Shona

King James Version

Joel

2

1Ridzai hwamanda paZiyoni, dzemhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere nekuti zuva raJehovha rinouya, nekuti rava pedo;
1Blow ye the trumpet in Zion, and sound an alarm in my holy mountain: let all the inhabitants of the land tremble: for the day of the LORD cometh, for it is nigh at hand;
2richava zuva rerima nokusviba, zuva ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo; richauya ruri rudzi rukuru rune simba; rwakadaro haruna kumbovapo, uye harungazovipo shure kwavo, kusvikira pamakore amarudzi mazhinji avanhu.
2A day of darkness and of gloominess, a day of clouds and of thick darkness, as the morning spread upon the mountains: a great people and a strong; there hath not been ever the like, neither shall be any more after it, even to the years of many generations.
3Moto unoparadza pamberi pavo, murazvo unopfuta shure kwavo; nyika yakaita somunda weEdheni pamberi pavo, uye serenje rakaparadzwa shure kwavo; zvirokwazvo, hakuna wakapukunyuka kwavari.
3A fire devoureth before them; and behind them a flame burneth: the land is as the garden of Eden before them, and behind them a desolate wilderness; yea, and nothing shall escape them.
4Pakuonekwa kwavo vakafanana namabhiza; savatasvi vamabhiza, ndiko kumhanya kwavo.
4The appearance of them is as the appearance of horses; and as horsemen, so shall they run.
5Kuuruka kwavo pamusoro pamakomo kunoita somubvumo wengoro, somubvumo womurazvo womoto unoparadza mashanga, savanhu vane simba vakagadzirirwa kurwa.
5Like the noise of chariots on the tops of mountains shall they leap, like the noise of a flame of fire that devoureth the stubble, as a strong people set in battle array.
6Kana vachisvika, vanhu vose vanotya kwazvo, zviso zvose zvinocheneruka.
6Before their face the people shall be much pained: all faces shall gather blackness.
7Vanomhanya savanhu vane simba, vanokwira rusvingo savarwi, vanotamba mumwe nomumwe nenzira yake, havatongotsauki pamisara yavo.
7They shall run like mighty men; they shall climb the wall like men of war; and they shall march every one on his ways, and they shall not break their ranks:
8Havasundidzirani, mumwe nomumwe unofamba negwara rake; vanopwanya napakati penhumbi dzokurwa, vasingatsauki.
8Neither shall one thrust another; they shall walk every one in his path: and when they fall upon the sword, they shall not be wounded.
9Vanowira guta, vanomhanyira pamusoro porusvingo, vanokwira vachipinda mudzimba, vanopinda napamahwindo sembavha.
9They shall run to and fro in the city; they shall run upon the wall, they shall climb up upon the houses; they shall enter in at the windows like a thief.
10Nyika inodedera pamberi pavo, denga rose rinobvunda, zuva nomwedzi zvinosviba, nyeredzi dzinodzora kupenya kwadzo.
10The earth shall quake before them; the heavens shall tremble: the sun and the moon shall be dark, and the stars shall withdraw their shining:
11Jehovha anobudisa izwi rake pamberi pehondo yake, nekuti hondo yake ihuru kwazvo; nekuti muiti wezvaakataura une simba; nekuti zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko angatsunga naro?
11And the LORD shall utter his voice before his army: for his camp is very great: for he is strong that executeth his word: for the day of the LORD is great and very terrible; and who can abide it?
12Kunyange zvakadaro ndizvo zvinotaura Jehovha nazvino tendeukirai kwandiri nomwoyo yenyu yose, muchitsanya, muchichema nokuungudza;
12Therefore also now, saith the LORD, turn ye even to me with all your heart, and with fasting, and with weeping, and with mourning:
13bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguvo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nekuti ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa.
13And rend your heart, and not your garments, and turn unto the LORD your God: for he is gracious and merciful, slow to anger, and of great kindness, and repenteth him of the evil.
14Ndiani angaziva , zvimwe angadzoka akazvidemba, akasiya mukomborero kana achibva, zvimwe chipiriso choupfu kana chipiriso chinomwiwa zvamungavigira Jehovha Mwari wenyu?
14Who knoweth if he will return and repent, and leave a blessing behind him; even a meat offering and a drink offering unto the LORD your God?
15Ridzai, hwamanda paZiyoni, tsaurai zuva rokutsanya, danai vanhu kuungano yakatarwa;
15Blow the trumpet in Zion, sanctify a fast, call a solemn assembly:
