Shona

King James Version

Genesis

27

1Zvino zvakaitika kuti Isaka ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asingachaoni, wakadana Esau mwa­nakomana wake mukuru, ndokuti kwaari: Mwana wangu! Iye ndokuti kwaari: Tarirai ndiri pano.
1And it came to pass, that when Isaac was old, and his eyes were dim, so that he could not see, he called Esau his eldest son, and said unto him, My son: and he said unto him, Behold, here am I.
2Akabva ati: Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rekufa kwangu.
2And he said, Behold now, I am old, I know not the day of my death:
3Naizvozvo ikozvino, tora hako zvombo zvako, goba rako, neuta hwako, ugobuda kusango undivhimire nyama yemhuka,
3Now therefore take, I pray thee, thy weapons, thy quiver and thy bow, and go out to the field, and take me some venison;
4Ugondigadzirira chikafu chinonaka, sechandinoda, ugondivigira kuti ndi­dye, kuti mweya wangu ukuropafadze ndisati ndafa.
4And make me savory meat, such as I love, and bring it to me, that I may eat; that my soul may bless thee before I die.
5Zvino Rabheka wakanzwa Isaka paakataura naEsau mwanakomana wake. Esau ndokuenda kusango kunovhima nyama yemhuka kuti auye nayo.
5And Rebekah heard when Isaac spake to Esau his son. And Esau went to the field to hunt for venison, and to bring it.
6Rabheka ndoku­taura naJakove mwanakomana wake achiti: Tarira, ndanzwa baba vako va­chitaura naEsau, mukoma wako, vachiti:
6And Rebekah spake unto Jacob her son, saying, Behold, I heard thy father speak unto Esau thy brother, saying,
7Nditorere nyama yemhuka, ugondigadzirira chikafu chinoanaka kuti ndidye, ndigokuro­pafadza pamberi paJehovha ndisati ndafa.
7Bring me venison, and make me savory meat, that I may eat, and bless thee before the LORD before my death.
8Naizvozvo ikozvino mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu kune zvandinokuraira.
8Now therefore, my son, obey my voice according to that which I command thee.
9Chidoenda ikozvino kuboka rezvipfuwo, unditorere kubva ipapo mbudzana mbiri dzakanaka dzembudzi, zvino ndichadzigadzira chikafu chinonaka chababa vako, sechavanoda;
9Go now to the flock, and fetch me from thence two good kids of the goats; and I will make them savory meat for thy father, such as he loveth:
10ugoenda nacho kuna baba vako vadye, uye kuti vakuropafadze rufu rwavo rasati rwasvika.
10And thou shalt bring it to thy father, that he may eat, and that he may bless thee before his death.
11Jakove ndokuti kuna Rabheka mai vake: Tarirai, Esau mukoma wa­ngu, murume une mvere, asi ini ndiri murume wakatsetseka.
11And Jacob said to Rebekah his mother, Behold, Esau my brother is a hairy man, and I am a smooth man:
12Zvimwe baba vangu vachandipurudzira, ndokuva pameso avo­seunovadadira, uye ndichazviuyisira rushambwa pachinzvimbo chekuro­pafadzwa.
12My father peradventure will feel me, and I shall seem to him as a deceiver; and I shall bring a curse upon me, and not a blessing.
13Mai vake ndokuti kwaari: Rushambwa rwako ngarwuve pamusoro pangu, mwanakomana wangu; teerera chete inzwi rangu, ugoenda unonditorera.
13And his mother said unto him, Upon me be thy curse, my son: only obey my voice, and go fetch me them.
14Zvino wakaenda, akadzi­tora, akadziuisa kuna mai vake; mai vake ndokugadzira chikafu chinonaka sechaidika­mwa nababa vake.
14And he went, and fetched, and brought them to his mother: and his mother made savory meat, such as his father loved.
15Zvino Rabheka wakatora nguvo dzakanaka dzaEsau mwa­nakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, ndokudzifukidza Jakove mwana­komana wake muduku;
15And Rebekah took goodly raiment of her eldest son Esau, which were with her in the house, and put them upon Jacob her younger son:
16zvino zvikumba zvembudzana wakaisa pamaoko ake, nepakatsetseka pemutsipa wake.
16And she put the skins of the kids of the goats upon his hands, and upon the smooth of his neck:
17Zvino wakapa chikafu chinonaka nechingwa zvaakange agadzirira muruoko rwaJakove mwana­komana wake.
17And she gave the savory meat and the bread, which she had prepared, into the hand of her son Jacob.
18Iye ndokuenda kuna baba vake akati: Baba vangu! Ivo ndokuti: Ndiri pano; ndiwe ani mwanakomana wangu?
18And he came unto his father, and said, My father: and he said, Here am I; who art thou, my son?
