Shona

King James Version

Luke

13

1Zvino panguva iyo kwakange kune vamwe vakamuudza zvevaGarirea, ropa ravo Pirato raakange avhenganisa nezvibayiro zvavo.
1There were present at that season some that told him of the Galilaeans, whose blood Pilate had mingled with their sacrifices.
2Zvino Jesu achipindura wakati kwavari: Munofunga kuti vaGarirea avo vaiva vatadzi kupfuura vaGarirea vose here, nokuti vakatambudzika zvinhu zvakadai?
2And Jesus answering said unto them, Suppose ye that these Galilaeans were sinners above all the Galilaeans, because they suffered such things?
3Kwete, ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.
3I tell you, Nay: but, except ye repent, ye shall all likewise perish.
4Kana vaya gumi nevasere, rusvingo parwakawira pamusoro pavo muSiroami, rwukavauraya, munofunga kuti ivo vakange vari vadariki kukunda vanhu vose vaigara muJerusarema here?
4Or those eighteen, upon whom the tower in Siloam fell, and slew them, think ye that they were sinners above all men that dwelt in Jerusalem?
5Kwete, ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.
5I tell you, Nay: but, except ye repent, ye shall all likewise perish.
6Zvino wakataura mufananidzo uyu akati: Umwe wakange ane muonde, wakange wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka chibereko kwauri, asi wakashaiwa.
6He spake also this parable; A certain man had a fig tree planted in his vineyard; and he came and sought fruit thereon, and found none.
7Zvino wakati kumurimi wemunda wemizambiringa: Tarira, makore matatu ndichiuya ndichitsvaka chibereko pamuonde uyu, ndikashaiwa; uteme, unourayirei kunyange ivhu?
7Then said he unto the dresser of his vineyard, Behold, these three years I come seeking fruit on this fig tree, and find none: cut it down; why cumbereth it the ground?
8Iye achipindura wakati kwaari: Ishe, muregei gore rinowo, kusvikira nditimbe ndichiupoteredza, nekuuisa mupfudze;
8And he answering said unto him, Lord, let it alone this year also, till I shall dig about it, and dung it:
9zvino kana ukabereka chibereko, zvakanaka; asi kana zvikasadaro, shure kweizvozvo mungazoutema henyu.
9And if it bear fruit, well: and if not, then after that thou shalt cut it down.
10Zvino waiva achidzidzisa mune rimwe remasinagoge nesabata;
10And he was teaching in one of the synagogues on the sabbath.
11zvino tarira, kwaiva kune mukadzi waiva nemweya weundonda makore gumi nemasere, wakange akakombama musana, asingatongogoni kutasamuka.
11And, behold, there was a woman which had a spirit of infirmity eighteen years, and was bowed together, and could in no wise lift up herself.
12Zvino Jesu wakati achimuona, akamudanira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa paundonda hwako.
12And when Jesus saw her, he called her to him, and said unto her, Woman, thou art loosed from thine infirmity.
13Ndokuisa maoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari.
13And he laid his hands on her: and immediately she was made straight, and glorified God.
14Asi mutungamiriri wesinagoge wakapindura akatsamwa nekuti Jesu wakaporesa nesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu anofanira kubatwa nawo; naizvozvo uyai naiwayo muporeswe, asi kwete nemusi wesabata.
14And the ruler of the synagogue answered with indignation, because that Jesus had healed on the sabbath day, and said unto the people, There are six days in which men ought to work: in them therefore come and be healed, and not on the sabbath day.
15Naizvozvo Ishe wakamupindura, akati: Munyepedzeri, umwe neumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nesabata, akaitungamidza kunoimwisa here?
15The Lord then answered him, and said, Thou hypocrite, doth not each one of you on the sabbath loose his ox or his ass from the stall, and lead him away to watering?
16Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahamu, Satani waakange akasunga, tarira, makore gumi nemasere, hazvina kufanira kuti asunungurwe pachisungo ichi nesabata here?
16And ought not this woman, being a daughter of Abraham, whom Satan hath bound, lo, these eighteen years, be loosed from this bond on the sabbath day?
17Zvino achireva zvinhu izvi, vapikisi vake vose vakanyadziswa; asi chaunga chose chakafara nezvinhu zvose zvinorumbidzwa zvakaitwa naye.
17And when he had said these things, all his adversaries were ashamed: and all the people rejoiced for all the glorious things that were done by him.
18Zvino akati: Ushe hwaMwari hwakaita sei? Uye ndichahwufananidza nei?
