, Abraham's son, whom Hagar the Egyptian, Sarah's handmaid, bare unto Abraham:
13Uye awa mazita evanakomana vaIshimaeri nemazita avo zvichienderana nemazera avo; dangwe raIshimaeri raiva Nebhayoti, naKe­dhari naAdhibheri naMibhisami
13And these are the names of the sons of Ishmael, by their names, according to their generations: the firstborn of Ishmael, Nebajoth; and Kedar, and Adbeel, and Mibsam,
14naMi­shima naDhurina naMasa,
14And Mishma, and Dumah, and Massa,
15naHadhadhi naTema, Jeturi, Nafishi, naKedhema;
15Hadar, and Tema, Jetur, Naphish, and Kedemah:
16ava vanakomana vaIshimaeri, uye awa mazita avo nemisha yavo uye nematende avo; machinda gumi nemaviri zvichienderana nendu­dzi dzavo.
16These are the sons of Ishmael, and these are their names, by their towns, and by their castles; twelve princes according to their nations.
17Uye awa makore eupenyu hwaIshimaeri, makore zana nemakumi matatu nemanomwe; akapera, akafa, akaunganidzwa pandudzi dzekwake.
17And these are the years of the life of Ishmael, an hundred and thirty and seven years: and he gave up the ghost and died; and was gathered unto his people.
18Zvino vakagara kubva paHavhira kusvi­kira paShuri nemberi kweEgipita, uchienda Asiria; akagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.
18And they dwelt from Havilah unto Shur, that is before Egypt, as thou goest toward Assyria: and he died in the presence of all his brethren.
19Zvino awa mazera alsaka mwanako­mana waAbhurahamu; Abhurahamu waka­bereka Isaka.
19And these are the generations of Isaac, Abraham's son: Abraham begat Isaac:
20Zvino Isaka wakange ane makore makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muSiriya, wePadhani-Aramu, hanzvadzi yaRa­bhani muSiriya, kuti ave mukadzi wake.
20And Isaac was forty years old when he took Rebekah to wife, the daughter of Bethuel the Syrian of Padanaram, the sister to Laban the Syrian.
21Zvino Isaka wakanyengeterera muka­dzi wake kuna Jehovha, nekuti wakange ari mhanje; Jehovha akanye­ngetereka naye, Rabheka mukadzi wake ndokuva nemimba.
21And Isaac entreated the LORD for his wife, because she was barren: and the LORD was entreated of him, and Rebekah his wife conceived.
22Zvino vana vakapipiridzana mukati make, iye ndokuti: Kana zvaka­daro, sei ndakadai? Ndokunobvunza Jehovha.
22And the children struggled together within her; and she said, If it be so, why am I thus? And she went to inquire of the LORD.
23Jehovha ndokuti kwaari: Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana dzichibva muura hwako. Zvino rudzi rwuchasimba pane rwumwe rudzi, uye mukuru achashumira muduku.
23And the LORD said unto her, Two nations are in thy womb, and two manner of people shall be separated from thy bowels; and the one people shall be stronger than the other people; and the elder shall serve the younger.
24Zvino mazuva ake ekubereka akati azadziswa, tarira, mapatya muchizvaro chake.
24And when her days to be delivered were fulfilled, behold, there were twins in her womb.
25Wekutanga akabuda ari mutsvuku, wose akaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau.
25And the first came out red, all over like an hairy garment; and they called his name Esau.
26Zvino pa­shure munin'ina wake wakabuda, uye ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; ndokutumidza zita rake Jakove. Zvino Isaka waiva nemakore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
26And after that came his brother out, and his hand took hold on Esau's heel; and his name was called Jacob: and Isaac was threescore years old when she bare them.
27Vakomana ndoku­kura; Esau ndokuva mudzimba wakachenjera, murume wesango; uye Jakove murume wakarurama, achigara mumatende.
27And the boys grew: and Esau was a cunning hunter, a man of the field; and Jacob was a plain man, dwelling in tents.
28Isaka ndokuda Esau, nekuti waidya nyama yemhuka, asi Rabheka waida Jakove.
28And Isaac loved Esau, because he did eat of his venison: but Rebekah loved Jacob.
29Zvino Jakove wakange abika rupiza, Esau ndokusvika achibva kusango oziya;
29And Jacob sod pottage: and Esau came from the field, and he was faint:
30Esau ndokuti kuna Jakove: Dondiregawo ndiminye zvitsvuku izvo zvakatsvuka, nekuti ndoziya. Naizvozvo wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.
30And Esau said to Jacob, Feed me, I pray thee, with that same red pottage; for I am faint: therefore was his name called Edom.
31Jakove ndokuti: Nditengesere nhasi udangwe hwako.
31And Jacob said, Sell me this day thy birthright.
32Esau ndokuti: Tarira, ndodofa, zvino udangwe uchandibatsirei?
32And Esau said, Behold, I am at the point to die: and what profit shall this birthright do to me?
33Jakove ndokuti: Ndipikire nhasi. Iye ndokupika kwaari, ndokutengesa udangwe hwake kuna Jako­bho.
33And Jacob said, Swear to me this day; and he sware unto him: and he sold his birthright unto Jacob.
34Jakove ndokupa Esau chingwa nerupiza; iye ndokudya nekumwa, ndokusimuka ndokuenda; Esau ndokuzvidza udangwe hwake saizvozvi.
34Then Jacob gave Esau bread and pottage of lentils; and he did eat and drink, and rose up, and went his way: thus Esau despised his birthright.