19Jakove ndokuti kuna baba vake: Ndini Esau dangwe renyu; ndaita sezvamandi­udza; mukai henyu mugare, mudye zvenyama yangu yemhuka, kuti mweya wenyu undiropafadze.
19And Jacob said unto his father, I am Esau thy first born; I have done according as thou badest me: arise, I pray thee, sit and eat of my venison, that thy soul may bless me.
20Isaka ndokuti kumwanakomana wake: Sei waiwana nekukurumidza zvakadai mwanakomana wangu? Iye ndokuti: Nekuti Jehovha Mwari wenyu waiuisa pamberi pangu.
20And Isaac said unto his son, How is it that thou hast found it so quickly, my son? And he said, Because the LORD thy God brought it to me.
21Isaka ndokuti kuna Jakove: Swedera hako kuti ndikupurudzire, mwanakomana wangu, ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau amene, kana kwete.
21And Isaac said unto Jacob, Come near, I pray thee, that I may feel thee, my son, whether thou be my very son Esau or not.
22Jakove ndokuswedera kuna Isaka baba vake; ivo vakamupurudzira vakati: Inzwi inzwi raJakove, asi maoko maoko aEsau.
22And Jacob went near unto Isaac his father; and he felt him, and said, The voice is Jacob's voice, but the hands are the hands of Esau.
23Asi haana kumu­ziva nekuti maoko ake akanga ane mvere semaoko emukuru wake Esau; naizvozvo wakamuropafadza.
23And he discerned him not, because his hands were hairy, as his brother Esau's hands: so he blessed him.
24Ndokuti: Ndiwe mwa­nakomana wangu Esau chaiye here? Iye ndokuti: Ndini.
24And he said, Art thou my very son Esau? And he said, I am.
25Zvino akati: Iswededze kwandiri kuti ndidye zvenyama yemhuka yemwana­komana wangu, kuti mweya wangu ukuropa­fadze. Iye ndokuswededza kwaari, zvino akadya; ndokumuvigira waini, ndokumwa.
25And he said, Bring it near to me, and I will eat of my son's venison, that my soul may bless thee. And he brought it near to him, and he did eat: and he brought him wine and he drank.
26Zvino baba vake Isaka vakati kwaari: Chiswedera, unditsvode, mwanakomana wangu.
26And his father Isaac said unto him, Come near now, and kiss me, my son.
27Zvino wakaswedera, akamutsvoda; ndoku­nzwa munhuwi wenguvo dzake, ndokumuro­pafadzwa, zvino akati: Tarira, munhuwi wemwanakomana wangu, semunhuwi wesango Jehovha raakaropafadza.
27And he came near, and kissed him: and he smelled the smell of his raiment, and blessed him, and said, See, the smell of my son is as the smell of a field which the LORD hath blessed:
28Naizvozvo Mwari ngaakupe zvedova rekumatenga, nekukora kwenyika, nezviyo zvakawanda newaini itsva.
28Therefore God give thee of the dew of heaven, and the fatness of the earth, and plenty of corn and wine:
29Vanhu ngavakushumire, nemarudzi ngaakufugamire. Iva ishe wehama dzako, nevanakomana vamai vako ngavakufugamire. vanokupa rushambwa ngavapiwe rushambwa, uye vanokuropafadza ngavaropafadzwe.
29Let people serve thee, and nations bow down to thee: be lord over thy brethren, and let thy mother's sons bow down to thee: cursed be every one that curseth thee, and blessed be he that blesseth thee.
30Zvino zvakaitika Isaka paakangopedza kuropa­fadza Jakove, Jakove achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mu­koma wake wakasvika achibva paku­vhima kwake.
30And it came to pass, as soon as Isaac had made an end of blessing Jacob, and Jacob was yet scarce gone out from the presence of Isaac his father, that Esau his brother came in from his hunting.
31Naiye wakagadzira chikafu chinonaka, akauya nacho kuna baba vake; akati kuna baba vake: Baba vangu ngavamuke, vadye zvenyama yemhuka yemwanakomana wavo, kuti mweya we­nyu undiropafadze.
31And he also had made savory meat, and brought it unto his father, and said unto his father, Let my father arise, and eat of his son's venison, that thy soul may bless me.
32Zvino Isaka baba vake vakati: Ndiwe ani? Iye ndokuti: Ndini mwa­nakomana wenyu, dangwe renyu Esau.
32And Isaac his father said unto him, Who art thou? And he said, I am thy son, thy firstborn Esau.
33Isaka ndokubvunda nekubvunda kukurusa, akati: Ko ndiani wavhima nyama yemhuka, akauya nayo kwandiri, ndikadya zvayo zvose usati wasvika? Zvino ndamuropa­fadza, hongu ucharo­pafadzwa.
