1Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
1I am the true vine, and my Father is the husbandman.
2Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.
2Every branch in me that beareth not fruit he taketh away: and every branch that beareth fruit, he purgeth it, that it may bring forth more fruit.
3Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.
3Now ye are clean through the word which I have spoken unto you.
4Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka zvibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri.
4Abide in me, and I in you. As the branch cannot bear fruit of itself, except it abide in the vine; no more can ye, except ye abide in me.
5Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka chibereko chakawanda; nekuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
5I am the vine, ye are the branches: He that abideth in me, and I in him, the same bringeth forth much fruit: for without me ye can do nothing.
6Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.
6If a man abide not in me, he is cast forth as a branch, and is withered; and men gather them, and cast them into the fire, and they are burned.
7Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.
7If ye abide in me, and my words abide in you, ye shall ask what ye will, and it shall be done unto you.
8Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
8Herein is my Father glorified, that ye bear much fruit; so shall ye be my disciples.
9Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.
9As the Father hath loved me, so have I loved you: continue ye in my love.
10Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.
10If ye keep my commandments, ye shall abide in my love; even as I have kept my Father's commandments, and abide in his love.
11Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.
11These things have I spoken unto you, that my joy might remain in you, and that your joy might be full.
12Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.
12This is my commandment, That ye love one another, as I have loved you.
13Hakuna une rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.
13Greater love hath no man than this, that a man lay down his life for his friends.
14Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.
14Ye are my friends, if ye do whatsoever I command you.
15Handichakuidziizve varanda, nekuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nekuti zvose zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.
15Henceforth I call you not servants; for the servant knoweth not what his lord doeth: but I have called you friends; for all things that I have heard of my Father I have made known unto you.
16Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.
16Ye have not chosen me, but I have chosen you, and ordained you, that ye should go and bring forth fruit, and that your fruit should remain: that whatsoever ye shall ask of the Father in my name, he may give it you.
17Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.
17These things I command you, that ye love one another.
18Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.
18If the world hate you, ye know that it hated me before it hated you.
19Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nekuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.
19If ye were of the world, the world would love his own: but because ye are not of the world, but I have chosen you out of the world, therefore the world hateth you.
20Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.
20Remember the word that I said unto you, The servant is not greater than his lord. If they have persecuted me, they will also persecute you; if they have kept my saying, they will keep yours also.
21Asi izvi zvose vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nekuti havamuzivi wakandituma.
21But all these things will they do unto you for my name's sake, because they know not him that sent me.
22Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.
22If I had not come and spoken unto them, they had not had sin: but now they have no cloak for their sin.
23Unondivenga, unovenga Baba vanguwo.
23He that hateth me hateth my Father also.
24Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvose ini naBaba vangu.
24If I had not done among them the works which none other man did, they had not had sin: but now have they both seen and hated both me and my Father.
25Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.
25But this cometh to pass, that the word might be fulfilled that is written in their law, They hated me without a cause.
26Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu uchapupura nezvangu.
26But when the Comforter is come, whom I will send unto you from the Father, even the Spirit of truth, which proceedeth from the Father, he shall testify of me:
27Nemwiwo muchapupura, nekuti maiva neni kubva pakutanga.
27And ye also shall bear witness, because ye have been with me from the beginning.