1Zvino ungano yose yakachema zvikuru; vanhu vakachema usiku ihwohwo.
1And all the congregation lifted up their voice, and cried; and the people wept that night.
2Vana vaIsiraeri vose vakapo potera Mozisi naAroni, ungano yose ikati kwavari, Haiwa, dai takafira hedu munyika yeEgipita! Dai takafira hedu murenje rino!
2And all the children of Israel murmured against Moses and against Aaron: and the whole congregation said unto them, Would God that we had died in the land of Egypt! or would God we had died in this wilderness!
3Jehovha akauyireiko nesu munyika ino, tiurawe nomunondo? Vakadzi vedu navana vedu vachatapwa. Hakuzaiva nani kuti tidzokere Egipita here?
3And wherefore hath the LORD brought us unto this land, to fall by the sword, that our wives and our children should be a prey? were it not better for us to return into Egypt?
4Vakataurirana, vakati, Ngatizvitsvakire mukuru, tidzokere Egipita.
4And they said one to another, Let us make a captain, and let us return into Egypt.
5Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri.
5Then Moses and Aaron fell on their faces before all the assembly of the congregation of the children of Israel.
6NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandoshora nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguvo dzavo,
6And Joshua the son of Nun, and Caleb the son of Jephunneh, which were of them that searched the land, rent their clothes:
7vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, Nyika yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwazvo-kwazvo.
7And they spake unto all the company of the children of Israel, saying, The land, which we passed through to search it, is an exceeding good land.
8Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi.
8If the LORD delight in us, then he will bring us into this land, and give it us; a land which floweth with milk and honey.
9Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nekuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.
9Only rebel not ye against the LORD, neither fear ye the people of the land; for they are bread for us: their defense is departed from them, and the LORD is with us: fear them not.
10Asi ungano yose yakati vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa mutende rokusangana navana vaIsiraeri vose.
10But all the congregation bade stone them with stones. And the glory of the LORD appeared in the tabernacle of the congregation before all the children of Israel.
11Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Vanhu ava vachandizvidza kusvikira rinhiko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira rinhiko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?
11And the LORD said unto Moses, How long will this people provoke me? and how long will it be ere they believe me, for all the signs which I have showed among them?
12Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba.
12I will smite them with the pestilence, and disinherit them, and will make of thee a greater nation and mightier than they.
13Mozisi akati kuna Jehovha, VaEgipita vachazvinzwa, nekuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu;
13And Moses said unto the LORD, Then the Egyptians shall hear it, (for thou broughtest up this people in thy might from among them;)
14vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imwi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nekuti imwi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemwi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto.
14And they will tell it to the inhabitants of this land: for they have heard that thou LORD art among this people, that thou LORD art seen face to face, and that thy cloud standeth over them, and that thou goest before them, by day time in a pillar of a cloud, and in a pillar of fire by night.
15Zvino kana mukauraya vanhu ava vose-vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti,
15Now if thou shalt kill all this people as one man, then the nations which have heard the fame of thee will speak, saying,
16Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka akavauraya murenje.
16Because the LORD was not able to bring this people into the land which he sware unto them, therefore he hath slain them in the wilderness.
17Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti,
17And now, I beseech thee, let the power of my Lord be great, according as thou hast spoken, saying,
18Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokangamwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.
18The LORD is long-suffering, and of great mercy, forgiving iniquity and transgression, and by no means clearing the guilty, visiting the iniquity of the fathers upon the children unto the third and fourth generation.
19Ndinokumbira kuti mukangamwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru bwenyasha dzenyu, uye sezvamakakangamwira vanhu ava kubva Egipita kusvikira zvino.
19Pardon, I beseech thee, the iniquity of this people according unto the greatness of thy mercy, and as thou hast forgiven this people, from Egypt even until now.
20Ipapo Jehovha akati, Ndakangamwira sezvawakumbira.
20And the LORD said, I have pardoned according to thy word:
21Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha,
21But as truly as I live, all the earth shall be filled with the glory of the LORD.
22varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muEgipita nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri inzwi rangu,
22Because all those men which have seen my glory, and my miracles, which I did in Egypt and in the wilderness, and have tempted me now these ten times, and have not hearkened to my voice;
23zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona,
23Surely they shall not see the land which I sware unto their fathers, neither shall any of them that provoked me see it:
24asi muranda wangu Karebhu, nekuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake.
24But my servant Caleb, because he had another spirit with him, and hath followed me fully, him will I bring into the land whereinto he went; and his seed shall possess it.
25Zvino vaAmareki navaKanani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku.