33And Isaac trembled very exceedingly, and said, Who? where is he that hath taken venison, and brought it me, and I have eaten of all before thou camest, and have blessed him? yea, and he shall be blessed.
34Zvino Esau wakati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nekuchema ku­kuru kunorwadza zvikurusa, ndokuti kuna baba vake: Ndiropafadzei, iniwo, baba vangu!
34And when Esau heard the words of his father, he cried with a great and exceeding bitter cry, and said unto his father, Bless me, even me also, O my father.
35Zvino akati: Munin'ina wako wauya nekunyengedzera, akatora ropafadzo yako.
35And he said, Thy brother came with subtilty, and hath taken away thy blessing.
36Zvino akati: Imhaka yekuti vakatumidza zita rake Jakove here, ­kuti zvino wandinyengedzera kaviri aka; udangwe hwangu wakatora, zvino tarira, ikozvino wanditorera ropafadzo yangu. Ndokuti: Hamuna kundichengeterawo ropafadzo here?
36And he said, Is not he rightly named Jacob? for he hath supplanted me these two times: he took away my birthright; and, behold, now he hath taken away my blessing. And he said, Hast thou not reserved a blessing for me?
37Isaka ndokupindura ndokuti kuna Esau: Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndapa kwaari vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chii chandingakuitira, mwanakomana wangu?
37And Isaac answered and said unto Esau, Behold, I have made him thy lord, and all his brethren have I given to him for servants; and with corn and wine have I sustained him: and what shall I do now unto thee, my son?
38Esau ndokuti kuna baba vake: Mu­nongova neropafadzo imwe yoga here, baba vangu? Ndiropafadzei i­niwo, baba vangu. Esau ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
38And Esau said unto his father, Hast thou but one blessing, my father? bless me, even me also, O my father. And Esau lifted up his voice, and wept.
39Zvino Isaka baba vake ndokupindura akati kwaari: Tarira, ugaro hwako huchava kure nekukora kwenyika,uye kure nedova rekudenga rinobva kumusoro.
39And Isaac his father answered and said unto him, Behold, thy dwelling shall be the fatness of the earth, and of the dew of heaven from above;
40Uye nemunondo wako uchararama, uye uchashumira munin'ina wako. Asi zvichaitika pauchapukunyuka, kuti uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.
40And by thy sword shalt thou live, and shalt serve thy brother; and it shall come to pass when thou shalt have the dominion, that thou shalt break his yoke from off thy neck.
41Zvino Esau wakavenga Jakove nekuda kweropafadzo baba vake yavakamuropafadza nayo. Esau ndokuti mumoyo make: Mazuva ekuchema baba vangu aswedera, zvino ndichauraya munin'ina wangu Jakove.
41And Esau hated Jacob because of the blessing wherewith his father blessed him: and Esau said in his heart, The days of mourning for my father are at hand; then will I slay my brother Jacob.
42Zvino mashoko awa aEsau mwanakomana wake mukuru akaudzwa Rabheka, ndokutuma kunodana Jako­bho, mwanakomana wake muduku, ndokuti kwaari: Tarira, Esau mukoma wako unozvivaraidza pamusoro pako kuti akuuraye.
42And these words of Esau her elder son were told to Rebekah: and she sent and called Jacob her younger son, and said unto him, Behold, thy brother Esau, as touching thee, doth comfort himself, purposing to kill thee.
43Naizvozvo ikozvino, mwanakomana wa­ngu, teerera inzwi rangu; simuka utizire kuna Rabhani hanzvadzi yangu kuHarani,
43Now therefore, my son, obey my voice; arise, flee thou to Laban my brother to Haran;
44ugare naye mazuva mashoma, kusvikira shungu dzemukoma wako dzaserera,
44And tarry with him a few days, until thy brother's fury turn away;
45kusvikira kutsamwa kwemukoma wako kwaserera kubva kwauri, uye akangamwe zvawamuitira; Ipapo ndichatuma kuzokutora kubva ikoko; nemhaka yei ndicharasikirwa nemwi muri vaviri nemusi mu­mwe?
45Until thy brother's anger turn away from thee, and he forget that which thou hast done to him: then I will send, and fetch thee from thence: why should I be deprived also of you both in one day?
46Rabheka ndokuti kuna Isaka: Ndanetswa neupenyu hwangu nekuda kwevakunda vaHeti; kana Jakove akatora mukadzi ku­vakunda vaHeti, sevava, kuvakunda venyika ino, ndichararamirei?
46And Rebekah said to Isaac, I am weary of my life because of the daughters of Heth: if Jacob take a wife of the daughters of Heth, such as these which are of the daughters of the land, what good shall my life do me?