16kokerai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata.
16Gather the people, sanctify the congregation, assemble the elders, gather the children, and those that suck the breasts: let the bridegroom go forth of his chamber, and the bride out of her closet.
17Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme pakati peberere neatari, vati, Aiwa, Jehovha, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti marudzi avanhu avaseke; vangareveiko pakati pamarudzi avanhu, vachiti, Mwari wavo aripiko?
17Let the priests, the ministers of the LORD, weep between the porch and the altar, and let them say, Spare thy people, O LORD, and give not thine heritage to reproach, that the heathen should rule over them: wherefore should they say among the people, Where is their God?
18Ipapo Jehovha akava negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi.
18Then will the LORD be jealous for his land, and pity his people.
19Jehovha akapindura, akati kuvanhu vake, Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, namafuta, mugoguta nazvo; handichakuitiyi chinhu chinoshoorwa pakati pamarudzi;
19Yea, the LORD will answer and say unto his people, Behold, I will send you corn, and wine, and oil, and ye shall be satisfied therewith: and I will no more make you a reproach among the heathen:
20asi ndichabvisa kure nemwi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nekuti yakaita zvinhu zvikuru.
20But I will remove far off from you the northern army, and will drive him into a land barren and desolate, with his face toward the east sea, and his hinder part toward the utmost sea, and his stink shall come up, and his ill savour shall come up, because he hath done great things.
21Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nekuti Jehovha akaita zvinhu zvikuru.
21Fear not, O land; be glad and rejoice: for the LORD will do great things.
22Regai kutya, imwi mhuka dzesango; nekuti mafuro erenje anobukira, nekuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo.
22Be not afraid, ye beasts of the field: for the pastures of the wilderness do spring, for the tree beareth her fruit, the fig tree and the vine do yield their strength.
23Naizvozvo farai, imwi vana veZiyoni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nekuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga.
23Be glad then, ye children of Zion, and rejoice in the LORD your God: for he hath given you the former rain moderately, and he will cause to come down for you the rain, the former rain, and the latter rain in the first month.
24Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta.
24And the floors shall be full of wheat, and the vats shall overflow with wine and oil.
25Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu.
25And I will restore to you the years that the locust hath eaten, the cankerworm, and the caterpiller, and the palmerworm, my great army which I sent among you.
26Muchadya zvakawanda, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
26And ye shall eat in plenty, and be satisfied, and praise the name of the LORD your God, that hath dealt wondrously with you: and my people shall never be ashamed.
27Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
27And ye shall know that I am in the midst of Israel, and that I am the LORD your God, and none else: and my people shall never be ashamed.
28Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo;
28And it shall come to pass afterward, that I will pour out my spirit upon all flesh; and your sons and your daughters shall prophesy, your old men shall dream dreams, your young men shall see visions:
29ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo.
29And also upon the servants and upon the handmaids in those days will I pour out my spirit.
30Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
30And I will shew wonders in the heavens and in the earth, blood, and fire, and pillars of smoke.
31Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
31The sun shall be turned into darkness, and the moon into blood, before the great and terrible day of the LORD come.
32Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nekuti pagomo reZiyoni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadamwa naJehovha.
32And it shall come to pass, that whosoever shall call on the name of the LORD shall be delivered: for in mount Zion and in Jerusalem shall be deliverance, as the LORD hath said, and in the remnant whom the LORD shall call.