25(Now the Amalekites and the Canaanites dwelt in the valley.) Tomorrow turn you, and get you into the wilderness by the way of the Red sea.
26Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati,
26And the LORD spake unto Moses and unto Aaron, saying,
27Ungano iyi yakaipa icharamba ichindinyunyutira kusvikira rinhiko? Ndakanzwa kunyunyuta kwavana vaIsiraeri, kwavanondinyunyutira nako.
27How long shall I bear with this evil congregation, which murmur against me? I have heard the murmurings of the children of Israel, which they murmur against me.
28Uti kwavari, zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, noupenyu hwangu, sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.
28Say unto them, As truly as I live, saith the LORD, as ye have spoken in mine ears, so will I do to you:
29Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; imwi mose makaverengwa, nokuwanda kwenyu kose, vose vana makore makumi maviri navanopfuura, vakandinyunyutira,
29Your carcasses shall fall in this wilderness; and all that were numbered of you, according to your whole number, from twenty years old and upward which have murmured against me.
30zvirokwazvo, imwi hamungapindi munyika yandakupikirai, ndichiti, ndichakugarisaimo, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.
30Doubtless ye shall not come into the land, concerning which I sware to make you dwell therein, save Caleb the son of Jephunneh, and Joshua the son of Nun.
31Asi vana venyu vamakati vachatapwa, ndivo vandichapinza; ivo vachaziva nyika yamakaramba imwi.
31But your little ones, which ye said should be a prey, them will I bring in, and they shall know the land which ye have despised.
32Asi kana murimwi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje, rino.
32But as for you, your carcasses, they shall fall in this wilderness.
33Vana venyu vachadzungaira savafudzi murenje makore ana makumi mana, vachirohwa nokuda kokupata kwenyu, kusvikira zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje.
33And your children shall wander in the wilderness forty years, and bear your whoredoms, until your carcasses be wasted in the wilderness.
34Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva ana makumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore ana makumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai.
34After the number of the days in which ye searched the land, even forty days, each day for a year, shall ye bear your iniquities, even forty years, and ye shall know my breach of promise.
35Ini Jehovha, ndakataura izvozvo, ndichaitira saizvozvo ungano iyi yose yakaipa, yakaungana kuzorwa neni; vachaparadzwa murenje rino, vachafirapo.
35I the LORD have said, I will surely do it unto all this evil congregation, that are gathered together against me: in this wilderness they shall be consumed, and there they shall die.
36Zvino varume vakanga vatumwa naMozisi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,
36And the men, which Moses sent to search the land, who returned, and made all the congregation to murmur against him, by bringing up a slander upon the land,
37varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJehovha.
37Even those men that did bring up the evil report upon the land, died by the plague before the LORD.
38Asi Joshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakasara vari vapenyu pavarume vaya vakandoshora nyika.
38But Joshua the son of Nun, and Caleb the son of Jephunneh, which were of the men that went to search the land, lived still.
39Zvino Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri mashoko iwaya ose; vanhu vakachema kwazvo;
39And Moses told these sayings unto all the children of Israel: and the people mourned greatly.
40vakafumira mangwanani, vakakwira kumusoro wegomo, vakati, Tarirai, tiri pano hedu, tichandokwira kwatakavimbiswa naJehovha, nekuti tatadza.
40And they rose up early in the morning, and gat them up into the top of the mountain, saying, Lo, we be here, and will go up unto the place which the LORD hath promised: for we have sinned.
41Mozisi akati, Munodarikireiko murayiro waJehovha, nekuti muchaona nhamo.
41And Moses said, Wherefore now do ye transgress the commandment of the LORD? but it shall not prosper.
42Musakwira, nekuti Jehovha haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa navavengi venyu.
42Go not up, for the LORD is not among you; that ye be not smitten before your enemies.
43Nekuti vaAmareki navaKanani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo, nekuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haangavi nemi.
43For the Amalekites and the Canaanites are there before you, and ye shall fall by the sword: because ye are turned away from the LORD, therefore the LORD will not be with you.
44Kunyange zvakadaro vakaidza havo kukwira kumusoro wegomo nokuzvikudza kwavo; asi areka yesungano yaJehovha haina kubva pamisasa, naiye Mozisiwo.
44But they presumed to go up unto the hill top: nevertheless the ark of the covenant of the LORD, and Moses, departed not out of the camp.
45Ipapo vaAmareki navaKanani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHoma.
45Then the Amalekites came down, and the Canaanites which dwelt in that hill, and smote them, and discomfited them, even unto Hormah.