Shona

King James Version

Nehemiah

7

1Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa,
1Now it came to pass, when the wall was built, and I had set up the doors, and the porters and the singers and the Levites were appointed,
2ndikagadza Hanani munin'ina wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nekuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji.
2That I gave my brother Hanani, and Hananiah the ruler of the palace, charge over Jerusalem: for he was a faithful man, and feared God above many.
3Ndikati kwavari, Masuwo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imwi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.
3And I said unto them, Let not the gates of Jerusalem be opened until the sun be hot; and while they stand by, let them shut the doors, and bar them: and appoint watches of the inhabitants of Jerusalem, every one in his watch, and every one to be over against his house.
4Zvino guta rakanga riri bamhi rakakura; asi vanhu vaivamo vashoma; uye dzimba dzakanga dzichigere kuvakwa.
4Now the city was large and great: but the people were few therein, and the houses were not builded.
5Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai:
5And my God put into mine heart to gather together the nobles, and the rulers, and the people, that they might be reckoned by genealogy. And I found a register of the genealogy of them which came up at the first, and found written therein,
6Ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha, vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakadzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake.
6These are the children of the province, that went up out of the captivity, of those that had been carried away, whom Nebuchadnezzar the king of Babylon had carried away, and came again to Jerusalem and to Judah, every one unto his city;
7Ivo vakauya naZerubhabheri,. naJeshua, naNehemiya, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naModhekai, naBhirishani, naMisipereti, naBhigivhadhi, naNehumi, naBhaana. Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko:
7Who came with Zerubbabel, Jeshua, Nehemiah, Azariah, Raamiah, Nahamani, Mordecai, Bilshan, Mispereth, Bigvai, Nehum, Baanah. The number, I say, of the men of the people of Israel was this;
8Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.
8The children of Parosh, two thousand an hundred seventy and two.
9Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
9The children of Shephatiah, three hundred seventy and two.
10Vana vaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
10The children of Arah, six hundred fifty and two.
11Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshura naJoabhu, zviuru zviviri namazana masere negumi navasere.
11The children of Pahathmoab, of the children of Jeshua and Joab, two thousand and eight hundred and eighteen.
12Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
12The children of Elam, a thousand two hundred fifty and four.
13Vana vaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu.
13The children of Zattu, eight hundred forty and five.
14Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.
14The children of Zaccai, seven hundred and threescore.
15Vana vaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere.
15The children of Binnui, six hundred forty and eight.
16Vana vaBhebhai mazana matanhatu namakumi maviri navasere.
16The children of Bebai, six hundred twenty and eight.
17Vana vaAzigadhi, zviuru zviviri namazana matatu namakumi maviri navaviri.
17The children of Azgad, two thousand three hundred twenty and two.
18Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe.
18The children of Adonikam, six hundred threescore and seven.
19Vana vaBhigivhadhi, zviuru zviviri namakumi matanhatu navanomwe.
19The children of Bigvai, two thousand threescore and seven.
20Vana vaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu.
20The children of Adin, six hundred fifty and five.
21Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.
21The children of Ater of Hezekiah, ninety and eight.
22Vana vaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere.
22The children of Hashum, three hundred twenty and eight.
23Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana.
23The children of Bezai, three hundred twenty and four.
24Vana vaHarifi, zana rimwe negumi navaviri.
24The children of Hariph, an hundred and twelve.
25Vana vaGibhiyoni, makumi mapfumbamwe navashanu.
25The children of Gibeon, ninety and five.
26Varume veBheterehemu naveNetofa, zana rimwe namakumi masere navasere.
26The men of Bethlehem and Netophah, an hundred fourscore and eight.
27Varume veAnatoti, zana rimwe namakumi maviri navasere.
27The men of Anathoth, an hundred twenty and eight.
28Varume veBhetiazimavheti, makumi mana navaviri.
28The men of Bethazmaveth, forty and two.
29Varume veKiriatijearimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.
29The men of Kirjathjearim, Chephirah, and Beeroth, seven hundred forty and three.
30Varume veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.
30The men of Ramah and Gaba, six hundred twenty and one.
31Varume veMikimashi, zana rimwe namakumi maviri navaviri.
31The men of Michmas, an hundred and twenty and two.
32Varume veBhetieri neAi, zana rimwe namakumi maviri navatatu.
32The men of Bethel and Ai, an hundred twenty and three.
33Varume veNebho rechipiri, makumi mashanu navaviri.
33The men of the other Nebo, fifty and two.
34Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
34The children of the other Elam, a thousand two hundred fifty and four.
35Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.
35The children of Harim, three hundred and twenty.
36Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.
36The children of Jericho, three hundred forty and five.
37Vana veRoghi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe.
37The children of Lod, Hadid, and Ono, seven hundred twenty and one.
38Vana veSenaa, zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe namakumi matatu.
38The children of Senaah, three thousand nine hundred and thirty.
39Vapristi vakanga vari, vana vaJedhaya, veimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.
39The priests: the children of Jedaiah, of the house of Jeshua, nine hundred seventy and three.
40Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.
40The children of Immer, a thousand fifty and two.
41Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.
41The children of Pashur, a thousand two hundred forty and seven.
42Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.
42The children of Harim, a thousand and seventeen.
43VaRevhi vakanga vari, vana vaJeshua weKadhimieri, wavana vaHodhevha, makumi manomwe navana.
43The Levites: the children of Jeshua, of Kadmiel, and of the children of Hodevah, seventy and four.
44Vaimbi vakanga vari, vana vaAsafi, zana rimwe namakumi mana navasere.
44The singers: the children of Asaph, an hundred forty and eight.
45Varindi vemikova vakanga vari, vana vaSharumi, navana vaAteri, navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, zana rimwe namakumi matatu navasere.
45The porters: the children of Shallum, the children of Ater, the children of Talmon, the children of Akkub, the children of Hatita, the children of Shobai, an hundred thirty and eight.
46VaNetinimi vakanga vari, vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti,
46The Nethinims: the children of Ziha, the children of Hashupha, the children of Tabbaoth,
47navana vaKerosi, navana vaSia, navana vaPadhoni,
47The children of Keros, the children of Sia, the children of Padon,
48navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaSarimai,
48The children of Lebana, the children of Hagaba, the children of Shalmai,
49navana vaHanani, navana vaGidheri, navana vaGahari,
49The children of Hanan, the children of Giddel, the children of Gahar,
50navana vaReaya, navana vaRezini, navana vaNekodha,
50The children of Reaiah, the children of Rezin, the children of Nekoda,
51navana vaGazami, navana vaUza, navana vaPasea,
51The children of Gazzam, the children of Uzza, the children of Phaseah,
52navana vaBhesai, navana vaMeunimi, navana vaNefushesimi.
52The children of Besai, the children of Meunim, the children of Nephishesim,
53navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri,
53The children of Bakbuk, the children of Hakupha, the children of Harhur,
54navana vaBhaziriti, navana vaMehidha, navana vaHarisha,
54The children of Bazlith, the children of Mehida, the children of Harsha,
55navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema,
55The children of Barkos, the children of Sisera, the children of Tamah,
56navana vaNezia, navana vaHatifa.
56The children of Neziah, the children of Hatipha.
57Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari, vana vaSotai, navana vaSofereti, navana vaPeridha,
57The children of Solomon's servants: the children of Sotai, the children of Sophereth, the children of Perida,
58navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri,
58The children of Jaala, the children of Darkon, the children of Giddel,
59navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmoni.
59The children of Shephatiah, the children of Hattil, the children of Pochereth of Zebaim, the children of Amon.
60VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni, vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
60All the Nethinims, and the children of Solomon's servants, were three hundred ninety and two.
61Ndivo vakakwira, vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhoni, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, kana marudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.
61And these were they which went up also from Telmelah, Telharesha, Cherub, Addon, and Immer: but they could not shew their father's house, nor their seed, whether they were of Israel.
62Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mana navaviri.
62The children of Delaiah, the children of Tobiah, the children of Nekoda, six hundred forty and two.
63Pakati pavapristi vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
63And of the priests: the children of Habaiah, the children of Koz, the children of Barzillai, which took one of the daughters of Barzillai the Gileadite to wife, and was called after their name.
64Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupristi.
64These sought their register among those that were reckoned by genealogy, but it was not found: therefore were they, as polluted, put from the priesthood.
65ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupristi ane Urimi neTumimi.
65And the Tirshatha said unto them, that they should not eat of the most holy things, till there stood up a priest with Urim and Thummim.
66Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
66The whole congregation together was forty and two thousand three hundred and threescore,
67vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe, vaiva navaimbi varume navakadzi vana mazana maviri namakumi mana navashanu.
67Beside their manservants and their maidservants, of whom there were seven thousand three hundred thirty and seven: and they had two hundred forty and five singing men and singing women.
68Mabhiza avo aiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; namahesera avo mazana maviri namakumi mana namashanu;
68Their horses, seven hundred thirty and six: their mules, two hundred forty and five:
69makamera avo, mazana manomwe namakumi matatu namashanu; mbongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
69Their camels, four hundred thirty and five: six thousand seven hundred and twenty asses.
70Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chefuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguvo dzavapristi dzina mazana mashanu namakumi matatu.
70And some of the chief of the fathers gave unto the work. The Tirshatha gave to the treasure a thousand drams of gold, fifty basons, five hundred and thirty priests' garments.
71Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chefuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri.
71And some of the chief of the fathers gave to the treasure of the work twenty thousand drams of gold, and two thousand and two hundred pound of silver.
72Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguvo dzavapristi dzina makumi matanhatu nenomwe.
72And that which the rest of the people gave was twenty thousand drams of gold, and two thousand pound of silver, and threescore and seven priests' garments.
73Zvino vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo
73So the priests, and the Levites, and the porters, and the singers, and some of the people, and the Nethinims, and all Israel, dwelt in their cities; and when the seventh month came, the children of Israel were in their cities.