18Then said he, Unto what is the kingdom of God like? and whereunto shall I resemble it?
19Hwakaita setsanga yemasitadha, munhu yaakatora akakanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzekudenga dzikavaka matendere pamatavi awo.
19It is like a grain of mustard seed, which a man took, and cast into his garden; and it grew, and waxed a great tree; and the fowls of the air lodged in the branches of it.
20Akatizve: Ndichahwufananidza nei ushe hwaMwari?
20And again he said, Whereunto shall I liken the kingdom of God?
21Hwakaita sembiriso, mukadzi yaakatora akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.
21It is like leaven, which a woman took and hid in three measures of meal, till the whole was leavened.
22Zvino wakafamba achipfuura mumaguta nemisha achidzidzisa, ari munzira kuenda kuJerusarema.
22And he went through the cities and villages, teaching, and journeying toward Jerusalem.
23Umwe ndokuti kwaari: Ishe, vachaponeswa vashoma here? Akati kwavari:
23Then said one unto him, Lord, are there few that be saved? And he said unto them,
24Rwisai kupinda nesuwo rakamanikana; nekuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
24Strive to enter in at the strait gate: for many, I say unto you, will seek to enter in, and shall not be able.
25Shure kwekunge mwene weimba asimuka avhara mukova, zvino mukatanga kumira kunze nekugogodza pamukova, muchiti: Ishe, Ishe, tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva.
25When once the master of the house is risen up, and hath shut to the door, and ye begin to stand without, and to knock at the door, saying, Lord, Lord, open unto us; and he shall answer and say unto you, I know you not whence ye are:
26Ipapo muchatanga kuti: Takadya nekumwa pamberi penyu, uye makadzidzisa panzira dzekwedu.
26Then shall ye begin to say, We have eaten and drunk in thy presence, and thou hast taught in our streets.
27Asi uchati: Ndinoti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri imwi mose vaiti vezvakaipa.
27But he shall say, I tell you, I know you not whence ye are; depart from me, all ye workers of iniquity.
28Apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno, kana moona Abhurahamu naIsaka naJakobho nevaporofita vose muushe hwaMwari, asi imwi marasirwa kunze.
28There shall be weeping and gnashing of teeth, when ye shall see Abraham, and Isaac, and Jacob, and all the prophets, in the kingdom of God, and you yourselves thrust out.
29Uye vachabva kumabvazuva nemavirira, uye kubva kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara pakudya muushe hwaMwari.
29And they shall come from the east, and from the west, and from the north, and from the south, and shall sit down in the kingdom of God.
30Zvino tarirai, varipo vekupedzisira vachava vekutanga, uye varipo vekutanga vachava vekupedzisira.
30And, behold, there are last which shall be first, and there are first which shall be last.
31Nezuva iroro kwakasvika vamwe vaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nekuti Herodhe unoda kukuurayai.
31The same day there came certain of the Pharisees, saying unto him, Get thee out, and depart hence: for Herod will kill thee.
32Akati kwavari: Endai, munoudza gava iro, muti: Tarira, ndinobudisa madhimoni nekuita kuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedzeredza.
32And he said unto them, Go ye, and tell that fox, Behold, I cast out devils, and I do cures to day and to morrow, and the third day I shall be perfected.
33Asi zvakafanira kuti ndifambe nhasi namangwana nerinotevera, nekuti hazvigoneki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.
33Nevertheless I must walk to day, and to morrow, and the day following: for it cannot be that a prophet perish out of Jerusalem.
34Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo hukwana dzayo pasi pemapapiro, asi hamuna kuda.
34O Jerusalem, Jerusalem, which killest the prophets, and stonest them that are sent unto thee; how often would I have gathered thy children together, as a hen doth gather her brood under her wings, and ye would not!
35Tarirai, imba yenyu yasiiya kwamuri riri dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchazondioni, kusvikira zvasvika kuti muti: Ngaarumbidzwe iye unouya nezita raIshe!
35Behold, your house is left unto you desolate: and verily I say unto you, Ye shall not see me, until the time come when ye shall say, Blessed is he that cometh in the name of the Lord.